< Isaya 41 >
1 “Nyararai pamberi pangu, imi zviwi! Ndudzi ngadzivandudze simba radzo! Ngadziswedere mberi dzitaure; ngatisanganei pamwe chete panzvimbo inotongerwa mhaka.
もろもろの島よわがまへに默せ もろもろの民よあらたなる力をえて近づききたれ 而して語れ われら寄集ひて諭らはん
2 “Ndianiko akamutsa mumwe kubva kumabvazuva, akamudana nokururama kuushumiri hwake? Anopa ndudzi kwaari, uye anoisa madzimambo pasi pake. Anovashandura vagova guruva nomunondo wake, vagova hundi inopepereswa nemhepo nouta hwake.
たれか東より人をおこししや われは公義をもて之をわが足下に召し その前にもろもろの國を服せしめ また之にもろもろの王ををさめしめ かれらの劍をちりのごとくかれらの弓をふきさらるる藁のごとくならしむ
3 Anovadzinganisa agopfuurira mberi asina vanga, nenzira yaasina kumbotsika netsoka dzake kare.
斯て彼はこれらのものを追 その足いまだ行ざる道をやすらかに過ゆけり
4 Ndiani akabata basa iri akaripedza, akadana zvizvarwa kubva pakutanga? Ini, Jehovha, iye wokutanga wavo newokupedzisira, ndini iye.”
このことは誰がおこなひしや たが成しや たが太初より世々の人をよびいだししや われヱホバなり 我ははじめなり終なり
5 Zviwi zvakazviona zvikatya; magumo enyika anodedera. Vanoswedera uye vagouya mberi;
もろもろの島はこれを見ておそれ地の極はをののきて寄集ひきたれり
6 mumwe nomumwe anobatsira wokwake, achiti kuhama yake, “Simba!”
かれら互にその隣をたすけ その兄弟にいひけるは なんぢ雄々しかれ
7 Mhizha inokurudzira mupfuri wegoridhe, uye iye anotsetsenura nenyundo anokurudzira uyo anorova panhera. Anoti kune chakanamwa nomoto, “Ichi chakanaka.” Anoroverera chifananidzo pasi nechipikiri kuti chisazungunuka.
木匠は鐵工をはげまし鎚をもて平らぐるものは鐵碪をうつものを勵ましていふ 接合せいとよしと また釘をもて堅うして搖くことなからしむ
8 “Asi iwe, Israeri, muranda wangu, Jakobho, wandakasarudza, imi vana vaAbhurahama, shamwari yangu,
然どわが僕イスラエルよ わが選めるヤコブわが友アブラハムの裔よ
9 ndakakutora kubva kumagumo enyika, ndikakudana kubva kumakona ayo ari kure. Ndakati kwauri, ‘Uri muranda wangu,’ ndakakusarudza uye handina kukuramba.
われ地のはてより汝をたづさへきたり地のはしよりなんぢを召 かくて汝にいへり 汝はわが僕われ汝をえらみて棄ざりきと
10 Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako. Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira; ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama.
おそるるなかれ 我なんぢとともにあり 驚くなかれ我なんぢの神なり われなんぢを強くせん 誠になんぢを助けん 誠にわがただしき右手なんぢを支へん
11 “Vose vanokutsamwira zvirokwazvo vachanyadziswa uye vachanyara; vose vanokakavadzana newe vachava sechinhu chisipo uye vachaparara.
視よなんぢにむかひて怒るものはみな恥をえて惶てふためかん なんぢと爭ふものは無もののごとくなりて滅亡せん
12 Kunyange ukatsvaka vavengi vako, hauzovawani. Avo vanorwa newe vachava sechinhu chisipo chose.
なんぢ尋ぬるとも汝とたたかふ人々にあはざるべし 汝といくさする者はなきものの如くなりて虚しくなるべし
13 Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, anobata ruoko rwako rworudyi achiti kwauri, Usatya; ndichakubatsira.
そは我ヱホバなんぢの神はなんぢの右手をとりて汝にいふ 懼るるなかれ我なんぢを助けんと
14 Usatya Jakobho iwe honye, iwe mudiki Israeri, nokuti ini iyeni ndichakubatsira,” ndizvo zvinotaura Jehovha, Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri.
またヱホバ宣給ふ なんぢ虫にひとしきヤコブよイスラエルの人よ おそるるなかれ我なんぢをたすけん汝をあがなふものはイスラエルの聖者なり
15 “Tarira, ndichakuita mupuro, mutsva unopinza, una meno mazhinji. Uchapura makomo ugoapwanya, uye uchaderedza zvikomo zvikava hundi.
視よわれ汝をおほくの鋭歯ある新しき打麥の器となさん なんぢ山をうちて細微にし岡を粃糠のごとくにすべし
16 Uchaapepeta, achatorwa nemhepo, uye chamupupuri chichaaparadzira. Asi iwe uchafara muna Jehovha, uye uchazvirumbidza muMutsvene waIsraeri.
