< Isaya 40 >
1 Nyaradzai, nyaradzai vanhu vangu, ndizvo zvinotaura Mwari wenyu.
“Comfort, comfort my people,” says your God.
2 Taurai nounyoro kuJerusarema, mudanidzire kwariri kuti kubata kwaro kukuru kwapera, uye kuti chivi charo charipirwa, kuti ragamuchira kubva muruoko rwaJehovha zvakapetwa kaviri pamusoro pezvivi zvaro.
“Speak tenderly to Jerusalem; and proclaim to her that her warfare has ended, that her iniquity is pardoned, that she has received double from Yahweh's hand for all her sins.”
3 Inzwi rounodanidzira achiti, “Gadzirai nzira yaJehovha mugwenga, ruramisai mugwagwa waMwari wedu murenje.
A voice cries out, “In the wilderness prepare the way of Yahweh; make straight in the Arabah a highway for our God.”
4 Mipata yose ichasimudzirwa, makomo ose nezvikomo zvichaenzaniswa; nzvimbo dzisakaenzana dzichava bani.
Every valley will be lifted up, and every mountain and hill will be leveled; and the rugged land will be made level, and the rough places a plain;
5 Uye kubwinya kwaJehovha kucharatidzwa, uye marudzi ose avanhu achazviona. Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.”
and the glory of Yahweh will be revealed, and all people will see it together; for the mouth of Yahweh has spoken it.
6 Inzwi rinoti, “Danidzirai.” Ini ndokuti, “Ndodanidzireiko?” “Vanhu vose vakaita souswa, uye kubwinya kwavo kwose kwakaita samaruva omunda.
A voice says, “Cry.” Another answers, “What should I cry?” “All flesh is grass, and all their covenant faithfulness is like the flower of the field.
7 Uswa hunooma uye maruva anowa, nokuti mweya waJehovha unofuridzira pamusoro pazvo. Zvirokwazvo vanhu uswa.
The grass withers and the flower wilts when the breath of Yahweh blows on it; surely humanity is grass.
8 Uswa hunooma uye maruva anowa, asi shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi.”
The grass withers, the flower wilts, but the word of our God will stand forever.”
9 Imi munoparidzira Zioni zvinhu zvakanaka, kwirai pagomo refu. Imi munoparidzira Jerusarema mashoko akanaka, danidzirai nesimba, musatya; muti kumaguta eJudha, “Hoyu Mwari wenyu!”
Go up on a high mountain, Zion, bearer of good news. Shout out loud, Jerusalem. You who bring good news, raise your voice, do not be afraid. Say to the cities of Judah, “Here is your God!”
10 Tarirai, Ishe Jehovha ari kuuya nesimba, uye ruoko rwake runomubatira ushe. Tarirai, mubayiro wake anawo, uye zvaanoripira nazvo anazvo.
Look, the Lord Yahweh comes as a victorious warrior, and his strong arm rules for him. See, his reward is with him, and those he has rescued go before him.
11 Anofudza makwai ake somufudzi: Anounganidza makwayana mumaoko ake agoatakurira pedyo nomwoyo wake; zvinyoronyoro anotungamirira nhunzvi dzinonwisa.
He will feed his flock like a shepherd, he will gather in his arm the lambs, and carry them close to his heart, and will gently lead the ewes nursing their young.
12 Ndianiko akayera mvura zhinji muchanza chake, kana kuyera denga noupamhi hwechanza chake? Ndianiko akaisa guruva rose rapasi mudengu, kana kuyera kurema kwamakomo nechiyero, nezvikomo pachiyero?
Who has measured the waters in the hollow of his hand, measured the sky with the span of his hand, held the dust of the earth in a basket, weighed the mountains in scales, or the hills in a balance?
13 Ndiani akanzwisisa murangariro waJehovha, kana kumudzidzisa somudzidzisi wake?
Who has comprehended the mind of Yahweh, or instructed him as his counselor?
14 Ndiani akabvunzwa naJehovha kuti amujekesere, uye ndiani akamudzidzisa nzira yakanaka? Ndianiko akamudzidzisa ruzivo kana kumuratidza nzira yokunzwisisa?
From whom did he ever receive instruction? Who taught him the correct way to do things, and taught him knowledge, or showed to him the way of understanding?
15 Zvirokwazvo ndudzi dzavanhu dzakaita sedonhwe remvura riri muchirongo; vanongova seguruva riri pamusoro pechiyero; anoyera zviwi kunge guruva rakatsetseka.
