< Isaya 28 >
1 Ine nhamo korona yokuzvikudza, yezvidhakwa zveEfuremu, neruva rosvava pakubwinya kworunako rwaro, riri pamusoro pemipata yakaorera yaavo vakurirwa newaini!
Ephraim yamuhrinaw e kâoupnae bawilakhung hai thoseh, misur meng kaparuinaw e talai kahawi monsom hoi kamyai thai e amamae lentoenae a pei hai thoseh, yawthoe lah ao.
2 Tarira, Ishe ano mumwe ane simba uye anokurira. Sechimvuramabwe uye nedutu rinoparadza, sedutu remvura zhinji uye samafashamu emvura inonaya, achaiwisira pasi nesimba guru.
Khenhaw! Bawipa koe athakaawme teh, roun, cakho patetlah thoseh, athakaawme tûili patetlah thoseh, amae kut hoi talai totouh a tâkhawng han.
3 Iya korona, yokuzvikudza yezvidhakwa zveEfuremu, ichatsikwa-tsikwa pasi petsoka.
Ephraim yamuhrinaw e kâoupnae bawilakhung teh kho rahim reprep coungroe lah ao han.
4 Ruva riya rosvava pakubwinya kworunako rwaro, riri pamusoro pomupata wakaorera, richafanana neonde raibva gohwo risati rasvika, munhu achingoriona, anoritanha noruoko rwake, obva aridya pakarepo.
Talai kahawi e monsom hoi kamyai thai e amamae lentoenae a pei teh kompawi hoehnahlan hmaloe kahmin e a paw patetlah ao han. Hote a paw ka hmawt e tami teh, amae kut dawk a pha tahma he tang a ca han.
5 Pazuva iro Jehovha Wamasimba Ose achava korona inobwinya, chishongo chakanaka chavanhu vake vakasara.
Hote hnin dawkvah, ransahu BAWIPA ni, kacawie a taminaw koe bawilennae lukhung, ka talue e bawilakhung lah ao han.
6 Achava mweya wokururamisira kuna iye anogara pakutonga, chitubu chesimba kuna avo vanodzosera shure vanorwa pasuo.
Lawkcengnae koe katahungnaw hanelah, lannae muitha lah ao vaiteh, tarannaw e longkha koehoi kabannaw hanelah, thaonae lah ao han.
7 Ivavawo vanodzedzereka newaini uye vanozengaira nedoro: Vaprista navaprofita vanodzedzereka nedoro, uye vanonyonganiswa newaini; vanozengaira nedoro, vanodzedzereka pavanoona zviratidzo, vanogumburwa pakutonga.
Ahnimouh teh misur yamu kecu dawk rawrawcawt awh vaiteh, yamu kecu dawk a kamrit awh han. Vaihma hoi profetnaw teh rawrawcawt awh vaiteh, misur hoi hmoungti awh toe. Yamu kecu a kamrit awh toe. Vision hmunae koe a kamrit awh teh, lawkcengnae koe paletpalut lah ao awh.
8 Tafura dzose dzazara marutsi uye hapachina nzvimbo isina tsvina.
Ahnimae canei pawi pueng teh, hmuen houng laipalah palo hoi a kawi.
9 “Ndianiko waachadzidzisa ruzivo? Ndianiko waanotsanangurira shoko? Kuvana vakarumurwa pamukaka, kuna avo vachangobva pazamu here?
Ahnimouh ni, apimouh panuenae ka cangkhai awh han va. Kamthang hah apimouh ka deicai pouh han va. Nene nueng pâphei e naw nama. Nene ka net lahun e naw nama.
10 Nokuti zvinoti: Chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, mutsara pamusoro pomutsara, mutsara pamusoro pomutsara, apa zvishoma, apo zvishoma.”
Bangkongtetpawiteh, kâlawk van kâlawk, kâlawk van kâlawk, langri van langri, langri van langri, hitueng youn touh haw tueng youn touh lah bo ao vaw.