なんぢ簸げば風これを巻さり 狂風これを吹ちらさん 汝はヱホバによりて喜びイスラエルの聖者によりて誇らん
17 “Varombo navanoshaya vanotsvaka mvura asi hakuna; ndimi dzavo dzaoma nenyota. Asi ini Jehovha ndichavapindura; ini, Mwari waIsraeri, handizovasiya.
貧しきものと乏しきものと水を求めて水なくその舌かわきて衰ふるとき われヱホバ聽てこたへん 我イスラエルの神かれらを棄ざるなり
18 Ndichaita kuti nzizi dziyerere pamitunhu isina miti, namatsime pakati pemipata. Ndichashandura gwenga rikava madziva emvura, nenyika yakaoma ikava matsime.
われ河をかぶろの山にひらき泉を谷のなかにいだし また荒野を池となし乾ける地を水の源と變ん
19 Ndichaisa mugwenga musidhari nomuakasiya, mumite nomuorivhi. Ndichaisa mipaini musango, misipuresi nemifiri pamwe chete,
我あれのに香柏 合歎樹 もちの樹 および油の樹をうゑ沙漠に松 杉 及び黄楊をともに置ん
20 kuitira kuti vanhu vaone uye vagoziva, varangarire vagonzwisisa, kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvozvi, kuti Mutsvene waIsraeri ndiye akazvisika.
かくて彼等これを見てヱホバの手の作たまふところイスラエルの聖者の造り給ふ所なるをしり且こころをとめ且ともどもにさとらん
21 “Sumai mhaka yenyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uyai namashoko enyu akasimba,” ndizvo zvinotaura Mambo waJakobho.
ヱホバ言給く なんぢらの道理をとり出せ ヤコブの王いひたまはく 汝等のかたき證をもちきたれ
22 “Uyai nezvifananidzo zvenyu zvitiudze zvichaitika. Tiudzei zvinhu zvakare kuti zvaiva zvipi, kuti zvimwe tizviongorore tigoziva magumo azvo. Kana kuti tizivisei, zvinhu zvichaitika,
これを持來りてわれらに後ならんとする事をしめせ そのいやさきに成るべきことを示せ われら心をとめてその終をしらん 或はきたらんとする事をわれらに聞すべし
23 tiudzei kuti ramangwana rinei, kuti tizive kana imi muri vanamwari. Itai chimwe chinhu, chingava chakanaka kana chakaipa, kuitira kuti tigoshamiswa tigozadzwa nokutya.
なんぢら後ならんとすることをしめせ我儕なんぢらが神なることを知らん なんぢら或はさいはひし或はわざはひせよ 我儕ともに見ておどろかん
24 Asi imi hamusi chinhu, uye mabasa enyu haana maturo chose; anokusarudzai anonyangadza.
視よなんぢらは無もののごとし なんぢらの事はむなし なんぢらを撰ぶものは憎むべきものなり
25 “Ndamutsa mumwe anobva kumusoro, zvino ari kuuya, mumwe anobva kumabvazuva anodana kuzita rangu. Iye anotsika pamusoro pavabati kunge anotsika dope, kuita sokunge muumbi wehari anokanya ivhu.
われ一人を起して北よりきたらせ我が名をよぶものを東よりきたらしむ 彼きたりもろもろの長をふみて泥のごとくにし陶工のつちくれを踐がごとくにせん
26 Ndianiko akazvireva kubva pakutanga, kuti zvimwe, tingaziva, kana kuti zvichigere kuitika, kuti zvimwe tigoti, ‘Akanga anatsa?’ Hapana akataura izvozvi, hapana akataura kuti zvichauya, hapana akanzwa kana shoko kubva kwamuri.
たれか初よりこれらの事をわれらに告てしらしめたりや たれか上古よりわれらに告てこは是なりといはしめたりや 一人だに告るものなし一人だに聞するものなし 一人だになんぢらの言をきくものなし
27 Ndini akava wokutanga kuudza Zioni kuti, ‘Tarira, ava vari pano!’ Ndakapa kuJerusarema nhume yamashoko akanaka.
われ豫じめシオンにいはん なんぢ視よ かれらを見よと われ又よきおとづれを告るものをヱルサレムに予へん
28 Ndinotarisa asi hapana munhu, hapana pakati pavo anopa zano, hapana anondipindura pandinovabvunza.
われ見るに一人だになし かれらのなかに謀略をまうくるもの一人だになし 我かれらに問どこたふるもの一人だになし
29 Tarirai, vose inhema dzoga! Mabasa avo haana maturo; zvifananidzo zvavo imhepo nenyonganiso.
かれらの爲はみな徒然にして無もののごとし その偶像は風なりまた空しきなり