< Isaya 38 >
1 Mumazuva iwayo Hezekia akarwara kusvikira oda kufa. Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akati, “Zvanzi naJehovha: Gadzirisa zveimba yako, nokuti uri kuzofa; hausi kuzopona.”
Nthawi imeneyo Mfumu Hezekiya anadwala ndipo anali pafupi kufa. Mneneri Yesaya mwana wa Amozi anapita kukamuona ndipo anati “Yehova akuti: Konza bwino nyumba yako, pakuti ukufa; suchira.”
2 Hezekia akatendeukira kumadziro akanyengetera kuna Jehovha achiti,
Hezekiya anatembenuka nayangʼana kukhoma, napemphera kwa Yehova kuti,
3 “Rangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba sei nokutendeka pamberi penyu nomwoyo wose nechokwadi uye ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema kwazvo.
“Inu Yehova, kumbukirani momwe ndayendera pamaso panu mokhulupirika ndi modzipereka ndipo ndakhala ndikuchita zabwino pamaso panu.” Ndipo Hezekiya analira mosweka mtima.
4 Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Isaya richiti,
Ndipo Yehova analamula Yesaya kuti:
5 “Enda undoti kuna Hezekia, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi: Ndanzwa munyengetero wako uye ndaona misodzi yako; ndichawedzera makore gumi namashanu paupenyu hwako.
“Pita kwa Hezekiya ndipo ukamuwuze kuti, ‘Yehova, Mulungu wa kholo lake Davide akuti: Ndamva pemphero lako ndipo misozi yako ndayiona; ndidzakuwonjezera zaka 15 pa moyo wako.
6 Uye ndichakurwira iwe neguta rino kubva muruoko rwamambo weAsiria. Ndicharwira guta rino.
Ndipo ndidzakupulumutsa, iwe pamodzi ndi mzindawu mʼdzanja la mfumu ya ku Asiriya, Ine ndidzawuteteza mzindawu.
7 “‘Ichi ndicho chiratidzo chaJehovha kwauri kuti Jehovha achaita zvose zvaakavimbisa:
“‘Ichi ndi chizindikiro cha Yehova kwa iwe kutsimikiza kuti Yehova adzachita zimene walonjeza:
8 Ndichaita kuti mumvuri waitwa pazuva udzokere shure nhambwe gumi pamutaro wawanga wafamba pamanera aAhazi.’” Saizvozvo zuva rakadzokera shure nhambwe gumi dzarakanga radzika.
Chithunzithunzi chimene dzuwa likuchititsa pa makwerero a Ahazi ndidzachibweza mʼmbuyo makwerero khumi.’” Ndipo chithunzithunzi chinabwerera mʼmbuyo makwerero khumi.
9 Chinyorwa chaHezekia mambo weJudha mushure mokurwara nokupora kwake:
Ndakatulo ya Hezekiya mfumu ya ku Yuda imene analemba atadwala ndi kuchira:
10 Ndakati, “Mazuva oupenyu hwangu achangotanga ndingafanira kupinda mumasuo orufu here? Ndigotorerwa makore angu asara here?” (Sheol )
Ine ndinaganiza kuti ndidzapita ku dziko la akufa pamene moyo ukukoma. (Sheol )
11 Ndakati, “Handichazoonizve Jehovha, iye Jehovha, munyika yavapenyu; handichazotarisizve kuvanhu kana kuva naavo vagere munyika ino zvino.
Ndinaganiza kuti, “Sindidzaonanso Yehova, mʼdziko la anthu amoyo, sindidzaonanso mtundu wa anthu kapena kukhala pamodzi ndi amene amakhala pa dziko lapansi lino.
12 Setende romufudzi, imba yangu yakoromorwa uye yatorwa. Somuruki ndapeta upenyu hwangu, uye iye andigura kubva pachirukiso; masikati namadekwana makaita kuti ndigume.
