< Isaya 28 >

1 Ine nhamo korona yokuzvikudza, yezvidhakwa zveEfuremu, neruva rosvava pakubwinya kworunako rwaro, riri pamusoro pemipata yakaorera yaavo vakurirwa newaini!
Maye kulowomqhele wamaluba, iqhono lezidakwa zako-Efrayimi, kuluba elibunayo, ubuhle obukhazimulayo, obubekwe ngaphezulu kwesigodi esivundileyo, kulelodolobho, iqhono lalabo asebelaliswe liwayini phansi!
2 Tarira, Ishe ano mumwe ane simba uye anokurira. Sechimvuramabwe uye nedutu rinoparadza, sedutu remvura zhinji uye samafashamu emvura inonaya, achaiwisira pasi nesimba guru.
Khangelani, uThixo ulaye olamandla oqinileyo. Njengesiqhotho lomoya odilizayo, njengezulu lesiphepho lesihlambi esilamandla, uzakuphosa phansi ngamandla amakhulu.
3 Iya korona, yokuzvikudza yezvidhakwa zveEfuremu, ichatsikwa-tsikwa pasi petsoka.
Umqhele lowo wamaluba, iqhono lezidakwa zako-Efrayimi kuzanyathelwa ngaphansi kwezinyawo.
4 Ruva riya rosvava pakubwinya kworunako rwaro, riri pamusoro pomupata wakaorera, richafanana neonde raibva gohwo risati rasvika, munhu achingoriona, anoritanha noruoko rwake, obva aridya pakarepo.
Leliyaluba elibunayo, ubuhle bakhe obukhazimulayo, kuhlanyelwe ngaphezu kwesigodi esivundileyo, lizakuba njengomkhiwa ovuthiweyo kungakavunwa okuthi khonokho nje omunye ewubona awukhe ngesandla awuginye.
5 Pazuva iro Jehovha Wamasimba Ose achava korona inobwinya, chishongo chakanaka chavanhu vake vakasara.
Ngalolosuku uThixo uSomandla uzakuba ngumqhele okhazimulayo, umqhele wamaluba omuhle kulabo abayizinsalela zabantu bakhe.
6 Achava mweya wokururamisira kuna iye anogara pakutonga, chitubu chesimba kuna avo vanodzosera shure vanorwa pasuo.
Uzakuba ngumoya wokulunga kulowo owahlulelayo, umthombo wamandla kulabo ababuyisela impi emuva isisesangweni.
7 Ivavawo vanodzedzereka newaini uye vanozengaira nedoro: Vaprista navaprofita vanodzedzereka nedoro, uye vanonyonganiswa newaini; vanozengaira nedoro, vanodzedzereka pavanoona zviratidzo, vanogumburwa pakutonga.
Lalaba bayadiyazela ngenxa yewayini, babhadazele ngenxa yotshwala. Abaphristi labaphrofethi bayadiyazela ngenxa yotshwala, njalo baphambene ngenxa yewayini; bayabhadazela ngenxa yotshwala, bayadiyazela, lapho bebona imibono, bayakhininda lapho besenza izinqumo.
8 Tafura dzose dzazara marutsi uye hapachina nzvimbo isina tsvina.
Amatafula wonke agcwele amahlanzo njalo akulandawo engelamanyala.
9 “Ndianiko waachadzidzisa ruzivo? Ndianiko waanotsanangurira shoko? Kuvana vakarumurwa pamukaka, kuna avo vachangobva pazamu here?
“Ngubani lowo ozama ukumfundisa? Umbiko wakhe uwuchazela bani na? Abantwana abangasamunyi, kumbe abalunyuliweyo na?
10 Nokuti zvinoti: Chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, mutsara pamusoro pomutsara, mutsara pamusoro pomutsara, apa zvishoma, apo zvishoma.”
