< Isaya 32 >
1 Tarirai mambo achatonga nokururama, uye vatongi vachatonga nokururamisira.
देखो, राजा धर्म से शासन करेंगे और अधिकारी न्याय से शासन करेंगे.
2 Munhu mumwe nomumwe achafanana nenzvimbo yokuvanda kubva kumhepo, noutiziro kubva pakunaya kwemvura zhinji, sehova dzemvura mugwenga nomumvuri webwe guru munyika yafa nenyota.
सब मानो आंधी से छिपने का स्थान और बौछार के लिये आड़ के समान होगा, मरुभूमि में झरने एक विशाल चट्टान की छाया के समान होंगे.
3 Ipapo meso avose vanoona haachazotsinzini, uye nzeve dzavanonzwa dzichateerera.
तब जो देखते हैं, उनकी आंख कमजोर न होगी, और जो सुनते हैं वे सुनेंगे.
4 Ndangariro dzavanokurumidzira zvinhu dzichaziva uye dzichanzwisisa, uye vanokakama vachataura zvakanaka uye zvinonzwika.
उतावले लोगों के मन ज्ञान की बातें समझेंगे, और जो हकलाते हैं वे साफ़ बोलेंगे.
5 Benzi harichazonzi munhu anokudzwa, munhu asina maturo haazoremekedzwi.
मूर्ख फिर उदार न कहलायेगा न कंजूस दानी कहलायेगा.
6 Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi, ndangariro dzaro dzinofunga zvakaipa: Zvaanoita hazvina umwari uye anoparadzira zvinhu zvakarasika zvisiri zvaJehovha; anosiya vane nzara vasina chinhu uye anonyima mvura vane nyota.
क्योंकि एक मूर्ख मूढ़ता की बातें ही करता है, और उसका मन व्यर्थ बातों पर ही लगा रहता है: वह कपट और याहवेह के विषय में झूठ बोलता है जिससे वह भूखे को भूखा और प्यासे को प्यासा ही रख सके.
7 Nzira dzousina maturo dzakaipa, anoita rangano dzakaipa kuti aparadze varombo nenhema, kunyange chichemo chaanoshayiwa chakanaka hacho.
दुष्ट गलत बात सोचता है, और सीधे लोगों को भी अपनी बातों में फंसा देता है.
8 Asi munhu anokudzwa anoita urongwa hwakanaka, uye namabasa anokudzwa.
किंतु सच्चा व्यक्ति तो अच्छा ही करता है, और अच्छाईयों पर स्थिर रहता है.
9 Imi vakadzi musina hanya, simukai muteerere kwandiri; imi vanasikana munoti makachengetedzeka, inzwai zvandinoreva!
हे आलसी स्त्रियों तुम जो निश्चिंत हो, मेरी बात को सुनो; हे निश्चिंत पुत्रियो उठो, मेरे वचन पर ध्यान दो!
10 Gore risati rapera muchabvunda iyemi munoti makachengetedzeka; nokuti kuchekwa kwamazambiringa kuchakundikana, uye kutanhwa kwemichero hakuchasviki.
हे निश्चिंत पुत्रियो एक वर्ष और कुछ ही दिनों में तुम व्याकुल कर दी जाओगी; क्योंकि दाख का समय खत्म हो गया है, और फल एकत्र नहीं किए जाएंगे.
11 Dederai, imi vakadzi musina hanya; dederai imi vanasikana munoti makachengetedzeka! Bvisai nguo dzenyu, monerai masaga muzviuno zvenyu.
हे निश्चिंत स्त्रियो, कांपो; कांपो, हे निश्चिंत पुत्रियो! अपने वस्त्र उतारकर अपनी कमर पर टाट बांध लो.
12 Muzvirove zvipfuva nokuda kweminda yakanaka, nokuda kwezvibereko zvemizambiringa,
अच्छे खेतों के लिए और फलदार अंगूर के लिये रोओ,
13 uye nokuda kwenyika yavanhu vangu, nyika yamera minzwa norukato, hongu, mucheme nokuda kwedzimba dzose dzamafaro, uye nokuda kweguta rinopururudza iri.
क्योंकि मेरी प्रजा, जो बहुत खुश और आनंदित है, उनके खेत में झाड़ और कांटे उग रहे हैं.
14 Nhare dzichasiyiwa, guta roruzha richasara risina munhu; nhare neshongwe zvichava dongo nokusingaperi, mufaro wembongoro, namafuro ezvipfuwo,
क्योंकि राजमहल छोड़ दिया जायेगा, और नगर सुनसान हो जायेगा; पर्वत और उनके पहरेदारों के घर जहां है, वहां जंगली गधे मौज करेंगे, पालतू पशुओं की चराई बन जाएंगे.
15 kusvikira Mweya wadururirwa pamusoro pedu uchibva kumusoro, uye gwenga rava nyika yakaorera, nemunda wakaorera wava sesango.
जब तक हम पर ऊपर से आत्मा न उंडेला जाए, और मरुभूमि फलदायक खेत न बन जाए, और फलदायक खेत वन न बन जाए.
16 Kururamisira kuchagara kugwenga uye kururama kuchagara kumunda wakaorera.
तब तक उस बंजर भूमि में याहवेह का न्याय रहेगा, और फलदायक खेत में धर्म रहेगा.
17 Chibereko chokururama chichava rugare; uye chibereko chokururama chichava runyararo nokuvimba nokusingaperi.
धार्मिकता का फल है शांति, उसका परिणाम चैन; और हमेशा के लिए साहस!
18 Vanhu vangu vachagara munzvimbo dzorugare, mumisha yakachengetedzeka, munzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.
तब मेरे लोग शांति से, और सुरक्षित एवं स्थिर रहेंगे.
19 Kunyange chimvuramabwe chikafukidza sango, neguta rikaparadzwa zvachose,
और वन विनाश होगा और उस नगर का घमंड चूर-चूर किया जाएगा,
20 ucharopafadzwa zvakadiniko, uchidyara mbeu dzako pedyo nehova dzose, uye uchirega mombe nembongoro dzako zvichifura zvakasununguka!
क्या ही धन्य हो तुम, जो जल के स्रोतों के पास बीज बोते हो, और गधे और बैल को आज़ादी से चराते हो.