< Isaya 38 >

1 Mumazuva iwayo Hezekia akarwara kusvikira oda kufa. Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akati, “Zvanzi naJehovha: Gadzirisa zveimba yako, nokuti uri kuzofa; hausi kuzopona.”
そのころヒゼキヤやみて死んとせしにアモツの子預言者イザヤきたりて彼にいふ ヱホバ如此いひたまはく なんぢ家に遺言をとどめよ 汝しにて活ることあたはざればなり
2 Hezekia akatendeukira kumadziro akanyengetera kuna Jehovha achiti,
爰にヒゼキヤ面を壁にむけてヱホバに祈りいひけるは
3 “Rangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba sei nokutendeka pamberi penyu nomwoyo wose nechokwadi uye ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema kwazvo.
ああヱホバよ 願くはわがなんぢの前に眞實をもて一心をもてあゆみ なんぢの目によきことを行ひたるをおもひいでたまへ 斯てヒゼキヤ甚くなきぬ
4 Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Isaya richiti,
ヱホバの言イザヤにのぞみて曰く
5 “Enda undoti kuna Hezekia, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi: Ndanzwa munyengetero wako uye ndaona misodzi yako; ndichawedzera makore gumi namashanu paupenyu hwako.
なんぢ往てヒゼキヤにいへ なんぢの祖ダビデの神ヱホバかくいひ給はく 我なんぢの禱告をききなんぢの涙をみたり 我なんぢの齢を十五年ましくはへ
6 Uye ndichakurwira iwe neguta rino kubva muruoko rwamambo weAsiria. Ndicharwira guta rino.
且なんぢとこの城とを救ひてアツスリヤわうの手をのがれしめん又われこの城をまもるべし
7 “‘Ichi ndicho chiratidzo chaJehovha kwauri kuti Jehovha achaita zvose zvaakavimbisa:
ヱホバ語りたまひたる此事を成たまふ證にこの徴をなんぢに賜ふ
8 Ndichaita kuti mumvuri waitwa pazuva udzokere shure nhambwe gumi pamutaro wawanga wafamba pamanera aAhazi.’” Saizvozvo zuva rakadzokera shure nhambwe gumi dzarakanga radzika.
視よわれアハズの日晷にすすみたる日影を十度しりぞかしめんといひければ乃ちひばかりにすすみたる日影十度しりぞきぬ
9 Chinyorwa chaHezekia mambo weJudha mushure mokurwara nokupora kwake:
ユダの王ヒゼキヤ病にかかりてその病のいえしのち記しし書は左のごとし
10 Ndakati, “Mazuva oupenyu hwangu achangotanga ndingafanira kupinda mumasuo orufu here? Ndigotorerwa makore angu asara here?” (Sheol h7585)
我いへり わが齢ひの全盛のとき陰府の門にいりわが餘年をうしなはんと (Sheol h7585)
11 Ndakati, “Handichazoonizve Jehovha, iye Jehovha, munyika yavapenyu; handichazotarisizve kuvanhu kana kuva naavo vagere munyika ino zvino.
我いへり われ再びヱホバを見奉ることあらじ再びいけるものの地にてヱホバを見奉ることあらじ われは無ものの中にいりてふたたび人を見ることあらじ
12 Setende romufudzi, imba yangu yakoromorwa uye yatorwa. Somuruki ndapeta upenyu hwangu, uye iye andigura kubva pachirukiso; masikati namadekwana makaita kuti ndigume.
わが住所はうつされて牧人の幕屋をとりさるごとくに我をはなる わがいのちは織工の布をまきをはりて機より翦はなすごとくならん なんぢ朝夕のあひだに我をたえしめたまはん
13 Ndakamirira nomwoyo murefu kusvikira mambakwedza, asi iye akavhuna mapfupa angu ose kufanana nezvinoitwa neshumba; masikati namadekwana makaita kuti ndigume.
われは天明におよぶまで己をおさへてしづめたり 主は獅のごとくに我もろもろの骨を碎きたまふ なんぢ朝夕の間にわれを絶しめたまはん
14 Ndakarira senyenganyenga kana kondo. Ndakachema sokuchema kunoita njiva. Meso angu akaneta nokutarisa kudenga. Haiwa Jehovha, ndine nhamo, uyai mundinunure!”
われは燕のごとく鶴のごとくに哀みなき鳩のごとくにうめき わが眼はうへを視ておとろふ ヱホバよわれは迫りくるしめらる 願くはわが中保となりたまへ
15 Asi ndingati kudiniko? Iye ataura neni, uye iye ndiye aita izvi. Ndichafamba nokuzvininipisa pamakore angu ose, nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo wangu.
主はわれとものいひ且そのごとくみづから成たまへり われ何をいふべきか わが世にある間わが靈魂の苦しめる故によりて愼みてゆかん
16 Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu zvakadai; uye mweya wangu unowana upenyu mazviriwo. Makandiporesa mukandiraramisa.
主よこれらの事によりて人は活るなり わが靈魂のいのちも全くこれらの事によるなり 願くはわれを醫しわれを活したまへ
17 Zvirokwazvo kutambudzika kwangu kukuru kwakandivigira rugare. Murudo rwenyu makandirwira pagomba rokuparadzwa; makaisa zvivi zvangu zvose shure kwenyu,
視よわれに甚しき艱苦をあたへたまへるは我に平安をえしめんがためなり 汝わがたましひを愛して滅亡の穴をまぬかれしめ給へり そはわが罪をことごとく背後にすてたまへり
18 Nokuti guva haringagoni kukurumbidzai, rufu harugoni kukurumbidzai nenziyo; vanodzika kugomba havangagoni kutarisira kutendeka kwenyu. (Sheol h7585)
陰府はなんぢに感謝せず 死はなんぢを讃美せず 墓にくだる者はなんぢの誠實をのぞまず (Sheol h7585)
19 Vapenyu, ivo vapenyu, ndivo vanokurumbidzai, sezvandiri kuita iye nhasi; madzibaba anoudza vana vavo nezvokutendeka kwenyu.
唯いけるもののみ活るものこそ汝にかんしやするなれ わが今日かんしやするが如し 父はなんぢの誠實をその子にしらしめん
20 Jehovha achandiponesa, uye tichaimba nemitengeranwa, mazuva ose oupenyu hwedu mutemberi yaJehovha.
ヱホバ我を救ひたまはん われら世にあらんかぎりヱホバのいへにて琴をひきわが歌をうたはん
21 Zvino Isaya akanga ati, “Gadzirai bundu ramaonde mugoriisa pamota, uye achapora.”
イザヤいへらく無花果の一團をとりきたりて腫物のうへにつけよ 王かならずいえん
22 Hezekia akanga abvunza achiti, “Chiratidzo chichava chei chokuti ndiende kutemberi yaJehovha?”
ヒゼキヤも亦いへらく わがヱホバの家にのぼることにつきては何の兆あらんか

< Isaya 38 >