< Isaya 34 >
1 Swederai pedyo, imi ndudzi dzavanhu, munzwe. Teererai, imi vanhu! Nyika ngainzwe, nezvose zviri mairi, pasi pose, nezvose zvinobudamo!
Njooni karibu enyi mataifa, sikilizeni na muwe makini, enyi watu! Dunia na vyote vijazavyo vinatakiwa kusikiliza, dunia na vyote vitokavyo,
2 Jehovha akatsamwira ndudzi dzose; hasha dzake dziri pamusoro pehondo dzavo dzose. Achavaparadza chose, achaita kuti vaurayiwe.
Maana Yahwe ana hasira na mataifa yote, ana hasira dhidi ya majeshi yao; amewaangamiza wao kabisa, ameawakabidhi kwa wachinjaji.
3 Vakaurayiwa vavo vacharasirwa kunze, mitumbi yavo ichanhuhwa; makomo achanyorova neropa ravo.
Miili ya watu wao waliokufa itatupwa nje. Harufu ya miili iliyokffa itakuwa kila mahali; na mlilima italowekwa kwa damu yao.
4 Nyeredzi dzokudenga dzose dzichanyungudika, uye denga richapetwa sorugwaro; marudzi ose enyeredzi achawa samashizha akaoma abva pamuzambiringa, samaonde akasvava abva pamuonde.
Nyota zote angani zitafifia, na anga litakunjwa kama kitabu; na nyota zake zitafifia mbali, kama tawi linavyonyauka kwenye mzabibu, kama tunda lilokomaa kwenye mti.
5 Munondo wangu wakanwa ukaguta kumatenga; tarirai, unoburukira kuzotonga Edhomu, vanhu vandakaparadza chose.
Maana pale upanga wangu utakapokunywa na kushiba mbinguni; tazama, maana sasa utakuja chini huko Edomu, kwa watu ambao nimewaweka mbali na adhabu.
6 Munondo waJehovha wakanyura muropa, wakafukidzwa namafuta, iro ropa ramakwayana nerembudzi, namafuta anobva paitsvo dzamakondobwe. Nokuti Jehovha ane chibayiro muBozira uye nokuuraya kukuru muEdhomu.
Upanga wa Yahwe unadondosha matone ya damu na kufunikwa kwa mafuta, matone ya damu ya kondoo na mbuzi, yamefunikwa kwa figo za kondoo. Maana Yahwe ametoa sadaka katika Bozra na mauwaji katika nchi ya Edomu.
7 Nyati dzichawa pamwe navo nehono dzemhuru nehando huru. Nyika yavo ichanyorova neropa, uye guruva richazara mafuta.
Ng'ombe wa porini watachinjwa pamoja na wao, fahali wakubwa na fahali wadogo. Nchi yao italewa kwa damu, na mavumbi yake yatafanjwa kuwa mafuta na mafuta yaliyonona.
8 Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva negore rokuripira kuti atsigire zvinodiwa neZioni.
Maana itakuwa ni siku ya kisasi kwa Yahwe na mwaka ambao anawalipa kwa sababu ya Sayuni.
9 Hova dzeEdhomu dzichashanduka kuva namo, guruva rayo richapisa sesafuri; nyika yayo ichava namo inopfuta!
Mifereji ya Edomu itageuka kuwa lami, na mavumbi yake yatakuwa kiberiti na nchi itakuwa kama lami inayoungua.
10 Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi. Richava dongo kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa; hapana munhu achazopfuura napozve.
Itaungua usiku na mchana; moshi wake utatoka daima; na patakuwa nyika kizazi hata kizazi; na hakuna hata mmoja atakayepita hapo milele na milele.
11 Asi zvichava zvezizi romugwenga nehukurwizi; zizi guru negunguo zvichaita matenderemo. Mwari achatambanudzira Edhomu rwodzi rwokuyera, rwenyonganiso nerwokuparadza.
Lakini ndege na wanyama porini wataishi pale; bundi na kunguru watatengeneza viota vyao pale. Atanjoosha juu yake futi kamba ya uharibifu na pima maji ya uharibifu.
12 Makurukota ake haazovi nechinhu ikoko chingazonzi umambo, machinda ake ose achapera.
Wenye vyeo hawatakuwa na kitu kilichobakia kuita ufalme, na wakuu wote watakuwa si kitu.
13 Minzwa ichatandira nhare dzayo, utumbambeva norukato munzvimbo dzayo dzakakomberedzwa. Ichava ugaro hwamakava, nomusha wamazizi.
Miiba itaota katika maeneo yao, viwavi na mbigiri vitakuwa katika ngome zao. Yatakuwa makao ya mbweha, makazi ya mbuni.
14 Zvikara zvomugwenga zvichasangana namapere, uye ngururu dzichadaidzirana; zvikara zvousiku zvichazororapo, uye zvichazviwanira nzvimbo yokuzorora.
Wanyama wa porini na fisi watakusanyika pale, na mbuzi wa porini watalia wao kwa wao. Nyakati za usiku wanyama watakaa pale na watajitafutia wenywe mahali pa kupumzikia.
15 Zizi richaita dendere rigokandira mazaipo, richaachochonyerapo, rigochengeta mazana aro pasi pomumvuri wamapapiro aro; makondo achaunganapo, rimwe nerimwe neshamwari yaro.
Bundi watatengeneza viota vyao, na kutotolea mayai yao, kila mmoja na mwenzake.
16 Tarirai murugwaro rwaJehovha mugorava: Hapana chimwe chezvinhu izvi chichashayikwa, kana chichashaya shamwari. Nokuti muromo wake ndiwo warayira izvozvo, uye Mweya wake uchavaunganidza pamwe chete.
Kutafuta kupitia kitabu cha Yahwe; hakuna hata kimoja ambacho hakitakuwepo. Hakuna kitakacho kosa mwenzake; maana mdoma wake umeamuru hivyo, roho yake imewakusanya wao.
17 Anozvigovera migove yazvo; ruoko rwake runozvigovera nechiyero. Zvichava zvazvo nokusingaperi uye zvichagaramo kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa.
Atapiga kura katika eneo lao, na mkono wake umewapima kwa kamba. Wataimiliki daima; kutoka kizazi hata kizazi wataishi pale.