11 Zvirokwazvo, Mwari achataura kurudzi urwu nemitauro yavatorwa, nendimi dzokumwe,
Hatdawkvah, tamitavannaw e pahni hoi ramlouknaw e lawk hoi hete miphunnaw koe ahni ni lawk a dei han.
12 kwavari akati, “Iyi ndiyo nzvimbo yokuzorora, vakaneta ngavazorore,” uye, “Iyi ndiyo nzvimbo yorunyararo,” asi havana kumboteerera.
Lawk a dei hane teh, het hateh, kâhatnae doeh. Ka tâwn e naw kâhat naseh, duem kâhat naseh, telah ahnimouh koe a dei pouh ei, ahnimouh ni thai ngai awh hoeh.
13 Saka zvino, shoko raJehovha kwavari richava: Chirevo pamusoro pechirevo, chirevo pamusoro pechirevo, mutsara pamusoro pomutsara, mutsara pamusoro pomutsara, apa zvishoma, apo zvishoma, kuitira kuti vaende vagondowa, vavhunike, vabatwe nomusungo vagotapwa.
Hatdawkvah, ahnimouh teh a cei awh teh, hnuklah a rawp awh teh, a rawkphai awh teh, tangkam dawk a kâman awh teh, man lah ao awh nahan, BAWIPA e kâlawk teh ahnimae van vah, kâlawk van kâlawk, kâlawk van kâlawk, langri van langri, langri van langri, hitueng youn touh haw tueng youn touh lah ao han.
14 Naizvozvo inzwai shoko raJehovha, imi vaseki, imi vanotonga rudzi urwu muJerusarema.
Hatdawkvah, Jerusalem kho vah, hete miphunnaw ka uk niteh, ka dudam e naw, BAWIPA e a lawk teh thai awh haw.
15 Munozvirumbidza muchiti, “Takaita sungano norufu, takatenderana neguva. Shamhu inokukura painouya, haizotibati, nokuti nhema takadziita utiziro hwedu, uye kunyengera takakuita nzvimbo yedu yokuvanda.” (Sheol )
Bangkongtetpawiteh, nangmouh ni, kaimouh teh duenae hoi lawkkam ka sak awh toe. Phuen hoi lawkkâcat awh toe. Lacik kathout a tho toteh, kaimouh koe tho mahoeh. Bangkongtetpawiteh, Laithoe hah kâuepnae lah ao teh, dumyennae dawk kâhro awh toe, telah na dei awh. (Sheol )
16 Saka zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Tarirai ndinoisa ibwe muZioni, ibwe rakaedzwa, ibwe rinokosha rapakona kuti rive nheyo yakasimba; anovimba naro haangavhunduki.
Hatdawkvah, Bawipa Jehovah ni, khenhaw! talung, tanouknae talung, ka talue e a takinlung hah im du lah Zion mon dawkvah ka hruek toe. Ka yuem e tami teh kalue tâsuenae awm mahoeh.
17 Ndichaita kuti kururamisira kuve rwodzi rwokururamisira, uye kururama ndichakuita chokururamisa nacho; chimvuramabwe chichakukura utiziro hwenyu, idzo nhema, uye mvura ichafukidza nzvimbo yenyu yokuvanda.
Kai ni lannae hah bangnuenae rui lah ka coung sak vaiteh, lannae hah bangnuenae paw lah ka o sak han. Roun ni laithoe kâuepnae hah raphoe vaiteh, a kâhronae hmuen hai tui ni muen a khu han.
18 Sungano yenyu norufu ichadzimwa; chitenderano chenyu neguva hachingamiri. Shamhu inokukura painouya, muchakundwa nayo. (Sheol )
Duenae hoi lawkkam na sak e teh a rawk han. Phuen hoi lawkkam na sak e hai kangcoung mahoeh. Runae a pha toteh, nangmouh hah reprep na coungroe awh han. (Sheol )
19 Nguva nenguva painouya ichakutakurai ichikuendesai kure; mangwanani achitevera mamwe mangwanani, panguva dzamasikati nenguva dzousiku, ichakukura.” Kunzwisisa shoko iri kuchauyisa kutya.
