< Isaya 42 >

1 “Tarirai muranda wangu, wandinotsigira, musanangurwa wangu wandinofarira; Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, uye achavigira ndudzi kururamisirwa.
請看我扶持的僕人,我心靈喜愛的所選者!我在他身上傾注了我的神,叫他給萬民傳佈真道。
2 Haazodanidziri kana kuridza mhere, kana kusimudza inzwi munzira dzomuguta.
他不呼喊,不喧嚷,在街市上也聽不到他的聲音。
3 Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, uye nomwenje unopfungaira haazoudzimi. Mukutendeka, achavigira vanhu kururamisira;
破傷的蘆葦,他不折斷;將熄的燈心,他不吹滅;他將忠實地傳佈真道。
4 haangakoniwi uye haangaperi simba kusvikira asimbisa kururamisirwa panyika. Zviwi zvichaisa tariro yazvo mumurayiro wake.”
他不沮喪,也不失望,直到他在世上奠定了真道,因為海島都期待著他的教誨。
5 Zvanzi naMwari Jehovha, iye akasika matenga akaatatamura, akatambanudza nyika nezvose zvinobuda mairi, anopa kufema kuvanhu vayo, noupenyu kuna avo vanofamba pamusoro payo:
那創造且展布天空,舖張大地和佈置大地的產物,給世人賜予氣息,並給在地上行動的,賜與呼吸的天主上主這樣說:「
6 “Ini, Jehovha, ndakakudana mukururama; ndichabata ruoko rwako. Ndichakuchengeta ndigokuita kuti uve sungano yavanhu nechiedza kune veDzimwe Ndudzi,
我,上主,因仁義召叫了你,我必提攜你,保護你,立你作人民的盟約,萬民的光明,
7 kuti usvinudze meso asingaoni, usunungure vakasungwa mutorongo uye usunungure vari mugomba, avo vagere murima.
為開啟盲人的眼目,從獄中領出被囚的人,從牢裏領出住在黑暗的人。
8 “Ndini Jehovha; ndiro zita rangu! Handizopi kukudzwa kwangu kuno mumwe, kana kurumbidzwa kwangu kuzvifananidzo.
我是上主,這是我的名字;我決不將我的光榮讓與另一位,決不將我應受的讚美歸於偶像。
9 Tarira, zvinhu zvakare zvaitika, uye ndiri kutaura zvinhu zvitsva; izvo zvisati zvavapo ndinozvizivisa kwamuri.”
先前的事,看,已經成就;我再宣告新近的事,在事未發生之前,我先告訴你們。」
10 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubva kumagumo enyika, imi munoburukira kugungwa, nezvose zviri mariri, imi zviwi, navose vanogaramo.
你們應向上主高唱新歌,稱述他的榮耀直到地極! 願海洋和其中一切,願島嶼和其上的居民讚美他!
11 Gwenga namaguta aro ngazvidanidzire; nzvimbo dzinogara Kedhari ngadzifare. Vanhu veSera ngavaimbe nomufaro; ngavapururudze pamusoro pemakomo.
願曠野和那裏的城邑,刻達爾人所居住的村落歡呼!願色拉的居民高聲歌唱,從山頂上吶喊!
12 Ngavape rukudzo kuna Jehovha uye vaparidze rumbidzo yake kuzviwi.
願眾人都歸光榮於上主,在島嶼上稱述他的榮耀!
13 Jehovha achabuda somunhu ane simba, semhare, achamutsa kushingaira kwake; nokudanidzira, achamutsa kurwa uye achakunda vavengi vake.
上主出征有如勇士,激起怒火有如戰士;他要高喊呼叫,對自己的敵人顯出他的英勇。
14 “Nokuti ndanga ndakanyarara kwenguva refu, ndanga ndinyerere uye ndichizvidzora. Asi zvino kufanana nomukadzi ari kusununguka, ndiri kudanidzira, ndiri kufemedzeka nokutakwaira.
