< Isaya 3 >
1 Tarirai zvino, Ishe Jehovha Wamasimba Ose ava kuda kutora zvose rutsigiro nomudonzvo, kubva kuJerusarema neJudha; rutsigiro rwose rwezvokudya norutsigiro rwose rwemvura,
For behold, the Lord, Jehovah of hosts, Taketh away from Jerusalem and from Judah every stay and support; The whole stay of bread, and the whole stay of water;
2 mhare nomurwi, mutongi nomuprofita, muvuki nomukuru,
The mighty man, and the warrior, The judge, the prophet, the diviner, and the sage,
3 mukuru wamakumi mashanu nomunhu anokudzwa, gurukota nomurume weumhizha, nomuvuki anoziva.
The captain of fifty, and the honorable man, The counsellor, the expert in arts, and the skilful in charms.
4 Ndichaita kuti majaya ave vabati vavo; vana vadiki ndivo vachavatonga.
And I will make boys their princes, And children shall rule over them.
5 Vanhu vachadzvinyirirana, munhu nomunhu, muvakidzani nomuvakidzani. Vadiki vachamukira vakuru, nounozvidza achamukira anokudzwa.
And the people shall oppress one another, Man striving against man, and neighbor against neighbor; The boy shall behave himself insolently toward the aged, And the base toward the honorable.
6 Murume achabata mumwe wavanunʼuna vake paimba yababa vake achiti, “Ndiwe une nguo, chiva mutungamiri wedu; iva mutariri wedutu roungwandangwanda uhu!”
Then shall a man take hold of his brother in his father's house, [[and say, ]] Thou hast yet clothing, Be thou our ruler, And take this ruin into thy hands!
7 Asi pazuva iro achadanidzira achiti, “Handigoni kugadzirisa zvinhu. Handina chokudya kana chokufuka mumba mangu; musandiita mutungamiri wavanhu.”
But in that day shall he lift up his hand, and say: I am no healer; In my house is neither bread nor raiment; Make not me ruler of the people!
8 Jerusarema rozungunuka, Judha riri kuwa; mashoko avo nezviito zvavo zvinopesana naJehovha, vachizvidza kuvapo kwake kunobwinya.
For Jerusalem tottereth, and Judah falleth, Because their tongues and their deeds are against Jehovah, To provoke his holy eyes.
9 Zvinoonekwa pazviso zvavo zvinovapupurira; vanoburitsa chivi chavo pachena seSodhomu; havambochivanzi. Vane nhamo! Vanouyisa njodzi pamusoro pavo.
Their very countenance witnesseth against them; They publish their sin like Sodom; they hide it not; Woe to them, for they bring evil upon themselves!
10 Udzai vakarurama kuti zvichavanakira, nokuti vachanakirwa nezvibereko zvamabasa avo.
Say ye of the righteous that it shall be well with him, For he shall eat the fruit of his doings.
11 Vane nhamo vakaipa! Njodzi yava kuda kuvawira! Vacharipirwa zvakabatwa namaoko avo.
Woe to the wicked, it shall be ill with him, For the work of his hands shall be repaid him!
12 Vadiki vanomanikidza vanhu vangu, vakadzi vanovatonga. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiri venyu vanokutsausai; vanokubvisai munzira.
As for my people, children are their oppressors, And women rule over them. O my people, thy leaders cause thee to err, And destroy the way in which thou walkest!
13 Jehovha anotora nzvimbo yake muimba yokutonga; anosimuka kuti atonge vanhu.
Jehovah standeth up to maintain his cause; He standeth up to judge his people.
14 Jehovha anopinda mukutonga vakuru navatungamiri vavanhu vake achiti, “Ndimi makaparadza munda wangu womuzambiringa; zvakapambwa zvinobva kuvarombo zviri mudzimba dzenyu.
Jehovah entereth into judgment with the elders of his people, and their princes: “So then ye have consumed the vineyard; The plunder of the poor is in your houses!
15 Munoreveiko zvamunopwanya vanhu vangu, uye muchikuya zviso zvavarombo?” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose.
What mean ye, that ye crush my people, And grind the faces of the poor?” Saith Jehovah, the Lord of hosts.
16 Jehovha anoti, “Vakadzi veZioni vanozvikudza, vanofamba vakamisa mitsipa yavo. Vachichonya nameso avo, uye vanofamba vachinzenzeta, vaine zvishongo zvinorira muzviziso zvamakumbo avo.
Thus, also, saith Jehovah: Because the daughters of Zion are haughty, And walk with outstretched necks, And glance their eyes wantonly, Mincing their steps as they go, And tinkling with their foot-clasps,
17 Naizvozvo Jehovha achauyisa maronda pamisoro yavakadzi veZioni; Jehovha achaitisa misoro yavo mhanza.”
Therefore will the Lord make their heads bald, And Jehovah will expose their nakedness.
18 Pazuva iro Jehovha achabvisa pazviziso zvamakumbo avo: mabhenguro, nezvishongo zvomusoro, neungetani hwomutsipa hunonʼaima,
In that day shall the Lord take from them The ornaments of the foot-clasps, and the net-works, and the crescents;
19 nemhete dzenzeve, nezvingetani zvomumaoko, namavhoiri
The ear-rings, and the bracelets, and the veils;
20 nezvishongo zvebvudzi, nezvingetani zvomuzviziso zvamakumbo, nemasikavha, namabhodhoro amafuta anonhuhwira, namazango,
The turbans, and the ankle-chains, and the belts; The perfume-boxes, and the amulets;
21 nemhete, noukomba hwemhino,
The finger-rings, and the nose-jewels;
22 nenguo dzakanaka dzomutambo, nezvijasi, namakepesi namajasi nezvikwama,
The embroidered robes, and the tunics, and the cloaks, and the purses;
23 nezvionioni, nenguo dzomucheka wakaisvonaka, nezvishongo namashaweri.
The mirrors, and the linen shifts, and the head-bands, and the large veils.
24 Pachinzvimbo chezvinonhuhwira, pachava nokunhuhwa; pachinzvimbo chesikavha, pachava netambo; pachinzvimbo chebvudzi rakashongedzwa zvakanaka, pachava nemhanza; pachinzvimbo chembatya dzakaisvonaka, pachava nechipfeko chesaga; pachinzvimbo chorunako, pachava nokupiswa.
And instead of perfume there shall be corruption; Instead of a belt, a rope; Instead of curled locks, baldness; Instead of a wide mantle, a covering of sackcloth; Fire-scars instead of beauty.
25 Varume venyu vachafa nomunondo, varwi venyu vachafa muhondo.
Thy men shall fall by the sword, Yea, thy mighty men in battle;
26 Masuo eZioni achachema uye achaungudza; nokutambura kwaro, richagara pasi.
Her gates shall lament and mourn, And she, being desolate, shall sit upon the ground.