< Isaya 15 >

1 Chirevo chaJehovha maererano neMoabhu: Ari romuMoabhu rava dongo, rakaparadzwa usiku! Kiri romuMoabhu rava dongo, rakaparadzwa usiku!
Tamko kuhusu Moabu, Kweli, kwa usiku mmoja Ari ya Moabu imeharibiwa kabisa na kuangamizwa; kweli, kwa usiku mmoja Kira ya Moabu itaharibiwa na kuangamizwa.
2 Dhibhoni rakwira kutemberi yaro, kunzvimbo dzaro dzakakwirira kundochema; Moabhu ari kuungudza pamusoro peNebho napamusoro peMedhebha. Misoro yose yaveurwa ndebvu dzose dzabviswa.
Wamenda juu hekaluni, watu wa Diboni wamenda juu kuomboleza; Moabu wanaomboleza juu ya Nebo na juu ya madeba. Vichwa vyao vimenyolewa viko wazi na na ndevu zao zimenyolewa.
3 Munzira dzomuguta vakapfeka masaga: pamusoro pamatenga edzimba uye nomumatare, vanoungudza vose, vakazvambarara vachichema.
Wamevaa nguo za magunia katka mitaa yao; juu ya dari zao na kila kona ya mitaa yao, kuyeyuka kwa kumwaga machozi.
4 Heshibhoni neErieri dzinodanidzira, manzwi avo anonzwika kusvikira kuJahazi. Naizvozvo varwi veMoabhu vanodanidzira, uye mwoyo yavo yaziya.
Hishiboni na Elealehi wanalia wakihitaji msaada; Sauti zao zinasikika mpaka Jahazi. Hivyo basi vijana wa vita wa Moabu wanalia wakihitaji msaada; wanatetemeka wao wenyewe.
5 Mwoyo wangu unodanidzira pamusoro peMoabhu; vatizi varo vanotiza kusvikira kuZoari, kusvikira kuEgirati-Sherishiya. Vanokwidza nenzira yokuRuhiti, vanofamba vachichema, munzira yokuHoronaimi vanochema kuparadzwa kwavo.
Moyo wangu unalia juu ya Moabu; watuhumiwa wamekimbilia Zoari na Elgathi Shelishiyahi. Wanapaa juu ya Luhithi wakilia; katika barabara ya kwenda Horonaimu wanapiga kelele ole juu ya uharibifu.
6 Mvura yokuNimirimi yakapwa uye uswa hwaoma; bumhudza rapera uye hapachina chakasvibirira chakasara.
Maji ya Nimrimu yamekauka; majani yamepooza na majani yanyochikia yanakufa; hakuna ukijani hata kidogo.
7 Saka pfuma yavakawana neyavakaunganidza vanoiyambutsira mhiri kworukova rwemikonachando.
Hivyo basi vitu vingi vimekuwa na hifadhi wameipeleka juu ya kijito maarufu.
8 Kudanidzira kwavo kwaita maungira kuchitevedza muganhu weMoabhu; kuungudza kwavo kunosvikira kuEgiraimi, kuchema kwavo kunosvikira kuBheeri Erimi.
Kilio kimezunguka katika himaya ya Moabu; malalamiko yamefika hata Eglaimu na Beer-Elimu.
9 Mvura yapaDhimoni yakazara neropa, asi ndichauyisazve zvakawanda pamusoro peDhimoni, shumba pamusoro pavatizi veMoabhu uye napamusoro pavaya vakasara munyika.
Maana maji ya Dimoni imejaa damu; Simba atawavamia wale waliokimbia kutoka Moabu pia na walbakia katika nchi.

< Isaya 15 >