< Isaya 14 >
1 Jehovha achanzwira Jakobho tsitsi; achasarudza Israeri zvakare uye achavagarisa munyika yavo. Vatorwa vachabatana navo vachanamatirana neimba yaJakobho.
UThixo uzakuba lesihawu kuJakhobe; uzamkhetha njalo u-Israyeli, abahlalise elizweni labo. Abezizwe bazahlangana labo bamanyane lendlu kaJakhobe.
2 Ndudzi dzichavatora dzigovadzosera kunzvimbo yavo chaiyo. Uye imba yaIsraeri ichatora ndudzi kuti vave varandarume navarandakadzi munyika yaJehovha. Vachaita nhapwa vaya vaimbova vatapi vavo, uye vachabata ushe pamusoro pavaya vaimbova vamanikidzi vavo.
Izizwe zizabathatha zibase endaweni yabo. Indlu ka-Israyeli izathumba izizwe zibe yizisebenzi zesilisa lezesifazane elizweni likaThixo. Bazakwenza abathumbi babo babe yizigqili, babuse abancindezeli babo.
3 Pazuva ramuchapiwa rusununguko naJehovha kubva pakutambudzika, nokusagadzikana, nokubatwa noutsinye,
Ngosuku uThixo azaliphumuza ngalo ekuhluphekeni, ekutshikatshikeni, lasebugqilini obulesihluku,
4 uchasveeredza mambo weBhabhironi uchiti: Haiwa, mumanikidzi apera sei! Haiwa, hasha dzake dzapera sei!
lizakutsho la amazwi okukloloda enkosini yaseBhabhiloni lithi: Umncindezeli usefikile ekucineni, ukuthukuthela kwakhe sekuphelile!
5 Jehovha akavhuna tsvimbo yavakaipa netsvimbo yamadzimambo,
UThixo useyephule intonga yababi, induku yobukhosi eyababusi,
6 yaakarova nayo marudzi mukutsamwa nokurova kusingaperi, uye akakunda ndudzi nehasha nokurwisa kusingaperi.
abatshaya abantu ngokuthukuthela, langokugalela okungapheliyo, banqoba izizwe ngentukuthelo langokuncindezela okungapheliyo.
7 Nyika dzose dzazorora uye dzava norugare; votanga kufara nokuimba.
Amazwe wonke alokuphumula lokuthula; aphahluka ahlabelele izingoma.
8 Kunyange nemiti yemisipuresi nemisidhari yokuRebhanoni inofara pamusoro pako ichiti, “Zvino zvawaparadzwa, hakuna varume vanotsvaka huni vachauya kuzotitema.”
Lezihlahla zamaphayini lemisedari yaseLebhanoni ziyathokoza ngawe zithi, “Njengoba khathesi usuwiselwe phansi akula ozakuzasigamula.”
9 Pasi, iro sheori razungunuka kuti rinangane newe pakuuya kwako; riri kumutsa mweya yavakaenda kuti izokukwazisai, vose vakaenda vari vatungamiri munyika; rinoita kuti vasimuke pazvigaro zvavo zvoushe, vose vakanga vari madzimambo endudzi. (Sheol )
Ithuna ngaphansi liyanyakaza ukuba likuhlangabeze ekufikeni kwakho. Livusa imimoya yabafayo ukuba ikubingelele, bonke labo ababengababusi emhlabeni; libenza basukume ezihlalweni zabo zobukhosi, bonke labo ababengamakhosi ezizwe. (Sheol )
10 Vose vachapindura, vachati kwauri, “Newewo hauchisina simba, sesu; wangofanana nesu.”
Bazaphendula bonke, bazakuthi kuwe, “Lawe usubuthakathaka njengathi, usube njengathi.”
