< Isaya 3 >

1 Tarirai zvino, Ishe Jehovha Wamasimba Ose ava kuda kutora zvose rutsigiro nomudonzvo, kubva kuJerusarema neJudha; rutsigiro rwose rwezvokudya norutsigiro rwose rwemvura,
Taonani tsopano, Ambuye Yehova Wamphamvuzonse, ali pafupi kuchotsa mu Yerusalemu ndi mu Yuda zinthu pamodzi ndi thandizo; adzachotsa chakudya chonse ndi madzi onse,
2 mhare nomurwi, mutongi nomuprofita, muvuki nomukuru,
anthu amphamvu ndi asilikali ankhondo, oweruza ndi aneneri, anthu olosera ndi akuluakulu,
3 mukuru wamakumi mashanu nomunhu anokudzwa, gurukota nomurume weumhizha, nomuvuki anoziva.
atsogoleri a ankhondo makumi asanu ndi anthu olemekezeka, aphungu ndi anthu amatsenga ndi akatswiri pa za kulosera.
4 Ndichaita kuti majaya ave vabati vavo; vana vadiki ndivo vachavatonga.
Ndidzawayikira anyamata kuti akhale mafumu awo; ana akhanda ndiwo adzawalamulire.
5 Vanhu vachadzvinyirirana, munhu nomunhu, muvakidzani nomuvakidzani. Vadiki vachamukira vakuru, nounozvidza achamukira anokudzwa.
Anthu adzazunzana, munthu ndi munthu mnzake, mnansi ndi mnansi wake. Anthu wamba adzanyoza akuluakulu.
6 Murume achabata mumwe wavanunʼuna vake paimba yababa vake achiti, “Ndiwe une nguo, chiva mutungamiri wedu; iva mutariri wedutu roungwandangwanda uhu!”
Munthu adzagwira mʼbale wake mʼnyumba ya abambo awo, ndipo adzati, “Iwe uli nawo mwinjiro, ndiye ukhale mtsogoleri wathu; lamulira malo opasuka ano!”
7 Asi pazuva iro achadanidzira achiti, “Handigoni kugadzirisa zvinhu. Handina chokudya kana chokufuka mumba mangu; musandiita mutungamiri wavanhu.”
Koma tsiku limenelo mʼbale wakeyo adzafuwula kuti, “Ayi, mavuto oterewa ndilibe mankhwala ake. Ndilibe chakudya kapena chovala mʼnyumba mwanga; musasankhe ine kukhala mtsogoleri wa anthu.”
8 Jerusarema rozungunuka, Judha riri kuwa; mashoko avo nezviito zvavo zvinopesana naJehovha, vachizvidza kuvapo kwake kunobwinya.
Yerusalemu akudzandira, Yuda akugwa; zokamba zawo ndi ntchito zawo nʼzotsutsana ndi Yehova, sakulabadira ulemerero wa Mulungu.
9 Zvinoonekwa pazviso zvavo zvinovapupurira; vanoburitsa chivi chavo pachena seSodhomu; havambochivanzi. Vane nhamo! Vanouyisa njodzi pamusoro pavo.
Maonekedwe a nkhope zawo amawatsutsa; amaonetsera poyera tchimo lawo ngati Sodomu; salibisa tchimo lawolo. Tsoka kwa iwo odziputira okha mavuto.
10 Udzai vakarurama kuti zvichavanakira, nokuti vachanakirwa nezvibereko zvamabasa avo.
Nena kwa olungama kuti zonse zidzawayendera bwino, pakuti adzakondwera ndi phindu la ntchito zawo.
11 Vane nhamo vakaipa! Njodzi yava kuda kuvawira! Vacharipirwa zvakabatwa namaoko avo.
Tsoka kwa anthu oyipa! Mavuto ali pa iwo! Adzalandira malipiro a zimene manja awo anachita.
12 Vadiki vanomanikidza vanhu vangu, vakadzi vanovatonga. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiri venyu vanokutsausai; vanokubvisai munzira.
Achinyamata akupondereza anthu anga, ndipo amene akuwalamulira ndi akazi. Aa, anthu anga, atsogoleri anu akukusocheretsani; akukuchotsani pa njira yanu.