Ngoba kumi kanje: Yenza lokhu, yenza lokhuya, umthetho walokhu, umthetho walokhuya; ingcosana lapha, lengconsana laphayana.”
11 Zvirokwazvo, Mwari achataura kurudzi urwu nemitauro yavatorwa, nendimi dzokumwe,
Kungasenani, ngezindebe zabezizweni langolimi olungaziwayo, uNkulunkulu uzakhuluma lalababantu,
12 kwavari akati, “Iyi ndiyo nzvimbo yokuzorora, vakaneta ngavazorore,” uye, “Iyi ndiyo nzvimbo yorunyararo,” asi havana kumboteerera.
atshoyo kubo wathi, “Le yindawo yokuphumula, abadiniweyo kabaphumule”; njalo, “Le yindawo yokucambalala,” kodwa kabalalelanga.
13 Saka zvino, shoko raJehovha kwavari richava: Chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, mutsara pamusoro pomutsara, mutsara pamusoro pomutsara, apa zvishoma, apo zvishoma, kuitira kuti vaende vagondowa, vavhunike, vabatwe nomusungo vagotapwa.
Ngakho ilizwi likaThixo kubo lizakuba ngelithi: Yenza lokhu, yenza lokhuya, umthetho walokhu, umthetho walokhuya, ingcosana lapha, ingcosana laphaya, ukuze bahambe bawe nyovane, balimale, bathiywe, bathunjwe.
14 Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imi vaseki, imi vanotonga rudzi urwu muJerusarema.
Ngakho-ke zwanini ilizwi likaThixo lina bantu abaklolodayo, ababusa abantu laba eJerusalema.
15 Munozvirumbidza muchiti, “Takaita sungano norufu, takatenderana neguva. Shamhu inokukura painouya, haizotibati, nokuti nhema takadziita utiziro hwedu, uye kunyengera takakuita nzvimbo yedu yokuvanda.” (Sheol h7585)
Lizitshaya izifuba lisithi, “Senze isivumelwano lokufa, senza isivumelwano lethuna. Nxa isijeziso esikhulu sifika, kasiyikusithinta, ngoba senze amanga aba yisiphephelo sethu lenkohliso yaba yindawo yethu yokucatsha.” (Sheol h7585)
16 Saka zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Tarirai ndinoisa ibwe muZioni, ibwe rakaedzwa, ibwe rinokosha rapakona kuti rive nheyo yakasimba; anovimba naro haangavhunduki.
Ngakho lokhu yikho okutshiwo nguThixo woBukhosi: “Khangelani, ngibeka ilitshe eZiyoni, ilitshe elihloliweyo, ilitshe lengosi eliligugu; elesisekelo esiqinisekileyo, lowo othembayo akayikuphela amandla.
17 Ndichaita kuti kururamisira kuve rwodzi rwokururamisira, uye kururama ndichakuita chokururamisa nacho; chimvuramabwe chichakukura utiziro hwenyu, idzo nhema, uye mvura ichafukidza nzvimbo yenyu yokuvanda.
Ngizakwenza okufaneleyo kube yintambo yokulinganisa, ukulunga kube yintambo yokuqondisa; isiqhotho sizakhukhula isiphephelo senu, amanga, lamanzi azagabhela indawo yenu yokucatsha.
18 Sungano yenyu norufu ichadzimwa; chitenderano chenyu neguva hachingamiri. Shamhu inokukura painouya, muchakundwa nayo. (Sheol h7585)
Isivumelwano senu lokufa sizakwesulwa; isivumelwano senu lengcwaba kasiyikuma. Lapho isijeziso esikhulu sifika sizalilahla phansi. (Sheol h7585)
19 Nguva nenguva painouya ichakutakurai ichikuendesai kure; mangwanani achitevera mamwe mangwanani, panguva dzamasikati nenguva dzousiku, ichakukura.” Kunzwisisa shoko iri kuchauyisa kutya.
