< Isaya 24 >
1 Tarirai, Jehovha ari kuzoparadza nyika achiiparadza zvachose; achanyangadza kutarisika kwayo uye achaparadzira vanogaramo,
Angalia Yahwe anakaribia kuifanya dunia kuwa utupu, kuhiharibu, kuharibu uso wake, na kuwatawanya wenyeji wake.
2 zvichangofanana, zvinoitirwa muprista nezvinoitirwa vanhu, zvinoitirwa vatenzi nezvinoitirwa muranda, zvinoitirwa vahosi nezvinoitirwa mushandiri, zvinoitirwa mutengesi nezvinoitirwa mutengi, zvinoitirwa anokwereta nezvinoitirwa akweretwa, zvinoitirwa anoripa mhindu nezvinoitirwa anoreva mhindu.
Itakuwa kama ilivyo kwa watu itakuwa hivyo hivyo kwa kuhani; na kwa watumishi na kwa bwana wake, na kwa mfanyakazi wa ndani itakuwa hivyo na kwa tajiri yake, ndivyo itakavyokuwa kwa anayeuza na anayenunua; ndivyo itakavyokwa kwa wenye kupata faida na wenye madeni, na wale wennye kupokea faida itakuwa hivyo hivyo kwa wale wenye kutoa faida.
3 Nyika ichaparadzwa zvachose uye ichatorerwa zvayo zvose. Jehovha ataura shoko irori.
Dunia itaharibiwa kabisa na kufanjwa ukiwa; maana Yahwe amenena maneno hayo. Dunia imekauka kabisa na kunyauka,
4 Nyika inooma uye inosvava, pasi pose panorwadziwa uye panounyana, vanokudzwa venyika vanopera simba uye vanorwadziwa.
Dunia inazimia n kudhohofika. Watu maarufu wa duniani watapotezwa.
5 Nyika inosvibiswa navanhu vayo; havana kuteerera mirayiro, vakapandukira mitemo uye vakaputsa sungano isingaperi.
Dunia inavutwa na watu wakao ndani yake kwa sababu wamepindisha sheria, wameibadili amri na wamevunja agano la milele.
6 Naizvozvo chituko chinoparadza nyika, vanhu vayo vanofanira kuzvitakurira mhosva dzavo. Naizvozvo vagari vomunyika vapiswa, uye vashoma ndivo vasara.
Hivyo basi laana inaitafuna nchi, na wenyeji wake wamekutwa na makosa. Wakaao duniani wanateketea, na watu wachache wameachwa.
7 Waini itsva inopera uye muzambiringa unosvava; vose vanoda mafaro vanogomera.
Divai mpya imekauka, mizabibu imenyauka, na mioyo yote iliyochangamka inaugua.
8 Kufadza kwamakandira kwanyaradzwa, kupembera kwavapururudzi kwapera, rudimbwa rwomufaro rwanyaradzwa.
Sauti ya furha ya kigoma inasimama, na kelele za wenye furaha zimekwisha, na furaha ya kinubi imesitishwa.
9 Havangazonwi waini vachiimba rwiyo; doro rava kuvava kuvanwi varo.
Hawatakunjwa mvinyo tena na kuimba, bia chungu kwa wale wanokunywa.
10 Guta rakoromorwa rava dongo; mukova wokupinda mudzimba dzose wapfigwa.
Mji uliochafuka umeangushwa chini; kila nyumba imefungwa na hakuna kitu.
11 Vochemera waini mumigwagwa; mufaro wose washanduka wava kusuwa, mupururu wabviswa panyika.
Kuna kilio mtaani kwa sababu ya mvinyo; furaha yote imetiwa giza, furaha ya nchi imetoweka.
12 Guta rasara rava dongo, masuo aro aputswa-putswa.
Ndani ya mji kumebaki ukiwa, na lango limebolewa kwa uharibifu.
