< Isaya 34 >
1 Swederai pedyo, imi ndudzi dzavanhu, munzwe. Teererai, imi vanhu! Nyika ngainzwe, nezvose zviri mairi, pasi pose, nezvose zvinobudamo!
Draw near, O ye nations, and hear! Attend, O ye people! Let the earth hear, and all that is therein; The world, and all that springs from it!
2 Jehovha akatsamwira ndudzi dzose; hasha dzake dziri pamusoro pehondo dzavo dzose. Achavaparadza chose, achaita kuti vaurayiwe.
For the wrath of Jehovah is kindled against all the nations, And his fury against all their armies; He hath devoted them to destruction; He hath given them up to slaughter.
3 Vakaurayiwa vavo vacharasirwa kunze, mitumbi yavo ichanhuhwa; makomo achanyorova neropa ravo.
Their slain shall be cast out; From their carcasses their stench shall ascend, And the mountains shall flow down with their blood.
4 Nyeredzi dzokudenga dzose dzichanyungudika, uye denga richapetwa sorugwaro; marudzi ose enyeredzi achawa samashizha akaoma abva pamuzambiringa, samaonde akasvava abva pamuonde.
And all the hosts of heaven shall melt away; And the heavens shall be rolled up like a scroll, And all their host shall fall down, As the withered leaf faileth from the vine, As the blighted fruit from the fig-tree.
5 Munondo wangu wakanwa ukaguta kumatenga; tarirai, unoburukira kuzotonga Edhomu, vanhu vandakaparadza chose.
For my sword hath become drunk in heaven; Behold, upon Edom shall it descend, Upon the people under my curse, for vengeance.
6 Munondo waJehovha wakanyura muropa, wakafukidzwa namafuta, iro ropa ramakwayana nerembudzi, namafuta anobva paitsvo dzamakondobwe. Nokuti Jehovha ane chibayiro muBozira uye nokuuraya kukuru muEdhomu.
The sword of Jehovah is full of blood; It is covered with fat, With the blood of lambs and goats, With the fat of the kidneys of rams; For Jehovah holdeth a sacrifice in Bozrah, And a great slaughter in the land of Edom.
7 Nyati dzichawa pamwe navo nehono dzemhuru nehando huru. Nyika yavo ichanyorova neropa, uye guruva richazara mafuta.
The wild buffaloes shall fall down with them. And the bullocks with the bulls; The hind shall be drunk with blood, And the ground enriched with fat.
8 Nokuti Jehovha ane zuva rokutsiva negore rokuripira kuti atsigire zvinodiwa neZioni.
For Jehovah holdeth a day of vengeance, A year of recompense in the cause of Zion.
9 Hova dzeEdhomu dzichashanduka kuva namo, guruva rayo richapisa sesafuri; nyika yayo ichava namo inopfuta!
Her streams shall be turned into pitch, And her dust into brimstone, And her whole land shall become burning pitch.
10 Haingadzimwi usiku namasikati; utsi hwayo huchakwira nokusingaperi. Richava dongo kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa; hapana munhu achazopfuura napozve.
Day and night it shall not be quenched; Its smoke shall ascend forever; From generation to generation it shall lie waste; None shall pass through it for ever and ever.
11 Asi zvichava zvezizi romugwenga nehukurwizi; zizi guru negunguo zvichaita matenderemo. Mwari achatambanudzira Edhomu rwodzi rwokuyera, rwenyonganiso nerwokuparadza.
The pelican and the hedgehog shall possess it; The heron and the raven shall dwell in it; Over it will he draw the measuring-line of destruction. And the plummet of desolation.
12 Makurukota ake haazovi nechinhu ikoko chingazonzi umambo, machinda ake ose achapera.
Her nobles — none are there, who may proclaim a kingdom, And all her princes have come to naught.
13 Minzwa ichatandira nhare dzayo, utumbambeva norukato munzvimbo dzayo dzakakomberedzwa. Ichava ugaro hwamakava, nomusha wamazizi.
Thorns shall spring up in her palaces; Nettles and thistles in her strongholds. She shall become a habitation for jackals, A court for ostriches.
14 Zvikara zvomugwenga zvichasangana namapere, uye ngururu dzichadaidzirana; zvikara zvousiku zvichazororapo, uye zvichazviwanira nzvimbo yokuzorora.
The wild-cats shall fall upon the wolves, And the satyr shall call to his fellow; There also shall the night-spectre light, And find a place of rest.
15 Zizi richaita dendere rigokandira mazaipo, richaachochonyerapo, rigochengeta mazana aro pasi pomumvuri wamapapiro aro; makondo achaunganapo, rimwe nerimwe neshamwari yaro.
There also shall the arrow-snake make her nest, and lay her eggs; She shall hatch them, and gather her young under her shadow: There also shall the vultures be gathered together, Every one with her mate.
16 Tarirai murugwaro rwaJehovha mugorava: Hapana chimwe chezvinhu izvi chichashayikwa, kana chichashaya shamwari. Nokuti muromo wake ndiwo warayira izvozvo, uye Mweya wake uchavaunganidza pamwe chete.
Search ye the book of Jehovah, and read! Not one of these shall fail; Not one shall want her mate; For His mouth, it shall command, And His spirit, it shall gather them.
17 Anozvigovera migove yazvo; ruoko rwake runozvigovera nechiyero. Zvichava zvazvo nokusingaperi uye zvichagaramo kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa.
He shall cast the lot for them; His hand shall divide it for them with a line; They shall possess it forever; From generation to generation shall they dwell therein.