Hote a cei toteh, nangmouh hai na ceikhai awh han. Hot teh amom buet touh hnukkhu amom buet touh a cei han. Kamthang na thai e ni karum khodai kaluekalapnae duengdoeh a tâcokhai han.
20 Nokuti mubhedha uchava mupfupi pakutandavara, uye jira richava diki zvokuti munhu haangagoni kufukidzwa naro.
Bangkongtetpawiteh, ikhun teh ma cawng hoeh hane totouh a duem, hni hai kâkhu thai hoeh hanlah a thoung.
21 Nokuti Jehovha achasimuka sezvaakaita paGomo rePerazimi, achatsamwa sezvaakaita muMupata weGibheoni, kuti aite basa rake, iro basa risinganzwisisiki, uye azadzise basa rake, basa risinganzwisisiki.
BAWIPA ni a thaw ka talue e thaw hah tawk hane hoi ouk a tawk e lah kaawm hoeh e thaw hah tawk hanelah, Perazim mon dawk e patetlah a thaw sak han. Gibeon yawn dawk e patetlah a kâhlaw sak han.
22 Zvino chiregai kudada kwenyu, nokuti ngetani dzenyu dzichanyanya kukuremerai; Ishe, iye Jehovha Wamasimba Ose, andiudza pamusoro pokuparadzwa kwakatemwa pamusoro penyika yose.
Atuvah nangmouh teh, dudamnae sak awh hanh. Hoehpawiteh, puenghoi yuenae na khang awh han. Bangkongtetpawiteh, ram pueng dawk rawknae hoi lawkcengnae hah ransahu Bawipa Jehovah koehoi thai awh toe.
23 Teererai uye munzwe inzwi rangu; rerekai nzeve dzenyu munzwe zvandinoreva.
Kaie ka lawk hah na hnâpakeng awh nateh thai awh haw. Ka lawk hah takuetluet thai awh haw.
24 Murimi paanorimira kuti agodyara, anoramba achingorima here? Ko, anoramba achingorima kana kuhara here?
Cati patue nahanelah laikawk ka tawk e ni kanîruirui talai a thawn maw. Talai hah patuenpatuen a pâpawn teh a thawn maw.
25 Paanoenzanisa munda wake kuti uti chechetere, haangadyari karawe uye agokusha kumini here? Haangadyari gorosi munzvimbo yaro, nebhari mumunda wayo, nesipereti mumunda wayo here?
A palat toteh, catun hoi catun hah patue laipalah ouk ao maw. Catun hah aruirui lah a patue teh, catun hah a kawkkawk lah patue laipalah ouk ao maw.
26 Nokuti Mwari wake anomurayiridza uye achamudzidzisa nzira yakanaka.
Bangkongtetpawiteh, ahni hah a cangkhai toe. A Cathut ni ahni hai a cangkhai toe.
27 Karawe haipurwi nechireyi, uye vhiri rengoro harikunguruswi pamusoro pekumini; karawe inopurwa nemhuro uye kumini inopurwa norumuti.
Catun hah palatnae thingphek hoi kanawk hoeh. Catun hai lengkhok hoi palet sin hoeh. Catun hoi catun hah bongpai hoi doeh ouk hem.
28 Zviyo zvinofanira kukuyiwa kuti zviitiswe chingwa; saka munhu haafaniri kuramba achingopura nokusingaperi. Kunyange achifambisa mavhiri engoro yake yokupura pamusoro pazvo, mabhiza ake haazvikuyi.
Vaiyei lah sak hane catun hah ouk tip sak awh. Hatei, pou kanek hoeh. Rangleng hah marang hoi a sawn sak eiteh, tip sak e nahoeh.
29 Izvi zvose zvinobvawo kuna Jehovha Wamasimba Ose, anoshamisa mukurayira uye mukuru kwazvo muuchenjeri.
Hethateh, ransahu BAWIPA koehoi doeh a tho. BAWIPA teh pouknae poenae koe kângairu hanelah ao teh, a pouknae hai a len.