< Isaya 39 >

1 Panguva iyoyo Merodhaki-Bharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira matsamba nechipo kuna Hezekia, nokuti akanga anzwa nezvokurwara nokupora kwake.
At that time, Marduk-Baladan the son of Baladan, king of Babylon, sent letters and a present to Hezekiah; for he heard that he had been sick, and had recovered.
2 Hezekia akagamuchira nhume nomufaro akavaratidza zvakanga zviri mumatura ake: sirivha, goridhe, zvinonhuhwira namafuta anokosha nenhumbi dzake dzose dzokurwa uye nezvose zvaiwanikwa papfuma yake. Hapana chinhu mumuzinda wake kana muumambo hwake chavasina kuratidzwa naHezekia.
Hezekiah was pleased with them, and showed them the house of his precious things, the silver, and the gold, the spices, and the precious oil, and all the house of his armor, and all that was found in his treasures. There was nothing in his house, nor in all his dominion, that Hezekiah did not show them.
3 Ipapo muprofita Isaya akaenda kuna Mambo Hezekia akabvunza achiti, “Varume avo vakati kudini, uye vakabvepi?” Hezekia akapindura achiti, “Vakabva kunyika iri kure. Vakauya kwandiri vachibva kuBhabhironi.”
Then Isaiah the prophet came to king Hezekiah, and asked him, "What did these men say? Where did they come from to you?" Hezekiah said, "They have come from a country far from me, even from Babylon."
4 Muprofita akamubvunza achiti, “Vakaoneiko mumuzinda menyu?” Hezekia akati, “Vakaona zvose zviri mumuzinda mangu. Pakati pepfuma yangu hapana chandisina kuvaratidza.”
Then he asked, "What have they seen in your house?" Hezekiah answered, "They have seen all that is in my house. There is nothing among my treasures that I have not shown them."
5 Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, “Inzwa shoko raJehovha Wamasimba Ose:
Then said Isaiah to Hezekiah, "Hear the word of the LORD of hosts:
6 Zvirokwazvo nguva ichauya iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira nhasi, zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi. Hapana chichasara, ndizvo zvinotaura Jehovha.
'Look, the days are coming when all that is in your house, and that which your fathers have stored up until this day, will be carried to Babylon. Nothing will be left,' says the LORD.
7 Uye vamwe vavana vako, venyama neropa rako chairo vauchabereka, vachatorwa uye vachava varanda mumuzinda wamambo weBhabhironi.”
'They will take away your descendants who will issue from you, whom you shall father, and they will be eunuchs in the king of Babylon's palace.'"
8 Hezekia akapindura achiti, “Shoko raJehovha rawataura rakanaka.” Nokuti akafunga kuti, “Pachava norugare nokudzivirirwa pamazuva oupenyu hwangu.”
Then Hezekiah said to Isaiah, "The LORD's word which you have spoken is good." He said moreover, "For there will be peace and truth in my days."

< Isaya 39 >