< Isaya 18 >

1 Ine nhamo nyika yokutinhira kwamapapiro inotevedza nzizi dzeEtiopia,
ああ、エチオピヤの川々のかなたなるぶんぶんと羽音のする国、
2 inotuma nhume nenzira yomugungwa, muzvikepe zvenhokwe pamusoro pemvura. Endai, imi nhume dzinokurumidza, kuvanhu vakareba uye vane ganda rinotsvedzerera, kuvanhu vanotyiwa kure napedyo, rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki, rune nyika yakakamurwa nenzizi.
この国は葦の船を水にうかべ、ナイル川によって使者をつかわす。とく走る使者よ、行け。川々の分れる国の、たけ高く、膚のなめらかな民、遠近に恐れられる民、力強く、戦いに勝つ民へ行け。
3 Imi mose muri pasi pose, imi munogara panyika, kana mureza wasimudzwa pamusoro pamakomo, muchauona, uye kana hwamanda yarira, muchainzwa.
すべて世におるもの、地に住むものよ、山の上に旗の立つときは見よ、ラッパの鳴りひびくときは聞け。
4 Zvanzi naJehovha kwandiri: “Ndicharamba ndinyerere uye ndichatarira ndiri paugaro hwangu, samanyirinyiri omushana unopisa, segore redova mukupisa kwokukohwa.”
主はわたしにこう言われた、「晴れわたった日光の熱のように、刈入れの熱むして露の多い雲のように、わたしは静かにわたしのすまいから、ながめよう」。
5 Nokuti, kukohwa kusati kwasvika, kana kutungira kwamaruva kwaguma, uye ruva rova muzambiringa woibva, achagura mabukira namapanga okurangura, achatemera pasi uye agorasira kure matavi akatandavara.
刈入れの前、花は過ぎてその花がぶどうとなって熟すとき、彼はかまをもって、つるを刈り、枝を切り去る。
6 Zvose zvichasiyirwa magora omugomo nokuzvikara zvesango; shiri dzichazvidya chirimo chose, uye zvikara zvesango zvichazvidya muchando chose.
彼らはみな山の猛禽と、地の獣とに捨て置かれる。猛禽はその上で夏を過ごし、地の獣はみなその上で冬を過ごす。
7 Panguva iyoyo, zvipo zvichavigirwa Jehovha Wamasimba Ose, zvichibva kuvanhu vakareba vane ganda rinotsvedzerera, kubva kuvanhu vanotyiwa kwose kwose, rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki, rudzi rune nyika yakakamurwa nenzizi, zvipo zvichauyiswa kuZioni, nzvimbo yeZita raJehovha Wamasimba Ose.
その時、川々の分れる国のたけ高く、膚のなめらかな民、遠くの者にも近くの者にも恐れられる民、力強く、戦いに勝つ民から万軍の主にささげる贈り物を携えて、万軍の主のみ名のある所、シオンの山に来る。

< Isaya 18 >