< Isaya 32 >
1 Tarirai mambo achatonga nokururama, uye vatongi vachatonga nokururamisira.
Tazama, mfalme atatawala kwa uadilifu na watawala watatawala kwa haki.
2 Munhu mumwe nomumwe achafanana nenzvimbo yokuvanda kubva kumhepo, noutiziro kubva pakunaya kwemvura zhinji, sehova dzemvura mugwenga nomumvuri webwe guru munyika yafa nenyota.
Kila mtu atakuwa kama kivuli cha kujificha kutokana na upepo na kimbilio kutokana na dhoruba, kama vijito vya maji jangwani na kivuli cha mwamba mkubwa katika ardhi yenye kiu.
3 Ipapo meso avose vanoona haachazotsinzini, uye nzeve dzavanonzwa dzichateerera.
Ndipo macho ya wale wanaoona hayatafumbwa tena, nayo masikio ya wale wanaosikia yatasikiliza.
4 Ndangariro dzavanokurumidzira zvinhu dzichaziva uye dzichanzwisisa, uye vanokakama vachataura zvakanaka uye zvinonzwika.
Moyo wa mtu mwenye hamaki utafahamu na kuelewa, nao ulimi wenye kigugumizi utanena kwa ufasaha.
5 Benzi harichazonzi munhu anokudzwa, munhu asina maturo haazoremekedzwi.
Mpumbavu hataitwa tena muungwana, wala mtu mbaya kabisa kupewa heshima ya juu.
6 Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi, ndangariro dzaro dzinofunga zvakaipa: Zvaanoita hazvina umwari uye anoparadzira zvinhu zvakarasika zvisiri zvaJehovha; anosiya vane nzara vasina chinhu uye anonyima mvura vane nyota.
Kwa kuwa mpumbavu hunena upumbavu, moyo wake hushughulika na uovu: Hutenda mambo yasiyo ya kumcha Mungu, na hueneza habari za makosa kuhusu Bwana; yeye huwaacha wenye njaa bila kitu, na wenye kiu huwanyima maji.
7 Nzira dzousina maturo dzakaipa, anoita rangano dzakaipa kuti aparadze varombo nenhema, kunyange chichemo chaanoshayiwa chakanaka hacho.
Taratibu za mtu mbaya kabisa ni ovu, hufanya mipango miovu ili kumwangamiza maskini kwa uongo, hata wakati ambapo hoja za mhitaji ni za haki.
8 Asi munhu anokudzwa anoita urongwa hwakanaka, uye namabasa anokudzwa.
Lakini mtu muungwana hufanya mipango ya kiungwana, na kwa matendo ya kiungwana yeye hufanikiwa.
9 Imi vakadzi musina hanya, simukai muteerere kwandiri; imi vanasikana munoti makachengetedzeka, inzwai zvandinoreva!
Enyi wanawake wenye kuridhika sana, amkeni na mnisikilize. Enyi binti mnaojisikia kuwa salama, sikieni lile ninalotaka kuwaambia!
10 Gore risati rapera muchabvunda iyemi munoti makachengetedzeka; nokuti kuchekwa kwamazambiringa kuchakundikana, uye kutanhwa kwemichero hakuchasviki.
Muda zaidi kidogo ya mwaka mmoja, ninyi mnaojisikia salama mtatetemeka, mavuno ya zabibu yatakoma na mavuno ya matunda hayatakuwepo.
11 Dederai, imi vakadzi musina hanya; dederai imi vanasikana munoti makachengetedzeka! Bvisai nguo dzenyu, monerai masaga muzviuno zvenyu.
Tetemekeni, enyi wanawake wenye kuridhika, tetemekeni kwa hofu, enyi binti mnaojisikia salama! Vueni nguo zenu, vaeni nguo ya gunia viunoni mwenu.
12 Muzvirove zvipfuva nokuda kweminda yakanaka, nokuda kwezvibereko zvemizambiringa,
Pigeni matiti yenu kwa ajili ya mashamba mazuri, kwa ajili ya mizabibu iliyozaa vizuri
13 uye nokuda kwenyika yavanhu vangu, nyika yamera minzwa norukato, hongu, mucheme nokuda kwedzimba dzose dzamafaro, uye nokuda kweguta rinopururudza iri.
na kwa ajili ya nchi ya watu wangu, nchi ambayo miiba na michongoma imemea: naam, ombolezeni kwa ajili ya nyumba zote za furaha na kwa ajili ya mji huu wenye kufanya sherehe.
14 Nhare dzichasiyiwa, guta roruzha richasara risina munhu; nhare neshongwe zvichava dongo nokusingaperi, mufaro wembongoro, namafuro ezvipfuwo,
Ngome itaachwa, mji wenye kelele nyingi utahamwa, ngome ndani ya mji na mnara wa ulinzi vitakuwa ukiwa milele, mahali pazuri pa punda na malisho ya makundi ya kondoo,
15 kusvikira Mweya wadururirwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, uye gwenga rava nyika yakaorera, nemunda wakaorera wava sesango.
mpaka Roho amwagwe juu yetu kutoka juu, nalo jangwa kuwa shamba lenye rutuba, na shamba lenye rutuba kuwa kama msitu.
16 Kururamisira kuchagara kugwenga uye kururama kuchagara kumunda wakaorera.
Haki itakaa katika jangwa, na uadilifu utakaa katika shamba lenye rutuba.
17 Chibereko chokururama chichava rugare; uye chibereko chokururama chichava runyararo nokuvimba nokusingaperi.
Matunda ya haki yatakuwa amani, matokeo ya haki yatakuwa utulivu na matumaini milele.
18 Vanhu vangu vachagara munzvimbo dzorugare, mumisha yakachengetedzeka, munzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.
Watu wangu wataishi katika makao ya mahali pa amani, katika nyumba zilizo salama, katika mahali pa kupumzika pasipo na usumbufu.
19 Kunyange chimvuramabwe chikafukidza sango, neguta rikaparadzwa zvachose,
Hata kama mvua ya mawe iangushe msitu na mji ubomolewe kabisa,
20 ucharopafadzwa zvakadiniko, uchidyara mbeu dzako pedyo nehova dzose, uye uchirega mombe nembongoro dzako zvichifura zvakasununguka!
tazama jinsi utakavyobarikiwa, ukipanda mbegu yako katika kila kijito, na kuwaacha ngʼombe wako na punda wajilishe kwa uhuru.