< Isaya 23 >

1 Chirevo pamusoro peTire: Ungudzai imi zvikepe zveTashishi! Nokuti Tire raparadzwa uye rasiyiwa risina imba kana pangamira zvikepe. Shoko rakasvika kwavari richibva kunyika yeSaipurasi.
Tamko kuhusu Tiro, Ombolezeni, enyi kondoo wa Tarishishi;
2 Nyararai, imi vanhu vagere pachiwi nemi vatengesi veSidhoni, imi makapfumiswa navashambadzi vomunyanza.
maana hakuna nyumba wala bandari; kutoka katika nchi ya Kyprusi wamefunuliwa hilo.
3 Pamusoro pemvura zhinji zviyo zveShihori zvakayambutswa; mukoho weNairi ndiwo waiva pfuma yeTire, uye ikazova nzvimbo yokutengesera yamarudzi.
Na juu ya maji mengi ni nafaka za shiho, mazao ya Nile, na uzalishaji wao; mlikuwa wafanya biashara wa kimataifa.
4 Nyara, iwe Sidhoni, uye newe nhare yegungwa, nokuti gungwa rataura richiti, “Handina kumborwadziwa kana kubereka; handina kumborera vanakomana kana kukurisa vanasikana.”
Kuwa na aibu, Sidoni; maana bahari imenena, mkuu wa bahari. Amesema, ''Sijafanya kazi wala kuzaa wala kukuza vijana wadogo wala kuwalea mabinti.
5 Panosvika shoko kuIjipiti, vacharwadziwa pamusoro peshoko rinobva kuTire.
''Pale taarifa ilipofika Misri, watauzunika kuhusu Tire.
6 Yambukirai kuTashishi; ungudzai, imi vanhu vagere pachiwi.
Katiza juu ya Tarshishi; Ole wenu, enyi wakazi wa pwani.
7 Ko, iri ndiro guta renyu ramafaro here, guta rakare kare, rakaendeswa kure kure netsoka dzaro kundogara kunyika iri kure?
Je hili limeshawahi kuwatokea, mji wenye furaha, ambao kwa asili yake umetoka katika kipindi cha kale. Ambapo miguu yake imempeleka mbali kuishi kwenye maeneo ya ugenini?
8 Ndianiko akarongera Tire izvozvi, iro raipa korona, vatengesi varo vari machinda, vashambadziri varo vane mukurumbira munyika?
Ni nani aliyepanga haya dhidi ya Tire, mtoa mataji, ambao wafanyabiashara wake ni wakuu, ambao wafanyabiashara ni watu wa kuheshimika duniani?
9 Jehovha Wamasimba Ose akaronga izvozvo, kuti adzikise kuzvikudza kwekukudzwa kwose, uye kuti aninipise vose vane mukurumbira panyika.
Yahwe wa majeshi amepanga kuharibu kiburi chake na utukufu wake, na kuwahaibisha waheshimiwa wote wa dunia.
10 Rima nyika yako sezvinoitwa mujinga meNairi, iwe mwanasikana weTashishi, nokuti hauchina panomira zvikepe.
Lima katika shamba lako, kama mtu alimavyo Nile, ewe binti Tarishishi. Maana hakuna tena eneo la soko huko Tite.
11 Jehovha akatambanudza ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye akaita kuti ushe hwaro hudedere. Akarayira pamusoro peKenani, kuti nhare dzayo dziparadzwe.
Yahwe amenyoosha mkono wake juu ya bahari, na ametingisha falme; na amepewa amri juu ya Fonensia, kuziharibu ngome.
12 Akati, “Mafaro ako haachazovapozve, iwe mhandara yeSidhoni, yaparadzwa! “Simuka uyambukire kuSaipurasi; Kunyange naikoko haundowani zororo.”
Amesema, ''Hamtofurahia tena, binti bikira wa Sidoni uliyenyanyasika; nyanyuka, pitia Kyprusi; lakini wala hapatakuwa na punziko.''
13 Tarira nyika yavaBhabhironi, rudzi urwo haruchaverengwi zvino! VaAsiria vakaiita nzvimbo yemhuka dzerenje; vakamisa shongwe dzavo dzokurwa, vakakoromora nhare dzaro dzikava pasina, uye vakarishandura rikava dongo.
Tazama nchi ya Wakaldayo. Hawa watu wamesitisha kuishi pale; Waasiria wamelifanya jangwa la wanyama pori. Wameizingira minara; wameliharibu eneo lao; wamelifanya kuwa chungu cha uharibifu.
14 Ungudzai, imi zvikepe zveTashishi; nhare yenyu yaparadzwa!
Omboleza ewe kondoo wa Tarishishi; maana kimbilio lako limeharibiwa.
15 Panguva iyoyo Tire ichakanganwikwa kwamakore makumi manomwe, zvakaenzana namakore oupenyu hwamambo. Asi shure kwamakore makumi manomwe aya, Tire richaitirwa sezvinoimbwa rwiyo rwechifeve runoti:
Katika siku hiyo, Tire itasaulika kwa miaka sabini, kama siku za mfalme. Baada ya miaka sabini kuisha huko Tire kutatokea kitu kama wimbo wa malaya.
16 “Tora rudimbwa, ufambe nomuguta, iwe chifeve chakakanganikwa; ridza rudimbwa zvakanaka, imba nziyo zhinji, kuitira kuti ugorangarirwa.”
Chukua kinubi, nenda zunguka mji, mmewasahau malaya; cheza kinubi vizuri, imba nyimbo nyingi, ili uweze kukumbuka.
17 Panopera makore makumi manomwe, Jehovha achashanyira Tire. Richadzokerazve kubasa raro sechifeve rigofeva noushe hwose huri pamusoro penyika.
Itatokea baada ya miaka sabini, Yahwe ataisaidia Tire, na wataanza kututafuta pesa tena kwa kufanya kazi ya umalaya, na atafanya utumishi wake katika falme za dunia.
18 Asi zvarakashambadzira uye nomubayiro waro zvichatsaurirwa Jehovha; hazvingachengetwi kana kuvigwa. Zvarakashambadzira zvichaendeswa kuna avo vanogara pamberi paJehovha, kuti vave nezvokudya zvakawanda nenhumbi dzakanaka.
Faida yake na mapato yake yatatengwa kwa ajili ya Yahwe. Hayatahifadhiwa wala hayatakuwa na hazina, maana faida yao watapewa wale wanoishi mdhebauni mwa Yahwe na yatatumika kuwasambazia chakula cha kutosha na kupata mavazi yenye viwango bora.

< Isaya 23 >