Ngazozonke izikhathi esizafika ngazo sizalithatha; ukusa ngokusa, emini lebusuku, sizalikhukhula.” Ukulizwisisa ilizwi leli kuzaletha ukwesaba khona ngokwakho.
20 Nokuti mubhedha uchava mupfupi pakutandavara, uye jira richava diki zvokuti munhu haangagoni kufukidzwa naro.
Umbheda mfitshane kakhulu ukuba unabe kuwo, ingubo incane kakhulu ukuba ugoqelwe ngayo.
21 Nokuti Jehovha achasimuka sezvaakaita paGomo rePerazimi, achatsamwa sezvaakaita muMupata weGibheoni, kuti aite basa rake, iro basa risinganzwisisiki, uye azadzise basa rake, basa risinganzwisisiki.
UThixo uzavuka njengalokho akwenzayo entabeni iPherazimu; uzathukuthela njengaseSigodini seGibhiyoni, ukuba enze umsebenzi wakhe, umsebenzi oyisimanga, enze umsebenzi wakhe, umsebenzi ongaziwayo.
22 Zvino chiregai kudada kwenyu, nokuti ngetani dzenyu dzichanyanya kukuremerai; Ishe, iye Jehovha Wamasimba Ose, andiudza pamusoro pokuparadzwa kwakatemwa pamusoro penyika yose.
Khathesi-ke yekelani ukukloloda kwenu funa amaketane elibotshwe ngawo alisinde kakhulu; iNkosi, uThixo uSomandla usengitshele ngesimiso sokutshabalalisa ilizwe lonke.
23 Teererai uye munzwe inzwi rangu; rerekai nzeve dzenyu munzwe zvandinoreva.
Lalelani lizwe ilizwi lami; lalelani lizwe engikutshoyo.
24 Murimi paanorimira kuti agodyara, anoramba achingorima here? Ko, anoramba achingorima kana kuhara here?
Lapho umlimi elima ukuba ahlanyele, ulima kokuphela na? Uqhubeka elima umhlabathi ewubhuqa kokuphela na?
25 Paanoenzanisa munda wake kuti uti chechetere, haangadyari karawe uye agokusha kumini here? Haangadyari gorosi munzvimbo yaro, nebhari mumunda wayo, nesipereti mumunda wayo here?
Nxa umhlabathi esewendlale kuhle, kahlanyeli ikharawayi ahlanyele lekhumini na? Kahlanyeli ingqoloyi endaweni yayo; ibhali ensimini yayo, lespelithi ensimini yaso na?
26 Nokuti Mwari wake anomurayiridza uye achamudzidzisa nzira yakanaka.
UNkulunkulu wakhe uyamfundisa, amfundise indlela eqondileyo.
27 Karawe haipurwi nechireyi, uye vhiri rengoro harikunguruswi pamusoro pekumini; karawe inopurwa nemhuro uye kumini inopurwa norumuti.
Ikharawayi kayibhulwa ngesileyi; lenqola kayihanjiswa phezu kwekhumini, kodwa ikharawayi ibhulwa ngentonga, kuthi ikhumini ibhulwe ngombhulo.
28 Zviyo zvinofanira kukuyiwa kuti zviitiswe chingwa; saka munhu haafaniri kuramba achingopura nokusingaperi. Kunyange achifambisa mavhiri engoro yake yokupura pamusoro pazvo, mabhiza ake haazvikuyi.
Amabele kumele acholwe ukuba kwenziwe isinkwa, ngakho umuntu kawabhuli kokuphela. Lanxa ehambisa inqola yakhe yokubhula phezu kwawo, amabhiza akhe kawawacholi.
29 Izvi zvose zvinobvawo kuna Jehovha Wamasimba Ose, anoshamisa mukurayira uye mukuru kwazvo muuchenjeri.
Konke lokhu lakho kuvela kuThixo uSomandla omangalisayo ngokweluleka, njalo olenhlakanipho emangalisayo.

< Isaya 28 >