13 Jehovha anotora nzvimbo yake muimba yokutonga; anosimuka kuti atonge vanhu.
Yehova wakhala pamalo pake mʼbwalo la milandu; wakonzeka kuti aweruze anthu ake.
14 Jehovha anopinda mukutonga vakuru navatungamiri vavanhu vake achiti, “Ndimi makaparadza munda wangu womuzambiringa; zvakapambwa zvinobva kuvarombo zviri mudzimba dzenyu.
Yehova akuwazenga milandu akuluakulu ndi atsogoleri a anthu ake: “Ndinu amene mwawononga munda wanga wa mpesa; nyumba zanu zadzaza ndi zolanda kwa amphawi.
15 Munoreveiko zvamunopwanya vanhu vangu, uye muchikuya zviso zvavarombo?” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha Wamasimba Ose.
Nʼchifukwa chiyani inu mukupsinja anthu anga, nʼkudyera masuku pamutu amphawi?” Akutero Ambuye Yehova Wamphamvuzonse.
16 Jehovha anoti, “Vakadzi veZioni vanozvikudza, vanofamba vakamisa mitsipa yavo. Vachichonya nameso avo, uye vanofamba vachinzenzeta, vaine zvishongo zvinorira muzviziso zvamakumbo avo.
Yehova akunena kuti, “Akazi a ku Ziyoni ngodzikuza kwambiri, akuyenda atakweza makosi awo, akukopa amuna ndi maso awo akuyenda monyangʼama akuliza zigwinjiri za mʼmiyendo yawo
17 Naizvozvo Jehovha achauyisa maronda pamisoro yavakadzi veZioni; Jehovha achaitisa misoro yavo mhanza.”
Nʼchifukwa chake Ambuye, adzatulutsa zipere pa mitu ya akazi a ku Ziyoniwo; Yehova adzachititsa dazi mitu yawo.”
18 Pazuva iro Jehovha achabvisa pazviziso zvamakumbo avo: mabhenguro, nezvishongo zvomusoro, neungetani hwomutsipa hunonʼaima,
Tsiku limenelo Ambuye adzawachotsera zodzikongoletsera zawo: za mʼmiyendo, za ku mutu za mʼkhosi,
19 nemhete dzenzeve, nezvingetani zvomumaoko, namavhoiri
ndolo ndi zibangiri, nsalu zophimba pa nkhope,
20 nezvishongo zvebvudzi, nezvingetani zvomuzviziso zvamakumbo, nemasikavha, namabhodhoro amafuta anonhuhwira, namazango,
maduku, zigwinjiri za mʼmiyendo ndi malamba, mabotolo a zonunkhira ndi zithumwa,
21 nemhete, noukomba hwemhino,
mphete ndi zipini,
22 nenguo dzakanaka dzomutambo, nezvijasi, namakepesi namajasi nezvikwama,
zovala za pa mphwando, zipewa ndi mwinjiro, zikwama,
23 nezvionioni, nenguo dzomucheka wakaisvonaka, nezvishongo namashaweri.
magalasi oyangʼanira, zovala zosalala, nduwira ndiponso nsalu za mʼmapewa.
24 Pachinzvimbo chezvinonhuhwira, pachava nokunhuhwa; pachinzvimbo chesikavha, pachava netambo; pachinzvimbo chebvudzi rakashongedzwa zvakanaka, pachava nemhanza; pachinzvimbo chembatya dzakaisvonaka, pachava nechipfeko chesaga; pachinzvimbo chorunako, pachava nokupiswa.
Mʼmalo mwa kununkhira azidzanunkha, mʼmalo mwa lamba, adzavala chingwe; mʼmalo mwa tsitsi lopesa bwino, adzakhala ndi dazi; mʼmalo mwa zovala zabwino, adzavala chiguduli; mʼmalo mwa kunyadira kukongola adzachita manyazi.
25 Varume venyu vachafa nomunondo, varwi venyu vachafa muhondo.
Iwe Yerusalemu anthu ako aamuna adzaphedwa ndi lupanga, asilikali ako adzafera ku nkhondo.
26 Masuo eZioni achachema uye achaungudza; nokutambura kwaro, richagara pasi.
Pa zipata za Ziyoni padzakhala kubuma ndi kulira; Iweyo udzasakazidwa nʼkukhala pansi, ukugubuduzika pa fumbi.

< Isaya 3 >