< Isaya 23 >
1 Chirevo pamusoro peTire: Ungudzai imi zvikepe zveTashishi! Nokuti Tire raparadzwa uye rasiyiwa risina imba kana pangamira zvikepe. Shoko rakasvika kwavari richibva kunyika yeSaipurasi.
The oracle on Tyre, —Howl! ye ships of Tarshish, For it is laid too waste to be a haven to enter, From the land of Cyprus, hath it been unveiled to them.
2 Nyararai, imi vanhu vagere pachiwi nemi vatengesi veSidhoni, imi makapfumiswa navashambadzi vomunyanza.
Be dumb, ye inhabitants of the Coast, —Whom the merchants of Zidon, passing over the sea, once replenished;
3 Pamusoro pemvura zhinji zviyo zveShihori zvakayambutswa; mukoho weNairi ndiwo waiva pfuma yeTire, uye ikazova nzvimbo yokutengesera yamarudzi.
Yea on mighty waters, was the grain of Shihor, The harvest of the Nile, was her increase, —And so she became a mart of nations.
4 Nyara, iwe Sidhoni, uye newe nhare yegungwa, nokuti gungwa rataura richiti, “Handina kumborwadziwa kana kubereka; handina kumborera vanakomana kana kukurisa vanasikana.”
Turn thou pale, O Zidon, For spoken hath the sea, the fortress of the sea saying, —I have neither been in pangs nor given birth I have neither brought up young men nor promoted virgins.
5 Panosvika shoko kuIjipiti, vacharwadziwa pamusoro peshoko rinobva kuTire.
Like the report of Egypt, They shall be in pangs at the like report of Tyre.
6 Yambukirai kuTashishi; ungudzai, imi vanhu vagere pachiwi.
Pass ye over to Tarshish, —Howl ye inhabitants of the Coast:
7 Ko, iri ndiro guta renyu ramafaro here, guta rakare kare, rakaendeswa kure kure netsoka dzaro kundogara kunyika iri kure?
Is this to you an exultation? Though from ancient days, is her antiquity, Yet shall her own feet carry her away, far off to dwell.
8 Ndianiko akarongera Tire izvozvi, iro raipa korona, vatengesi varo vari machinda, vashambadziri varo vane mukurumbira munyika?
Who hath purposed this, against Tyre, The bestower of crowns, —Whose merchants are princes, Her traders the honourable of the earth?
9 Jehovha Wamasimba Ose akaronga izvozvo, kuti adzikise kuzvikudza kwekukudzwa kwose, uye kuti aninipise vose vane mukurumbira panyika.
Yahweh of hosts, hath purposed it, —To humble the pride of all beauty, To make of little esteem all the honourable of the earth.
10 Rima nyika yako sezvinoitwa mujinga meNairi, iwe mwanasikana weTashishi, nokuti hauchina panomira zvikepe.
Pass through thy land as the Nile, —O daughter of Tarshish, there is no restraint any longer!
11 Jehovha akatambanudza ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye akaita kuti ushe hwaro hudedere. Akarayira pamusoro peKenani, kuti nhare dzayo dziparadzwe.
His hand, hath he stretched out over the sea, He hath shaken kingdoms, —Yahweh, hath given command against the Phoenician coast, To destroy her fortresses.
12 Akati, “Mafaro ako haachazovapozve, iwe mhandara yeSidhoni, yaparadzwa! “Simuka uyambukire kuSaipurasi; Kunyange naikoko haundowani zororo.”
Therefore hath he said, —No more, again, do thou exult, Thou violated virgin daughter of Zidon, —To Cyprus, arise and pass over, Even there, shall one find thee no rest.
13 Tarira nyika yavaBhabhironi, rudzi urwo haruchaverengwi zvino! VaAsiria vakaiita nzvimbo yemhuka dzerenje; vakamisa shongwe dzavo dzokurwa, vakakoromora nhare dzaro dzikava pasina, uye vakarishandura rikava dongo.
Lo! the land of the Chaldeans, This is the people that was not, Assyria, founded it for the inhabitants of the desert, —They set up its siege-towers, They demolished its palaces Made it a ruin!
14 Ungudzai, imi zvikepe zveTashishi; nhare yenyu yaparadzwa!
Howl, ye ships of Tarshish, —For laid waste is your fortress.
15 Panguva iyoyo Tire ichakanganwikwa kwamakore makumi manomwe, zvakaenzana namakore oupenyu hwamambo. Asi shure kwamakore makumi manomwe aya, Tire richaitirwa sezvinoimbwa rwiyo rwechifeve runoti:
So shall it be in that day, That Tyre shall be forgotten seventy years, According to the days of a certain king: At the end of seventy years, shall it befall Tyre according to the song of the harlot:
16 “Tora rudimbwa, ufambe nomuguta, iwe chifeve chakakanganikwa; ridza rudimbwa zvakanaka, imba nziyo zhinji, kuitira kuti ugorangarirwa.”
Take thou a lyre, Go round the city, O harlot forgotten, —Sweetly touch the strings Lengthen out the song, That thou mayest be called to mind.
17 Panopera makore makumi manomwe, Jehovha achashanyira Tire. Richadzokerazve kubasa raro sechifeve rigofeva noushe hwose huri pamusoro penyika.
So shall it be, at the end of seventy years, That Yahweh will visit Tyre, And she will return to her hire, —Yea she will play the harlot—with all the kingdoms of the earth, upon the face of the ground.
18 Asi zvarakashambadzira uye nomubayiro waro zvichatsaurirwa Jehovha; hazvingachengetwi kana kuvigwa. Zvarakashambadzira zvichaendeswa kuna avo vanogara pamberi paJehovha, kuti vave nezvokudya zvakawanda nenhumbi dzakanaka.
But her merchandise and her hire, shall be hallowed unto Yahweh, It shall not be stored up, nor hoarded, —For, to them who dwell before Yahweh, shall her merchandise belong, That they may eat to satisfaction And have stately apparel.