< Isaya 18 >

1 Ine nhamo nyika yokutinhira kwamapapiro inotevedza nzizi dzeEtiopia,
Ole kwa nchi ya wezi wa mabawa, iliyoko mbali kupitia mito ya Ethiopia;
2 inotuma nhume nenzira yomugungwa, muzvikepe zvenhokwe pamusoro pemvura. Endai, imi nhume dzinokurumidza, kuvanhu vakareba uye vane ganda rinotsvedzerera, kuvanhu vanotyiwa kure napedyo, rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki, rune nyika yakakamurwa nenzizi.
wanowatuma mabalozi wao kwa kupitia bahari, na vyombo vya majani juu ya maji. Nendeni enyi wajumbe wepesi, kwa watu warefu na laini waishio kwenye nchi, kwa watu wanogopa mbali na karibu, taifa lenye nguvu, wakanyagao watu, ambao mito imegawanya nchi yao.
3 Imi mose muri pasi pose, imi munogara panyika, kana mureza wasimudzwa pamusoro pamakomo, muchauona, uye kana hwamanda yarira, muchainzwa.
Watu wote wakaao duniani nao wakaao katika nchi, pale ishara itakaponyanyuliwa juu ya milima, angalia; na sikilizeni mbiu itakapopulizwa.
4 Zvanzi naJehovha kwandiri: “Ndicharamba ndinyerere uye ndichatarira ndiri paugaro hwangu, samanyirinyiri omushana unopisa, segore redova mukupisa kwokukohwa.”
Yahwe asema hivi, ''nitachunguza kimyakimya kutoka nyumbani kwangu, kama kupika joto kwenye jua, na kama ukungu kwenye joto la mavuno.
5 Nokuti, kukohwa kusati kwasvika, kana kutungira kwamaruva kwaguma, uye ruva rova muzambiringa woibva, achagura mabukira namapanga okurangura, achatemera pasi uye agorasira kure matavi akatandavara.
Kabla ya mavuno, pale kipindi cha maua kinapoisha, na maua yako tayari kuwa zabibu. Atakata matawi kwa kupogoa ndoano, na atakatiwa chini na kuchukua matawi yaliyotawanyika.
6 Zvose zvichasiyirwa magora omugomo nokuzvikara zvesango; shiri dzichazvidya chirimo chose, uye zvikara zvesango zvichazvidya muchando chose.
Wataachwa kwa pamoja maana ndege wa milimani na wanyama wa duniani. Ndege watatua kwao majira ya joto, na wanyama wote watakuwa kwao kipindi cha baridi.''
7 Panguva iyoyo, zvipo zvichavigirwa Jehovha Wamasimba Ose, zvichibva kuvanhu vakareba vane ganda rinotsvedzerera, kubva kuvanhu vanotyiwa kwose kwose, rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki, rudzi rune nyika yakakamurwa nenzizi, zvipo zvichauyiswa kuZioni, nzvimbo yeZita raJehovha Wamasimba Ose.
Kwa mda huo kodi italetwa kwa Yahwe wa majeshi kwa watu warefu na laini, kwa watu wanohofia umbali na ukaribu, taifa imara na kukanyagwa chini, ambayo nchi yao imegawanjwa na mito, Kwa sehemu ya jina la Yahwe wa majeshi, mpaka mlima Sayuni.

< Isaya 18 >