< Isaya 27 >

1 Pazuva iro, Jehovha acharanga nomunondo wake, iwo munondo wake mukuru une simba uye unotyisa, Revhiatani nyoka inokurumidza, Revhiatani nyoka inogonyana; achauraya chikara chomugungwa.
Katika siku hiyo Yahwe kwa upanga wake ulio mgumu, mkubwa na mkali, atamadhibu Leviathani na nyoka yule anayetambaa kwa kupenya, na atamuua mnyama anayeishi baharini.
2 Pazuva iro, “Imbai nezvomuzambiringa unobereka:
Siku hiyo: Shamba la zabibu, litawaimbia.
3 Ini Jehovha ndini ndinouchengeta; ndinoramba ndichiudiridzira. Ndinourinda masikati nousiku kuitira kuti parege kuva neanoukanganisa.
''Mimi Yahwe ni mlinzi wake; Ninalimwagia maji kila wakati; hivyo hakuna anayelimiza, Ninalilinda usiku na mchana.
4 Handina kutsamwa. Dai paingova nerukato neminzwa zvinorwa neni! Ndaienda kundorwa nazvo; ndaizvipisa zvose nomoto.
Sina hasira, Oh, kama mbigiri na miiba! Katika vita nitatembea dhidi yao; Nitawachoma wote kwa pamoja;
5 Kana kuti ngazviuye zvizovanda kwandiri; ngazviyanane neni, hongu, ngazviyanane neni.”
labda wafahamu ulinzi wangu na wafanye amani na mimi, waache wafanye amani na mimi.
6 Mumazuva anouya, Jakobho achadzika midzi, Israeri achabukira uye achatunga maruva, agozadza nyika yose nomuchero,
Kwa siku inayokuja, Yakobo atachukua mzizi; Israeli itatoa maua na kuchipua; na itaijaza aridhi yote kwa matunda.''
7 Ko, Jehovha akamurova here sezvaanorova avo vakamurova? Akaurayiwa here sokuurayiwa kwakaitwa avo vakamuuraya?
Je Yahwe alimshambulia Yakobo na Israeli na hayo mataifa yaliyomshambulia? Je Yakobo na Israeli waliuliwa na wao kama mliowachinja katika mataifa mliowauwa wao?
8 Muhondo makarwa naye mukamudzinga, nokurwisa kwake kunotyisa akamudzinga, sezvinoitika pazuva rinovhuvhuta mhepo yokumabvazuva.
Kitika kipimo halisi cha kuridhisha, watume Yakobo na Israeli mbali; aliwaondosha mbali kwa upepo mkali, katika siku ya upepo wa mashariki.
9 Zvino nenzira iyi, mhosva yaJakobho ichadzikinurwa, uye izvi zvichava chibereko chakazara chokubviswa kwechivi chake: Paanoita kuti aritari dzose dzifanane namabwe omunyaka akaputswa-putswa, hapana matanda aAshera kana aritari dzezvinonhuhwira zvichasiyiwa zvakamira.
Hivyo kwa njia hii, maovu ya Yakobo yatalipiwa, maana hii itakuwa matunda yote yakuomdolewa dhambi zake: pale atakapofanya mathebau ya mawe kama chokaa na kuviangamiza katika vipande vipande, na hakuna nguzo za Ashera au madhebau itakayoachwa imesimama.
10 Guta rakakomberedzwa norusvingo rasiyiwa rava dongo, hwava ugaro hwakasiyiwa, kufanana nerenje; mhuru dzofura ikoko, uye ikoko ndiko kwadzinovata; dzinosiya matavi asisina chinhu.
Maana mji imara umeharibiwa, makao yake na faragha yake yameachwa kama jangwa. Kuna ndama wanachungwa, na huko ndiko atakapo lala na kuyala matawi yake.
11 Panooma matavi acho, anovhuniwa, uye vakadzi vanouya vovesa moto nawo. Nokuti vanhu ava havana njere; nokudaro Muiti wavo haachina tsitsi pamusoro pavo, uye Musiki wavo haangavaitiri nyasha.
Matawi yake yatakaponyauka yatanguka. Wanawake watakuja na kuyatumia kutengeneza moto, maana hawa sio watu waelewa. Hivyo basi Muumba wao hatakuwa na huruma juu yao, na yeye aliyewaumba atakuwa na huruma juu yao.
12 Pazuva iro Jehovha achapura kubva panoyerera Yufuratesi kusvikira paRukova rweIjipiti, uye imi vaIsraeri, muchaunganidzwa muchiita mumwe mumwe.
Na siku hiyo itakuwa kwamba Yahwe atapururua kutoka mto Efrate mpaka Wadi ya Misri na njie, watu wa Israeli, tutakusanyika mahali pamoja mmoja mmoja.
13 Uye pazuva iro hwamanda huru icharira. Vakanga vofira muAsiria uye navaya vakanga vatizira kuIjipiti vachauya kuzonamata Jehovha pamusoro pegomo dzvene riri muJerusarema.
Siku hiyo tarumbeta kubwa litapulizwa; na watu waliopotea katika nchi ya Asiria watakuja, na waliotupwa katika nchi ya Misri, watamuabudu Yahwe katika mlima mtakatifu huko Yerusalemu.

< Isaya 27 >