< Isaya 15 >
1 Chirevo chaJehovha maererano neMoabhu: Ari romuMoabhu rava dongo, rakaparadzwa usiku! Kiri romuMoabhu rava dongo, rakaparadzwa usiku!
Ein Ausspruch aber Moab: "Gewiß! Schon in der Angriffsnacht ist's aus mit Kir Moab. Gewiß! Schon in der Angriffsnacht ist's aus mit Ar Moab.
2 Dhibhoni rakwira kutemberi yaro, kunzvimbo dzaro dzakakwirira kundochema; Moabhu ari kuungudza pamusoro peNebho napamusoro peMedhebha. Misoro yose yaveurwa ndebvu dzose dzabviswa.
Zum Tempel schreitet Dibon weinend auf die Höhen; zu Nebo und zu Medeba heult Moab. Auf allen Häuptern sieht man Glatzen, und jedes Kinn ist ausgerauft.
3 Munzira dzomuguta vakapfeka masaga: pamusoro pamatenga edzimba uye nomumatare, vanoungudza vose, vakazvambarara vachichema.
Auf seinen Straßen schreitet man im Trauerkleide; auf seinen Dächern, seinen Plätzen in Tränenfluten alles klagt.
4 Heshibhoni neErieri dzinodanidzira, manzwi avo anonzwika kusvikira kuJahazi. Naizvozvo varwi veMoabhu vanodanidzira, uye mwoyo yavo yaziya.
Sie schreien, Hesbon und Elale; bis Jahaz hört man ihr Geschrei. Dort schlottern Moabs Hüften; bis in die Seele zittert es.
5 Mwoyo wangu unodanidzira pamusoro peMoabhu; vatizi varo vanotiza kusvikira kuZoari, kusvikira kuEgirati-Sherishiya. Vanokwidza nenzira yokuRuhiti, vanofamba vachichema, munzira yokuHoronaimi vanochema kuparadzwa kwavo.
Ich muß von Herzen über Moab jammern; bis Soar ziehen seine Flüchtlinge und bis zur dritten Furt. Hinan steigt man die Steige von Luchit mit Weinen; den Weg herab nach Horonaim füllen sie mit Jammerklagen.
6 Mvura yokuNimirimi yakapwa uye uswa hwaoma; bumhudza rapera uye hapachina chakasvibirira chakasara.
Die Wasser Nimrims sind verschüttet. Das Gras verdorrt; das Kraut verwelkt, nichts Grünes mehr.
7 Saka pfuma yavakawana neyavakaunganidza vanoiyambutsira mhiri kworukova rwemikonachando.
Drum tragen sie, was sie erspart, und das, was sie gerettet, hin zum Weidenbach.
8 Kudanidzira kwavo kwaita maungira kuchitevedza muganhu weMoabhu; kuungudza kwavo kunosvikira kuEgiraimi, kuchema kwavo kunosvikira kuBheeri Erimi.
Doch rings um Moabs Grenzen schallt Geschrei; bis Eglaim tönt sein Geheul und bis zum Elimbrunnen sein Geschrei: -
9 Mvura yapaDhimoni yakazara neropa, asi ndichauyisazve zvakawanda pamusoro peDhimoni, shumba pamusoro pavatizi veMoabhu uye napamusoro pavaya vakasara munyika.
Denn Dimons Wasser sind voll Blut. Bei Dimon schwelle ich sie wieder an; ich fülle sie mit Flüchtlingen der Moabiter an und auch den letzten Rest vernichte ich."