< Isaya 39 >

1 Panguva iyoyo Merodhaki-Bharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi, akatumira matsamba nechipo kuna Hezekia, nokuti akanga anzwa nezvokurwara nokupora kwake.
Amo esoga agoane, Ba: bilone hina bagade amo Milouda: ge Ba: lada: ne (Ba: lada: ne egefe) da hina bagade Hesigaia da oloi galu amo nababeba: le, ema meloa dedene amola hahawane dogolegele iasu liligi iasi.
2 Hezekia akagamuchira nhume nomufaro akavaratidza zvakanga zviri mumatura ake: sirivha, goridhe, zvinonhuhwira namafuta anokosha nenhumbi dzake dzose dzokurwa uye nezvose zvaiwanikwa papfuma yake. Hapana chinhu mumuzinda wake kana muumambo hwake chavasina kuratidzwa naHezekia.
Hesigaia da amo sia: na masu dunu hahawane aowai, ea gagui liligi huluane ilima olelei. E da ea silifa, gouli, gabusiga: manoma, ha: i manu hidasu liligi amola ea gegesu liligi huluane ilima olelei. E da mae wamolegele, ea liligi huluanedafa ea legesu diasu amola ea soge ganodini dialu, amo ilima olelei.
3 Ipapo muprofita Isaya akaenda kuna Mambo Hezekia akabvunza achiti, “Varume avo vakati kudini, uye vakabvepi?” Hezekia akapindura achiti, “Vakabva kunyika iri kure. Vakauya kwandiri vachibva kuBhabhironi.”
Amalalu, balofede dunu Aisaia da hina bagade Hesigaiama asili, ema amane adole ba: i, “Amo dunu da habidili misibela: ? Amola ilia da dima adi adole ba: bela: ?” Hesigaia da bu adole i, “Ilia da soge sedagadafa amo Ba: bilone soge amoga misi.”
4 Muprofita akamubvunza achiti, “Vakaoneiko mumuzinda menyu?” Hezekia akati, “Vakaona zvose zviri mumuzinda mangu. Pakati pepfuma yangu hapana chandisina kuvaratidza.”
Aisaia da bu adole ba: i, “Ilia da hina bagade ea diasuga adi ba: bela: ?” Hesigaia da bu adole I, “Ilia da liligi huluane ba: i dagoi. Na liligi lelegesu diasu ganodini liligi huluanedafa na da ilima olei dagoi.”
5 Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, “Inzwa shoko raJehovha Wamasimba Ose:
Amalalu, Aisaia da hina bagade amoma amane sia: i, “Hina Gode Bagadedafa da amane sia: sa,
6 Zvirokwazvo nguva ichauya iyo zvose zviri mumba mako, nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira nhasi, zvichatakurwa zvichiendeswa kuBhabhironi. Hapana chichasara, ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Eso da misunu amoga liligi huluane dia diasu ganodini, liligi huluane dia musa: fi da gagadoi amola waha lai liligi, amo huluane da Ba: bilone sogega gaguli asi dagoi ba: mu. Liligi afae dialebe da hame ba: mu.
7 Uye vamwe vavana vako, venyama neropa rako chairo vauchabereka, vachatorwa uye vachava varanda mumuzinda wamambo weBhabhironi.”
Digaga fi mogili ilia da afugili asili, ilia gulusu danamu amola ilia da Ba: bilone hina bagade ea diasu ganodini, udigili hawa: hamosu dunu ba: mu.”
8 Hezekia akapindura achiti, “Shoko raJehovha rawataura rakanaka.” Nokuti akafunga kuti, “Pachava norugare nokudzivirirwa pamazuva oupenyu hwangu.”
Hina bagade Hesigaia da amo sia: da ea esalebe eso amoga, e da olofosu amola gaga: su hou ba: mu, amane dawa: i. Amaiba: le, e da amane sia: i, “Hina Gode Ea sia: ne iasu amo di da nama i, amo da noga: i.”

< Isaya 39 >