13 Ndizvo zvazvichaita munyika napakati pendudzi, zvichafanana nokuzunzwa kwomuorivhi, kana sezvinosara pakunongwa shure kwegohwo ramazambiringa.
Hivi ndivyo itakavyofanyika kwa dunia yote mwiongoni mwa mataifa, pale mti wa mzabibu utakapopigwa, na waokotapo zabibu baada mavuno yake kuwa tayari.
14 Vanosimudza manzwi avo, vanopururudza nomufaro; kubva kumavirira vanoparidza zvoukuru hwaJehovha.
Watanyanyua saut zao na kupiga keleleYahwe mwenye enzi, na utapaza sauti kutoka kwenye bahari.
15 Naizvozvo kumabvazuva, mbiri kuna Jehovha; kudzai zita raJehovha Mwari waIsraeri pazviwi zvegungwa.
Hivyo basi mashariki mtukuze Yahwe, na katika kisiwa cha bahari tukuzeni jina la Yahwe, Mungu wa Israeli.
16 Kubva kumigumo yenyika tinonzwa kuimba kunoti: “Ngaakudzwe iye Akarurama.” Asi ini ndakati, “Ndiri kupera muviri, ndiri kupera muviri! Ndine nhamo! Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera! Vanyengeri vakaita zvinhu nokunyengera kukuru!”
Kutoka umbali wa sehemu ya dunia tumesika nyimbo, ''Utukufu kwa watu wenye haki! Lakini nikasema, ''Nimepita mbali, Ole juu wangu! Wasaliti walshulika na wenye hila; ndio, wasaliti walishuhulika na wenye hila.''
17 Kutya negomba zvakakumirirai, imi vanhu vapanyika.
Hofu, shimo, na mtego yako juu yako, wenyeji wa dunia.
18 Ani naani anotiza kutinhira kunotyisa, achawira mugomba; ani naani anokwira achibuda mugomba achabatwa mumusungo. Nokuti mawindo okudenga azaruka, uye nheyo dzapanyika dzozungunuka.
Amekimbia maana sauti ya hofu itaanguka kwenye shimo, na anayekuja juu katikati ya shimo atanaswa na mtego. Madirisha ya mbinguni yatafunguliwa, na misingi ya dunia itatikisika.
19 Nyika yaputswa-putswa, nyika yakamurwa napakati, nyika yozungunuswa chose.
Dunia itangamizwa kabisa, dunia itapasukia mbali; dunia itatatikisika vikali.
20 Nyika yodzedzereka sechidhakwa, inozengaira semba iri mumhepo; kudarika nokumukira kwayo kwairemera kwazvo, zvokuti inowa, ikasazomukazve.
Dunia itajikongoja kama mlevi na itachezacheza kurudi nyuma na mbele kama kibanda. Dhambi zao zitakuwa nzito juu yao na zitaanguka na hazitasimama tena.
21 Pazuva iro Jehovha acharanga masimba omuchadenga kumusoro, uye namadzimambo ari pamusoro penyika pasi.
Itakuwa siku hiyo ambayo Yahwe ataliadhibu jeshi la aliye juu mahali pa juu, na falme za dunia katika dunia.
22 Vachaunganidzwa pamwe chete kufanana navasungwa vakasungwa mugomba; vachapfigirwa mutorongo vagozorangwa kwamazuva mazhinji.
Watakusanyika pamoja, wafungwa katika shimo, na watafungw gerezani; na baada ya siku nying watadhibiwa.
23 Mwedzi uchanyadziswa, zuva richanyara; nokuti Jehovha Wamasimba Ose achatonga pamusoro peGomo reZioni nomuJerusarema, napamberi pavakuru varo, nokubwinya kukuru.
Halafu Mwenzi utatiwa aibu na jua pia litatwa aibu, maana Yahwe wa majeshi atatawala katika mlima Sayuni na Yerusalemu, kabla ya wazee wake katika utukufu.