< Isaya 17 >

1 Chirevo pamusoro peDhamasiko: “Tarirai, Dhamasiko harichazovazve guta, asi richava murwi wamatongo.
有關大馬士革的神諭:看,大馬士革不再成為城市,將變為一堆廢墟。
2 Maguta eAroeri achasiyiwa uye achava mafuro ezvipfuyo, izvo zvichavata pasi, pasina anozvivhundutsa.
她的城邑將永被遺棄,成為羊群的牧場;牠們偃臥在那裏,無人驚擾。
3 Maguta akakomberedzwa namasvingo achanyangarika achibva pana Efuremu, uye simba roushe kubva paDhamasiko; vakasara veAramu vachava sembiri yavaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
厄弗辣因的保壘將被撤除,大馬士革的主權將要消失,阿蘭的遺民將如以色列子民的光榮--萬軍上主的斷語。
4 “Pazuva iro kukudzwa kwaJakobho kuchapera; mafuta omuviri wake achapera.
到那天,雅各 伯的光榮必要衰落,他肥滿的身軀必要消瘦。
5 Zvichafanana nomukohwi anokohwa madzinde akamira, uyo anokohwa zviyo noruoko rwake, sezvinoita murume anononga hura dzezviyo muMupata weRefaimi.
將如收割的人一手在抱麥稈,一手在割麥穗;又如人摘取葡萄,或在勒法因山谷採打橄欖樹,
6 Kunyange zvakadaro dzimwe tsanga dzichasara, sezvinoita muorivhi kana wazunzwa, uchisiya maorivhi maviri kana matatu pamatavi okumusoro-soro, mana kana mashanu pamatavi makuru anobereka,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari waIsraeri.
上面總有些殘粒剩下,或兩三粒留在樹梢,或四五個留在果樹的枝梢上--上主,以色列的天主的斷語。
7 Pazuva iro vanhu vachatarira kuMusiki wavo, vagodzorera meso avo kuMutsvene waIsraeri.
到那天,人必仰望自己的造主,眼睛必要注視以色列的聖者。
8 Havachazotarisi kuaritari, iro basa ramaoko avo, uye havachazovi nehanya nematanda aAshera nearitari dzezvinonhuhwira dzakaitwa neminwe yavo.
再不願觀看他親手所造的祭壇;也不再顧盼他手指所製的「阿舍辣」和太陽柱。
9 Pazuva iro maguta avo akasimba avakasiya nokuda kwavaIsraeri, achafanana nenzvimbo dzakaregerwa kuti dzive matenhere nezvinomera pasi pavo. Uye ose achava matongo.
到那天,你的堅城,將如希威人和阿摩黎人在以色列子民前所放棄的地域,成為一片荒野,
10 Nokuti wakanganwa Mwari Muponesi wako, hauna kurangarira Dombo, iyo nhare yako. Naizvozvo, kunyange ukazvisimira miti yakanakisisa, uye ukadyara mizambiringa inobva kune dzimwe nyika,
因為你忘卻了拯救你的天主,不懷念作你避難所的磐石。為此,你雖栽種阿多尼花木,種植異鄉的枝條;
11 kunyange pazuva raunoisima, ugoita kuti ikure, ugoita kuti ive namaruva, asi mukohwo uchava sapasina pazuva rehosha nokurwadziwa kusingarapiki.
你縱然在一日之間使你所栽種的生長,清晨使你所種植的開花,但是收穫卻消失在患難和絕望痛苦的日子中。
12 Haiwa, kutinhira kwendudzi zhinji, dzinotinhira sokutinhira kwegungwa! Haiwa, kuomba kwamarudzi anoomba kufanana nokutinhira kwemvura zhinji!
靜聽!許多民族在喧嚷,喧嚷得有如海嘯;好多百姓在咆哮,咆哮得有如汪洋的怒號。
13 Kunyange vanhu vakaomba sokutinhira kwamafungu emvura, paanovatuka vachatizira kure, vachidzingirirwa nemhepo sehundi pamusoro pezvikomo, kufanana nouswa hunozungunuswa pamberi pedutu guru.
然而上主一叱責,他必飄逸遠逃,有如為颶風捲去山上的禾湝,有如旋風前的薊絮。
14 Munguva yamadekwana, pachava nokutyisa! Kusati kwaedza, havachipo! Uyu ndiwo mugove wavaya vanotibira, nomubayiro wavanotipamba.
晚間盡是恐怖;天還未亮,已無蹤影!這是掠奪我們者的份子,搶劫我們者的命運。

< Isaya 17 >