Nyumba yanga yasasuka ndipo yachotsedwa. Ngati tenti ya mʼbusa mwapindapinda moyo wanga, ngati munthu wowomba nsalu; kuyambira usana mpaka usiku mwakhala mukundisiya.
13 Ndakamirira nomwoyo murefu kusvikira mambakwedza, asi iye akavhuna mapfupa angu ose kufanana nezvinoitwa neshumba; masikati namadekwana makaita kuti ndigume.
Ndinkalira kupempha chithandizo usiku wonse mpaka mmawa; koma Inu Yehova munaphwanya mafupa anga ngati mkango, ndipo mwakhala mukundisiya.
14 Ndakarira senyenganyenga kana kondo. Ndakachema sokuchema kunoita njiva. Meso angu akaneta nokutarisa kudenga. Haiwa Jehovha, ndine nhamo, uyai mundinunure!”
Ndinkalira ngati namzeze kapena chumba, ndinkabuwula ngati nkhunda yodandaula. Maso anga anatopa nʼkuyangʼana mlengalenga. Inu Ambuye, ine ndili mʼmavuto bwerani mudzandithandize!”
15 Asi ndingati kudiniko? Iye ataura neni, uye iye ndiye aita izvi. Ndichafamba nokuzvininipisa pamakore angu ose, nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo wangu.
Koma ine ndinganene chiyani? Yehova wayankhula nane, ndipo Iye ndiye wachita zimenezi. Chifukwa cha kuwawa kwa mtima wanga, ine ndidzayenda modzichepetsa masiku amoyo wanga onse.
16 Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu zvakadai; uye mweya wangu unowana upenyu mazviriwo. Makandiporesa mukandiraramisa.
Ambuye, masiku anga ali mʼmanja mwanu. Mzimu wanga upeza moyo mwa Inu. Munandichiritsa ndi kundikhalitsa ndi moyo.
17 Zvirokwazvo kutambudzika kwangu kukuru kwakandivigira rugare. Murudo rwenyu makandirwira pagomba rokuparadzwa; makaisa zvivi zvangu zvose shure kwenyu,
Ndithudi, ine ndinamva zowawa zotere kuti ndikhale ndi moyo; Inu munandisunga kuti ndisapite ku dzenje la chiwonongeko chifukwa mwakhululukira machimo anga onse.
18 Nokuti guva haringagoni kukurumbidzai, rufu harugoni kukurumbidzai nenziyo; vanodzika kugomba havangagoni kutarisira kutendeka kwenyu. (Sheol )
Pakuti akumanda sangathe kukutamandani, akufa sangayimbe nyimbo yokutamandani. Iwo amene akutsikira ku dzenje sangakukhulupirireni. (Sheol )
19 Vapenyu, ivo vapenyu, ndivo vanokurumbidzai, sezvandiri kuita iye nhasi; madzibaba anoudza vana vavo nezvokutendeka kwenyu.
Amoyo, amoyo okha ndiwo amakutamandani, monga mmene ndikuchitira ine lero lino; abambo amawuza ana awo za kukhulupirika kwanu.
20 Jehovha achandiponesa, uye tichaimba nemitengeranwa, mazuva ose oupenyu hwedu mutemberi yaJehovha.
Yehova watipulumutsa. Tiyeni tiyimbe ndi zoyimbira za zingwe masiku onse a moyo wathu mʼNyumba ya Yehova.
21 Zvino Isaya akanga ati, “Gadzirai bundu ramaonde mugoriisa pamota, uye achapora.”
Yesaya anati, “Anthu atenge mʼbulu wankhunyu ndipo apake pa chithupsacho ndipo Hezekiya adzachira.”
22 Hezekia akanga abvunza achiti, “Chiratidzo chichava chei chokuti ndiende kutemberi yaJehovha?”
Hezekiya nʼkuti atafunsa kuti, “Kodi chizindikiro chako nʼchiyani chotsimikiza kuti ndidzapita ku Nyumba ya Yehova?”