「我已緘默好久,安靜自抑;然而現今我要像待產的婦女,呼喊、呻吟和哀嘆。
15 Ndichaparadza makomo nezvikomo, uye ndichaomesa zvose zvawo zvinomera; ndichashandura nzizi dzikava zviwi, uye madziva ndichaaomesa.
我要使大山丘陵乾透,使上邊的草木枯槁;我要使河流化為旱地,使池沼涸竭。
16 Ndichatungamirira mapofu nenzira dzavasingazivi, nomumakwara avasina kuziva, ndichavatungamirira; ndichashandura rima rikava chiedza pamberi pavo uye ndichaita kuti nzvimbo dzakaipa dziti chechetere. Izvi ndizvo zvinhu zvandichaita; handizovasiya.
我要領瞎子走他們不知道的路,帶他們行不認識的道;使黑暗在他們前化為光明,使崎嶇之途變為平坦;這些事我都要作,我決不放棄。
17 Asi ivo vanovimba nezvifananidzo, vanoti kune zvakaumbwa, ‘Ndimi vamwari vedu,’ vachadzoserwa shure mukunyadziswa kukuru.
凡依賴偶像且向神像說:「你們是我的神」的人,必要敗退,蒙受奇辱。」
18 “Inzwai, imi matsi; tarirai, imi mapofu, muone!
聾子,你們聽!瞎子,你們睜眼看!
19 Ndianiko bofu, asi muranda wangu, uye matsi kufanana nenhume yandinotuma? Ndianiko bofu rakafanana naiye akazvipira kwandiri, kana bofu rakafanana nomuranda waJehovha?
除了我的僕人外,誰還那麼瞎呢﹖誰如同我派遣的人那麼聾呢﹖誰像與我立和約的人那樣瞎呢﹖誰似上主的僕人那樣聾呢﹖
20 Wakaona zvinhu zvizhinji, asi hauna kuva nehanya; nzeve dzako dzakazaruka, asi hauna chaunonzwa.”
他雖然看見了許多事,卻一無所覺;耳朵開著,卻沒有聽見。
21 Zvakafadza Jehovha nokuda kwokururama kwake, kuti akudze murayiro wake uye aubwinyise.
上主為了自己的仁義,本來願意把法律發揚廣大,
22 Asi ava ndivo vanhu vakapambwa uye vakabirwa, vose vakasungwa mumakomba kana kuti vakavanzwa mumatorongo. Vakava vabatwa, pasina anovarwira; vakaitwa chinhu chakapambwa, pasina anoti, “Vadzoserei kwavakabva.”
但這民族遭受了洗劫和搶掠,被束縛於桎梏之中,隱伏於監獄之內;他們成了搶掠之物,而無人搭救;受人劫奪,而無人敢說:「交出來!」
23 Ndiani pakati penyu achateerera izvi, kana kurerekera nzeve dzake zvikuru panguva inouya?
你們中有誰靜聽這事,今後傾耳靜聽呢﹖
24 Ndiani akarega Jakobho achipambwa, akaendesa Israeri kuvapambi? Akanga asiri Jehovha here, iye watakatadzira? Nokuti havana kuda kutevera nzira dzake; havana kuteerera murayiro wake.
是誰把雅各伯交付給搶掠者﹖是誰將以色列交給了劫奪者﹖不是他們所得罪的,不肯行他的道路,不肯聽從他的法律的那位上主嗎﹖
25 Naizvozvo akadururira hasha dzake dzinopisa pamusoro pavo, iro bongozozo rehondo. Rakavaputira muvira romoto, asi havana kunzwisisa; rakavapisa, asi mwoyo yavo yakashaya hanya nazvo.
因此他在這民族身上發洩了自己的烈怒和戰火;火已在她四周燒起,她仍不理會,已燃燒著她,她仍未放在心上。

< Isaya 42 >