< Isaya 16 >

1 Tumirai mutero wamakwayana kumutongi wenyika, kubva kuSera, zvichiyambukira kurenje, kugomo roMwanasikana weZioni.
那地的主宰從曠野的磐石,應傳達一言,至熙雍女兒的山嶺!
2 Kufanana neshiri dzadzungaira dzichisundidzirwa kubva mudendere, ndizvo zvakaita vakadzi veMoabhu pamazambuko eAmoni.
當時摩阿布女兒,在阿爾農渡口,猶如逃遁的小鳥,傾巢的幼雛。
3 “Tipeiwo zano, ruramisirai. Ita mumvuri wako kuti ufanane nousiku, pamasikati makuru. Viga vatizi, usapandukira vapoteri.
「請給我們出個主意,快下個決斷!使你的蔭影在日中有如黑夜,遮蔽被驅逐的人,不要暴露出逃的人!
4 Rega vatizi veMoabhu vagare newe, iva utiziro hwavo kubva kumuparadzi.” Mutambudzi achasvika kumagumo, uye kuparadza kuchapera; mudenhi achatsakatika panyika.
讓被驅逐的摩阿布人僑居在你處,做他們的藏身地,以逃避劫掠者的面。」當壓迫終止,劫掠停止,蹂躪大地的人消滅時,
5 Murudo, chigaro choushe chichasimbiswa; mukutendeka, munhu achagarapo, mumwe anobva kuimba yaDhavhidhi, uyo anoti achitonga anotsvaka kururamisira, uye achikurumidza kuita zvakarurama.
必有一個寶座建立在慈惠中,在達味的帳幕內,必有一位尋求公義,急行正義的判官,憑真實坐於寶座之上。
6 Takanzwa nezvokuzvikudza kwaMoabhu, namanyawi ake makuru uye kuzvida kwake, kuzvikudza kwake nokuvirima kwake, asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.
我們曾聽到摩阿布的驕傲,極其傲慢;聽到她的驕矜,她的傲慢,她的自負,她狂妄的矜誇。
7 Naizvozvo vaMoabhu voungudza, vanoungudzira Moabhu pamwe chete. Chemai musuwe nokuda kwavarume veKiri Hareseti.
為此,摩阿布必將哀哭,人人都要為摩阿布哀哭:為克爾哈勒色特的葡萄乾餅,人人只有傷心嘆息!
8 Minda yeHeshibhoni yaoma uye mazambiringa eSibhima aomawo. Vatongi vendudzi vatsika-tsika mizambiringa yakaisvonaka, iyo yaimbosvika kuJazeri uye yaitandira yakananga kurenje. Mabukira ayo aitandira kusvika kugungwa.
因為赫市朋的田園已零落,息貝瑪的葡萄已凋謝!枝蔓為列國的君王所斬斷;那些枝蔓曾蔓延到雅則爾,漫遊至曠野;那些枝條曾向外伸展,越過了海洋!
9 Saka ndinochema, sokuchema kweJazeri, nokuda kwemizambiringa yeSibhima. Haiwa Heshibhoni, haiwa Ereare, ndichakudiridza nemisodzi! Ruzha rwomufaro pamusoro pemizambiringa yakaibva napamusoro pezvamakakohwa rwanyaradzwa.
為此我要參與雅則爾的痛哭,來痛哭息貝瑪的葡萄;赫市朋啊!厄肋阿肋啊!我要用我的眼淚來灌溉你!因為在你夏收和秋收時,戰爭的呼聲驟然降臨!
10 Mufaro nokufarisisa zvabviswa paminda yemizambiringa; hapana anoimba kana kuita ruzha muminda yemizambiringa; hapana anosvina waini pazvisviniro, nokuti ndagumisa ruzha rwacho.
田園中的喜樂與歡欣已歛跡,葡萄園中再也沒有歌聲與歡呼;搾酒的人不再在搾酒池上搾酒,歡呼的歌聲已斷絕!
11 Mwoyo wangu unorira nokuda kwaMoabhu, kufanana nokurira kwembira, mukati kati mangu munorira nokuda kweKiri Hareseti.
為此,我的肝腸為摩阿布哀鳴,有如琴瑟;我的五內為克爾哈肋勒斯鳴咽,有如簫笙。
12 Zvino kana Moabhu achizviratidza panzvimbo dzake dzakakwirira, anenge achingozvinetsa pachake; paanoenda kuimba yake kunonyengetera, zvinenge zvisina chazvinobatsira,
摩阿布在高丘上縱然現得疲勞,縱然到廟宇裏去祈禱,盡屬枉然 !
13 Iri ndiro shoko rakataurwa kare naJehovha pamusoro peMoabhu.
這是上主以前反對摩阿布所說的話。
14 Asi zvino Jehovha anoti, “Makore matatu asati apfuura, sokuverengwa kwaangaitwa nomuranda akazvisunga kubatira mubayiro, kukudzwa kweMoabhu navanhu vake vose vakawanda kuchazvidzwa, uye vakapunyuka vake vachava vashoma kwazvo uye vasina simba.”
但是現在,上主聲明說:「照僱工的年限計,三年之內,摩阿布的光榮將變為羞辱;縱然她的人數眾多,剩下來的甚是稀少,毫無勢力。」

< Isaya 16 >