Look, the nations are like a drop in a bucket, and are regarded like the dust on the scales; see, he weighs the isles as a speck.
16 Rebhanoni harina huni dzinoringana kuvesa moto wearitari, uye zvipfuwo zvaro hazvikwani kuita chipiriso chinopiswa.
Lebanon is not sufficient fuel, nor its wild animals sufficient for a burnt offering.
17 Ndudzi dzose dzakaita sepasina chinhu pamberi pake; iye anodziona sedzisina maturo, kunge dzisipo.
All the nations are insufficient before him; they are regarded by him as nothing.
18 Zvino, mungafananidza Mwari naaniko? Ndoupi mufananidzo wamungamuenzanisa nawo?
To whom then will you compare God? To what idol will you liken him?
19 Kana chiri chifananidzo, muumbi anochiumba, mupfuri wegoridhe ochinamira negoridhe, uye anochiitira uketani hwesirivha.
An idol! A craftsman casts it: The goldsmith overlays it with gold and forges silver chains for it.
20 Murombo anoshayiwa chipo anosarudza danda risingaori. Anotsvaka mhizha kuti imuvezere chifananidzo chisingazozungunuki.
To make an offering one chooses a wood that will not rot; he seeks a skillful artisan to make an idol that will not fall over.
21 Hamuzivi here? Hamuna kunzwa here? Hamuna kumbozviudzwa kubva pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubva pakuvamba kwenyika here?
Have you not known? Have you not heard? Has it not been told you from the beginning? Have you not understood from the foundations of the earth?
22 Anogara samambo pamusoro pedenderedzwa renyika, uye vanhu vayo vakaita semhashu. Anotambanudza matenga setende, agoawaridzira setende kuti agaremo.
He is the one who sits above the horizon of the earth; and the inhabitants are like grasshoppers before him. He stretches out the heavens like a curtain and spreads them out as a tent to live in.
23 Anoita kuti machinda ave pasina, uye anoderedza vatongi venyika ino kuti vave pasina.
He reduces rulers to nothing and makes the rulers of the earth insignificant.
24 Vachangosimwa, vachangodyarwa, vachangodzika midzi muvhu, iye anofuridza pamusoro pavo vachibva vaoma, uye chamupupuri chinovakukura sehundi.
They are barely planted, barely sown, their stem has barely taken root in the earth, when he blows upon them and they wither, and the wind carries them away like straw.
25 “Mungandienzanisa naaniko? Kana kuti ndiani akaenzana neni?” ndizvo zvinotaura Iye Mutsvene.
“To whom then will you compare me, whom do I resemble?” says the Holy One.
26 Simudzai meso enyu mutarire kumatenga. Ndianiko akasika zvose izvi? Iye anobudisa nyeredzi imwe imwe, achidzidana imwe neimwe nezita rayo. Nokuda kwesimba rake guru uye noukuru hwesimba rake, hapana kana imwe zvayo inoshayikwa.
Look up at the sky! Who has created all these stars? He leads out their formations and calls them all by name. By the greatness of his might and by the strength of his power, not one is missing.
27 Unoreveiko, iwe Jakobho, unogununʼuna chii, iwe Israeri uchiti, “Nzira yangu haizivikanwi naJehovha; Mwari wangu haana hanya nezvandinorwira?”
Why do you say, Jacob, and declare, Israel, “My way is hidden from Yahweh, and my God is not concerned about my vindication”?
28 Hauzivi here? Hauna kunzwa here? Jehovha ndiye Mwari nokusingaperi, Musiki wamagumo enyika. Haaneti kana kuziya, uye hakuna angayera kunzwisisa kwake.
Have you not known? Have you not heard? The everlasting God, Yahweh, the Creator of the ends of the earth, does not get tired or weary; there is no limit to his understanding.
29 Anopa simba kuna vakarukutika, uye anowedzera simba kuna vasina simba.
He gives strength to the tired; and to the weak he gives renewed energy.
30 Kunyange majaya anoneta uye anorukutika, uye majaya anogumburwa agowa;
Even young people become tired and weary, and young men stumble and fall:
31 asi avo vane tariro muna Jehovha vachavandudza simba ravo. Vachabhururuka namapapiro samakondo; vachamhanya vasinganeti; vachafamba vasingaziyi.
but those who wait for Yahweh will renew their strength; they will soar with wings like eagles; they will run and not be weary; they will walk and not faint.