11 Kuzvikudza kwako kwose kwaderedzwa kusvika muguva, pamwe chete nokurira kworudimbwa rwako; honye dzawarirwa pasi pako uye makonye anokufukidza. (Sheol )
Bonke ubukhosi bakho sebehliselwe phansi ethuneni, kanye lomsindo wamachacho akho. Impethu zendlaliwe ngaphansi kwakho, inhlavane zikwembesile. (Sheol )
12 Haiwa, wawa seiko, uchibva kudenga, iwe nyamasase yamangwanani, mwanakomana wamambakwedza! Wakakandwa panyika, iyewe wakambowisira ndudzi pasi!
Yeka ukuwa kwakho uvela ezulwini, wena nkanyezi yekuseni, ndodana yokusa! Uphoselwe phansi emhlabeni, wena owake wehlisela izizwe phansi!
13 Wakati mumwoyo mako, “Ndichakwira kudenga; ndichasimudzira chigaro changu choushe pamusoro penyeredzi dzaMwari; ndichagara pachigaro changu choushe pagomo reungano, pamusoro pegomo dzvene.
Wathi enhliziyweni yakho, “Ngizakwenyukela ezulwini, ngizaphakamisela isihlalo sami sobukhosi ngaphezu kwezinkanyezi zikaNkulunkulu; ngizahlala ebukhosini phezu kwentaba yombuthano, ezingqongweni zentaba engcwele.
14 Ndichakwira pamusoro-soro pamakore; ndichazviita seWokumusoro-soro.”
Ngizakwenyukela phezu kwezindawo eziphakemeyo emayezini; ngizazenza ngibe njengoPhezukonke.”
15 Asi waderedzwa kusvika kuguva, kwakadzika dzika kwegomba. (Sheol )
Kodwa ulethwe phansi ethuneni, ekuzikeni kwegodi. (Sheol )
16 Vose vanokuona vanokunanʼanidza, vachafungisisa zvamagumo ako vachiti, “Ndiye here murume uya akazungunutsa nyika, akadederesa ushe,
Labo abakubonayo bakudonsela amehlo, bayacabanga ngowakudalelwayo bathi: “Nguye lo na umuntu owanyikinya umhlaba wenza imibuso yaqhaqhazela,
17 murume akaita kuti nyika ive gwenga, akaparadza maguta ayo, akasatendera vasungwa vake kudzokera kumusha?”
umuntu owenza umhlaba waba lugwadule, owadiliza amadolobho awo, kazavumela abathunjwayo bakhe ukubuyela ekhaya na?”
18 Madzimambo ose endudzi ave mukukudzwa, mumwe nomumwe muguva rake.
Wonke amakhosi ezizwe alele ebukhosini, enye lenye ethuneni layo.
19 Asi iwe warasirwa kunze kweguva rako, kufanana nedavi rakaraswa; wakafukidzwa navakaurayiwa, naavo vakabayiwa nomunondo, avo vakadzika kumatombo egomba. Kufanana nechitunha chinotsikwa-tsikwa netsoka,
Kodwa wena uphoselwe ngaphandle kwethuna lakho njengogatsha olulahliweyo; welekwe ngababulawayo, lalabo abagwazwa ngenkemba, labo abehlela ematsheni egodi. Njengesidumbu esinyathelwe ngezinyawo,
20 hauzobatani navo pakuvigwa kwako, nokuti wakaparadza nyika yako ukauraya vanhu vako. Vana vowakaipa havazotaurwi nezvavozve.
kawuyikuhlangana labo ekungcwatshweni; ngoba usulichithile ilizwe lakho wabulala labantu bakini. Inzalo yababi kakungakhulunywa ngayo futhi.
21 Gadzirirai nzvimbo yokuurayira vanakomana vake nokuda kwezvivi zvamadzitateguru avo; havazosimuki kuti vagare nhaka yenyika vagozadza nyika namaguta avo
Lungisa indawo yokubulalela abantwabakhe ngenxa yezono zabokhokho babo. Kabamelanga bavuke ukuba bathathe ilizwe bagcwalise umhlaba ngamadolobho abo.
