< Isaya 43 >
1 Asi zvino, zvanzi naJehovha, iye akasika iwe Jakobho, iye akakuumba iwe Israeri: “Usatya, nokuti ndakakudzikinura; ndakakudana nezita rako; uri wangu.
Kodwa khathesi itsho njalo iNkosi eyakudalayo, wena Jakobe, leyakubumbayo, wena Israyeli: Ungesabi, ngoba ngikuhlengile, ngakubiza ngebizo lakho; ungowami.
2 Paunopfuura nomumvura zhinji ini ndichava newe; uye paunopinda nomunzizi, hadzizokukukuri. Paunofamba nomumoto, haungazotsvi; murazvo haungazokupisi.
Lapho udabula emanzini ngizakuba lawe, lemifuleni, kayiyikukukhukhula; lapho uhamba udabula emlilweni, kawuyikutsha, lelangabi kaliyikukulumathisa.
3 Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, Muponesi wako; ndinopa Ijipiti kuti ive rusununguko rwako, Etiopia neShebha pachinzvimbo chako.
Ngoba ngiyiNkosi uNkulunkulu wakho, oNgcwele kaIsrayeli, uMsindisi wakho. Nginikele iGibhithe libe lihlawulo lokuthula lakho, iEthiyophiya leSeba esikhundleni sakho.
4 Sezvo uchikosha uye uchikudzwa pamberi pangu, uye nokuti ndinokuda, ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu pachinzvimbo choupenyu hwako.
Njengoba wawuligugu emehlweni ami, wawudumile, njalo mina ngikuthandile. Ngakho ngizanika abantu esikhundleni sakho, lezizwe endaweni yempilo yakho.
5 Usatya, nokuti ndinewe; ndichauyisa vana vako kubva kumabvazuva, ndichakuunganidzai kubva kumavirira.
Ungesabi, ngoba ngilawe; ngizaletha inzalo yakho ivela empumalanga, ngikubuthe uvela entshonalanga;
6 Ndichati kurutivi rwokumusoro, ‘Varegedze!’ uye kurutivi rwezasi, ‘Usavadzivisa.’ Uyisai vanakomana vangu kubva kure, uye navanasikana vangu vabva kumigumo yenyika,
ngizakutsho kuyo inyakatho: Phana; lakuningizimu: Ungagodli; lethani amadodana ami akhatshana, lamadodakazi ami asemkhawulweni womhlaba,
7 vose vanodanwa nezita rangu, vandakasikira kukudzwa kwangu vandakaumba uye ndikaita.”
wonke obizwa ngebizo lami; ngoba ngimdalele udumo lwami, ngimbumbile, yebo ngimenzile.
8 Uyai neavo vane meso asi vari mapofu, vane nzeve asi vari matsi.
Khuphani abantu abayiziphofu abalamehlo, lezacuthe ezilendlebe.
9 Ndudzi dzose ngadziungane pamwe chete, uye marudzi ngaaungane. Ndianiko pakati pavo akati izvi zvichaitika, akatiparidzira zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo kuti zvionekwe kuti havana mhosva, kuitira kuti vamwe vanzwe vagoti, “Ichokwadi.”
Izizwe zonke kazibuthane ndawonye, labantu bahlangane. Ngubani phakathi kwabo ongamemezela lokhu, asenze sizwe izinto zamandulo? Kabalethe abafakazi babo, ukuze balungisiswe, kumbe bezwe bathi: Kuliqiniso.
10 “Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nomuranda wangu wandakasarudza, kuti mugoziva uye mugonditenda uye mugonzwisisa kuti ndini iye. Hakuna kumbova nomumwe mwari akaumbwa ndisati ndavapo, uye hakuchazova nomumwe shure kwangu.
Lingabafakazi bami, kutsho iNkosi, lenceku yami engiyikhethileyo; ukuze lazi, lingikholwe, liqedisise ukuthi nginguye; ngaphambi kwami kakubunjwanga unkulunkulu, langemva kwami kayikuba khona.
11 Ini, iyeni, ndini Jehovha, uye kunze kwangu hakuna muponesi.
Mina, mina ngiyiNkosi; langaphandle kwami kakulamsindisi.
12 Ini ndakaratidza ndikaponesa, ndikaparidza, ini, kwete vamwe vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu. Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti, “ndini Mwari.
Ngimemezele, ngasindisa, ngazwakalisa, kungakabikho unkulunkulu wezizwe phakathi kwenu; ngakho lingabafakazi bami, kutsho iNkosi, ukuthi nginguNkulunkulu.
