< Isaya 25 >
1 Haiwa, Jehovha ndimi Mwari wangu; ndichakukudzai uye ndicharumbidza zita renyu, nokuti nokutendeka kukuru makaita zvinhu zvinoshamisa, zvinhu zvamakaronga kare kare.
上主!你是我的天主,我要稱揚你,我要讚頌你的名,因為你忠實真誠地成就了你舊日的奇妙計劃。
2 Makaita kuti guta rive dutu ramarara, guta rakakomberedzwa rikava dongo, nhare yavatorwa haichazova gutazve; haichazovakwazve.
因為你使那城成了一堆瓦礫,使設防的城市化為一片荒涼,使傲慢人的城堡不像城市,永遠不得重建。
3 Naizvozvo vanhu vane simba vachakukudzai; maguta endudzi dzine utsinye achakuremekedzai.
為此,強大的民族要頌揚你,威武邦國的城市要敬畏你。
4 Manga muri utiziro hwavarombo, utiziro hwaanoshayiwa mukutambudzika kwake, uye dumba panguva yemvura zhinji nomumvuri pakupisa kwezuva. Nokuti kufema kwavano utsinye kwakafanana nemvura zhinji inorovera parusvingo,
因為你是窮苦人的屏障,是患難中貧乏人的屏障,避風暴的藏身處,避炎熱的蔭涼所;因為殘暴人的狂怒有如冬日的暴風,
5 uye kwakafanana nokupisa kwerenje. Munonyaradza bope ravatorwa; sokupisa kunotonhodzwa nomumvuri wegore, naizvozvo rwiyo rwavane utsinye rwanyaradzwa.
有如旱地上的炎熱。傲慢人的狂暴你已抑止,有如濃蔭減輕了熱氣;連殘暴人的歌聲也從此低降。
6 Pamusoro pegomo iri, Jehovha Wamasimba Ose achagadzirira vanhu vose mutambo wezvakakora, namabiko ewaini yakare, nyama yakanakisa uye newaini yakaisvonaka.
萬軍的上主在這座山上,要為萬民擺設肥甘的盛宴,美酒的盛宴;肥甘是精選的,美酒是醇清的。
7 Pamusoro pegomo iri, achaparadza chifukidziro chinoputira marudzi ose, mucheka unofukidza ndudzi dzose;
在這座山上,你要撤除那封在萬民上的封面,那蓋在各國上的帷幔。
8 iye achamedza rufu nokusingaperi. Wamasimba Ose achapisika misodzi kubva pazviso zvose; achabvisa kunyadziswa kwavanhu vake panyika yose. Jehovha ataura.
他要永遠取消死亡,吾主上主要從人人的臉上拭去淚痕,要由整個地面除去自己民族的恥辱:因為上主說了。
9 Pazuva iro vachati, “Zvirokwazvo uyu ndiye Mwari wedu; takavimba naye, iye akatiponesa. Uyu ndiye Jehovha, takavimba naye; ngatifarei tifarisise muruponeso rwake.”
到那一天,人要說:「看!這是我們所依賴拯救我們的天主;這是我們所依賴的上主,我們要因他的救援鼓舞喜樂,
10 Ruoko rwaJehovha ruchagara pagomo iri, asi Moabhu achatsikwa-tsikwa pasi pake, samashanga anotsikwa-tsikwa mumupfudze.
因為上主的手停留在這山上。」敵人要在自己的地方受踐踏,有如禾湝被踐踏在糞坑之中。
11 Vachatambanudza maoko avo mariri, somushambiri anotambanudza maoko ake kuti ashambire. Mwari achaderedza kuzvikudza kwavo, kunyange vachigona kuita zvakanaka namaoko avo,
他要在其中伸開雙手,如同游泳的伸手游泳;但他的傲慢和他的手段已受了挫折。
12 Achakoromora nhare yako yamasvingo akakwirira agoaputsira pasi; achaakoromorera pasi, muguruva chaimo.
他城牆上高聳的保壘必被打倒、推翻,倒在地上化為塵埃。