22 “Ndichavamukira ini,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ndichabvisa zita rake navakasara vake kubva kuBhabhironi, vana vake navana vavana vake,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Ngizabavukela,” kutsho uThixo uSomandla. “Ngizakwesula iBhabhiloni labasindayo abantwabakhe lezizukulwane,” kutsho uThixo.
23 “Ndichaishandura kuti ive nzvimbo yamazizi nenyika yamachawi; ndicharitsvaira nomutsvairo wokuparadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
“Ngizalenza libe yindawo yezikhova lelizwe elilixhaphozi. Ngizalithanyela ngomthanyelo wencithakalo,” kutsho uThixo uSomandla.
24 Jehovha Wamasimba Ose akapika achiti: “Zvirokwazo sezvandakafunga ndizvo zvichaitika, uye sezvandakarangarira ndizvo zvichaitika.
UThixo uSomandla ufungile wathi, “Ngeqiniso, njengoba sengilungisile, kuzakuba njalo, njalo njengoba ngikumisile kuzakuma kanjalo.
25 Ndichapwanya muAsiria munyika yangu; ndichamutsikirira pasi pamusoro pegomo rangu. Joko rake richabviswa kubva pavanhu vangu, nomutoro wake wokubva pamabvudzi avo.”
Ngizamchoboza umʼAsiriya elizweni lami; ezintabeni zami ngizamnyathelela phansi. Ijogwe lakhe lizasuswa ebantwini bami, umthwalo wakhe ususwe emahlombe abo.”
26 Iyi ndiyo pfungwa yakarongerwa nyika yose; urwu ndirwo ruoko rwakatambanudzirwa pamusoro pamarudzi ose.
Lokhu yikho okumiselwe umhlaba wonke, lesi yisandla eselulelwe phezu kwezizwe zonke.
27 Nokuti Jehovha Wamasimba Ose akazvironga zvino ndianiko angamukonesa? Ruoko rwake rwakatambanudzwa ndianiko angarudzora?
Ngoba uThixo uSomandla usenze isimiso, ngubani ongamvimbela na? Isandla sakhe siphakanyisiwe, ngubani ongasibuyisela emuva na?
28 Shoko iri rakauya mugore rakafa Mambo Ahazi richiti:
Ilizwi leli lafika nyakana kusifa inkosi u-Ahazi:
29 Musafara imi mose vaFiristia, muchiti shamhu yakakurovai imi, yavhunika; nokuti kubva pamudzi wenyoka iyo pachabuda mvumbi, chibereko chayo chichava nyoka ino uturu hunobaya.
Lingathokozi, lonke lina maFilistiya, lisithi intonga eyalitshayayo yephukile; ngoba empandeni yenyoka leyana kuzavela inhlangwana, inzalo yayo izakuba yinyoka elobuthi obutshokayo.
30 Murombo wavarombo achawana mafuro, uye vanoshayiwa vacharara pasi murugare. Asi ndichaparadza mudzi wako nenzara; ichauraya vakasara vako.
Abangabayanga kubayanga bazathola amadlelo, abaswelayo bazalala phansi bevikelekile. Kodwa impande yakho ngizayitshabalalisa ngendlala; izabulala abaseleyo bakho.
31 Ungudza iwe suo! Chema, iwe guta! Nyungudukai, imi vaFiristia mose! Gore routsi riri kuuya richibva kumusoro, uye hapana achatiza pasimba raro.
Lila wena sango! Bubula wena dolobho! Chithekani lonke lina maFilistiya! Iyezi lentuthu livela enyakatho; njalo akulamatshida eviyweni lalo.
32 Ko, imhinduroi ichapiwa kunhume dzorudzi urwo? “Jehovha akasimbisa Zioni, uye mariri vanhu vake vanotambudzika vachawana pokuvanda.”
Yimpendulo bani ezanikwa izithunywa zalesosizwe na? “UThixo useyakhile iZiyoni, abantu bakhe abahluphekileyo bazaphephela kuye.”