13 Hongu, kubva pamazuva akare ndini iye. Hakuna angarwira munhu muruoko rwangu. Pandinoita chinhu, ndianiko angachikonesa?”
Yebo, kungakabi khona usuku, mina nginguye; njalo kakho ongakhulula esandleni sami; ngizasebenza, njalo ngubani ongakubuyisela emuva?
14 Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsraeri: “Ndichatuma vanhu kuBhabhironi nokuda kwenyu, uye ndichaburitsa vaBhabhironi vose vachitiza, muzvikepe zvavaidada nazvo.
Itsho njalo iNkosi, uMhlengi wenu, oNgcwele kaIsrayeli: Ngenxa yenu ngithumele eBhabhiloni, ngehlisele phansi bonke ababalekayo babo, lamaKhaladiya okukhala kwawo kusemikhunjini.
15 Ndini Jehovha, Mutsvene Wenyu, Musiki waIsraeri, Mambo wenyu.”
NgiyiNkosi, oNgcwele wenu, uMdali kaIsrayeli, inkosi yenu.
16 Zvanzi naJehovha, iye akaita nzira pakati pegungwa, nenzira mukati memvura zhinji,
Itsho njalo iNkosi, eyenza indlela olwandle, lomkhondo emanzini alamandla,
17 iye akabudisa ngoro namabhiza, hondo pamwe chete nezvinosimbisa, vakavata ipapo, havana kuzombomukazve, vadzimwa, vadzimwa somwenje:
ekhupha inqola lebhiza, ibutho lamandla; kuzalala ndawonye, kakuyikuvuka; kuzaphela du, kucitshe njengentambo yesibane.
18 “Chikanganwai zvinhu zvakare; musaramba muri pane zvakapfuura.
Lingakhumbuli izinto zakuqala, linganakani ngezinto zendulo.
19 Tarirai, ndava kuita chinhu chitsva! Zvino chava kumera; hamuchioni here? Ndiri kuita nzira mugwenga nehova musango.
Khangelani, ngizakwenza into entsha; khathesi izahluma, kaliyikuyazi yini? Yebo, ngizakwenza indlela enkangala, imifula ogwaduleni.
20 Zvikara zvesango zvinondikudza, makava namazizi, nokuti ndinozvipa mvura mugwenga nehova musango, kuti ndipe vanhu vangu chokunwa, vasanangurwa vangu,
Inyamazana zeganga zizangidumisa, imigobho lamadodakazi ezintshe; ngoba nginika amanzi enkangala, imifula ogwaduleni, ukunathisa abantu bami, abakhethiweyo bami.
21 vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu.
Lababantu ngizibumbele bona; bazalandisa udumo lwami.
22 “Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakobho; hauna kuzvinetesa nokuda kwangu, iwe Israeri.
Kanti kawungibizanga, Jakobe, kodwa udiniwe ngami, Israyeli.
23 Hauna kundivigira makwai ezvipiriso zvinopiswa, kana kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza nezvipiriso zvezviyo, kana kukunetesa nokuda zvinonhuhwira.
Kawulethanga kimi izimvu zomnikelo wakho wokutshiswa, kawungihloniphanga ngemihlatshelo yakho. Kangikwenzanga wakhonza ngomnikelo, kangikudinisanga ngempepha.
24 Hauna kundivigira kana zvinotapira, kana kundigutsa namafuta ezvibayiro zvako. Asi wakandiremedza nezvivi zvako uye ukandinetesa nokudarika kwako.
Kawungithengelanga umhlanga olephunga elimnandi ngemali, njalo kawungisuthisanga ngamahwahwa emihlatshelo yakho; kodwa ungenze ngasebenza ngezono zakho, wangidinisa ngeziphambeko zakho.
25 “Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako, nokuda kwangu, handizorangaririzve zvakaipa zvako.
Mina, mina nginguye owesula iziphambeko zakho ngenxa yami, kangiyikuzikhumbula izono zakho.
26 Ndiyeuchidze zvakapfuura, ngatitaurirane nyaya iyi pamwe chete; zvipupurire kuti hauna mhosva.
Ngikhumbuza; kasehlulelane; landisa wena, ukuze ulungisiswe.
27 Tateguru wako akatadza; vamiririri vako vakandimukira.
Uyihlo wokuqala wona, labachasisi bakho baphambukile bemelene lami.
28 Naizvozvo ndichanyadzisa vanokudzwa vomutemberi yako, uye ndichaita kuti Jakobho aparadzwe uye Israeri asekwe.
Ngakho ngingcolise iziphathamandla zendlu engcwele, nganikela uJakobe ekutshabalalisweni, loIsrayeli ekuthukweni.