< Isaya 12 >

1 Pazuva iro muchati, “Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, kunyange makanga makanditsamwira, kutsamwa kwenyu kwakadzorwa uye makandinyaradza.
On that day you will say, “I will give thanks to you, Yahweh. For though you were angry with me, your wrath has turned away, and you have comforted me.
2 Zvirokwazvo Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba naye uye handingatyi. Jehovha, Jehovha ndiye simba rangu nerwiyo rwangu; ava ruponeso rwangu.”
See, God is my salvation; I will trust and will not fear, for Yahweh, yes, Yahweh is my strength and song. He has become my salvation.”
3 Nomufaro muchachera mvura kubva mumatsime oruponeso.
With joy you will draw water from the wells of salvation.
4 Pazuva iro muchati, “Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai zvaakaita pakati pendudzi, uye muparidze kuti zita rake risimudzirwe.
On that day you will say, “Give thanks to Yahweh and call upon his name; declare his deeds among the peoples, proclaim that his name is exalted.
5 Imbirai Jehovha, nokuti akaita zvinhu zvinoshamisa; izvi ngazvizivikanwe pasi pose.
Sing to Yahweh, for he has done glorious things; let this be known throughout the earth.
6 Pururudzai uye muimbe nomufaro, imi vanhu veZioni, nokuti Mutsvene waIsraeri mukuru pakati penyu.”
Cry aloud and shout for joy, you inhabitants of Zion, for great in your midst is the Holy One of Israel.”

< Isaya 12 >