< Isaya 31 >
1 Vane nhamo avo vanoburukira kuIjipiti kundotsvaka rubatsiro, vanovimba namabhiza, vanovimba nokuwanda kwengoro dzavo uye nesimba guru ravatasvi vavo vamabhiza, asi vasingatariri kuMutsvene waIsraeri, kana kutsvaka rubatsiro runobva kuna Jehovha.
Tsoka kwa amene amapita ku Igupto kukapempha chithandizo, amene amadalira akavalo, nakhulupirira kuchuluka kwa magaleta awo ankhondo ndiponso mphamvu za asilikali awo okwera pa akavalo, koma sakhulupirira Woyerayo wa Israeli, kapena kupempha chithandizo kwa Yehova.
2 Kunyange zvakadaro naiyewo akachenjera uye anogona kuuyisa njodzi; haangadzosi mashoko ake. Iye achamukira imba yavakaipa, naavo vanobatsira vanoita zvakaipa.
Komatu Yehovayo ndi wanzeru ndipo angathe kuwononga, ndipo sasintha chimene wanena. Adzalimbana ndi anthu ochita zoyipa, komanso ndi amene amathandiza anthu ochita zoyipa.
3 Asi vaIjipita vanhu uye havasi Mwari, mabhiza avo inyama uye haasi mweya. Zvino panotambanudza Jehovha ruoko rwake, uyo anobatsira achagumburwa, uyo achabatsirwa achawa; vose vachaparara pamwe chete.
Aigupto ndi anthu chabe osati Mulungu; akavalo awo ndi nyama chabe osati mizimu. Yehova akangotambasula dzanja lake, amene amapereka chithandizo adzapunthwa, amene amalandira chithandizocho adzagwa; onsewo adzathera limodzi.
4 Zvanzi naJehovha kwandiri: “Sezvinoita shumba inoomba, seshumba huru pamusoro pechayabata, kunyange mhomho yose yavafudzi ikakokerwa pamwe chete kuzorwa neshumba iyi, iyo haingavhundutswi noruzha rwavo, kana kukanganiswa nemhere yavo, saizvozvo Jehovha Wamasimba Ose achaburukira pamusoro peGomo reZioni napazvikomo zvaro kuzorwa hondo.
Zimene Yehova akunena kwa ine ndi izi: “Monga mkango kapena msona wamkango umabangula ukagwira nyama yake, ndipo suopsedwa kapena kusokonezeka ndi kufuwula kwa abusa amene akulimbana nayo, momwemonso palibe chingaletse Yehova Wamphamvuzonse kubwera kudzatchinjiriza phiri la Ziyoni ndi zitunda zake.
5 Seshiri dzinobhururuka napamusoro, Jehovha Wamasimba Ose achadzivirira Jerusarema; acharidzivirira, acharirwira, achadarika pamusoro paro uye acharisunungura.”
Monga mbalame zowuluka pamwamba pa zisa zake, Yehova Wamphamvuzonse adzatchinjiriza Yerusalemu; ndi kumupulumutsa, iye adzawupitirira ndi kuwulanditsa.”
6 Dzokerai kuna iye wamakamukira zvikuru, imi vaIsraeri.
Inu Aisraeli, bwererani kwa Iye amene munamuwukira kwakukulu.
7 Nokuti pazuva iro mumwe nomumwe wenyu acharamba zvifananidzo zvesirivha negoridhe zvakaitwa namaoko enyu akaipa.
Pakuti tsiku limenelo nonsenu mudzataya mafano anu a siliva ndi golide amene mumapanga ndi manja anu auchimo.
8 “Asiria ichawisirwa pasi nomunondo usati uri womunhu; munondo, kwete wavanhu, uchavapedza. Vachatiza pamberi pomunondo uye majaya avo achaiswa kuchibharo.
“Aasiriya adzaphedwa ku nkhondo ndi mphamvu osati za munthu. Lupanga, osati la munthu, lidzawawononga. Adzathawa ku nkhondo ndipo anyamata awo adzagwira ntchito yathangata.
9 Nhare dzavo dzakasimba dzichawa nokuda kwokutya; vatungamiri vavo vachavhundutswa pavachaona mureza wehondo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, ane moto wake paZioni choto chake chiri muJerusarema.
Mfumu yawo idzamwalira ndi mantha, ndipo atsogoleri awo ankhondo adzathawa ndi mantha kusiya pambuyo mbendera yawo ya nkhondo.” Akutero Yehova, amene moto wake uli mu Ziyoni, ndipo ngʼanjo yake ili mu Yerusalemu.