< Isaya 11 >

1 Bukira richabva kudzinde raJese; Davi rinobva pamidzi yake richabereka muchero.
從耶西的本必發一條; 從他根生的枝子必結果實。
2 Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wouchenjeri newokunzwisisa, mweya wokurayira nowesimba, mweya wokuziva newokutya Jehovha,
耶和華的靈必住在他身上, 就是使他有智慧和聰明的靈, 謀略和能力的靈, 知識和敬畏耶和華的靈。
3 uye achafarira kutya Jehovha. Haazotongi nezvaanoona nameso ake, kana kutonga nezvaanonzwa nenzeve dzake,
他必以敬畏耶和華為樂; 行審判不憑眼見, 斷是非也不憑耳聞;
4 asi nokururama achatongera varombo, nokururamisira achatongera vanyoro vapanyika. Acharova nyika neshamhu yomuromo wake; nokufema kwemiromo yake achauraya vakaipa.
卻要以公義審判貧窮人, 以正直判斷世上的謙卑人, 以口中的杖擊打世界, 以嘴裏的氣殺戮惡人。
5 Kururuma ndiro richava bhanhire rake uye kutendeka bhanhire romuchiuno chake.
公義必當他的腰帶; 信實必當他脅下的帶子。
6 Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzi, mhuru neshumba nezvakakodzwa zvichafura pamwe chete; uye mwana mudiki achazvitungamirira.
豺狼必與綿羊羔同居, 豹子與山羊羔同臥; 少壯獅子與牛犢並肥畜同群; 小孩子要牽引牠們。
7 Mhou ichafura nebere, vana vazvo vachavata pasi pamwe chete, uye shumba ichadya uswa senzombe.
牛必與熊同食; 牛犢必與小熊同臥; 獅子必吃草,與牛一樣。
8 Mwana mucheche achatambira pedyo nomwena wemhakure, uye mwana mudiki achaisa ruoko rwake mumwena wenyoka.
吃奶的孩子必玩耍在虺蛇的洞口; 斷奶的嬰兒必按手在毒蛇的穴上。
9 Hazvingazokuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha semvura zhinji inofukidza gungwa.
在我聖山的遍處, 這一切都不傷人,不害物; 因為認識耶和華的知識要充滿遍地, 好像水充滿洋海一般。
10 Pazuva iro Mudzi waJese uchamira somureza wamarudzi; ndudzi dzichamhanyira kwaari, uye nzvimbo yake yokuzorora ichabwinya.
到那日,耶西的根立作萬民的大旗;外邦人必尋求他,他安息之所大有榮耀。
11 Pazuva iro Jehovha achatambanudza ruoko rwake kechipiri kuti adzorezve vakasara ivo vanhu vake vakasiyiwa kubva kuAsiria, kubva zasi kweIjipiti, nokubva kumusoro kweIjipiti nokubva kuEtiopia, nokubva kuEramu, nokubva kuBhabhironi, nokuHamati uye nokubva kuzviwi zvegungwa.
當那日,主必二次伸手救回自己百姓中所餘剩的,就是在亞述、埃及、巴忒羅、古實、以攔、示拿、哈馬,並眾海島所剩下的。
12 Achasimudzira marudzi mureza uye achaunganidza vakadzingwa vaIsraeri; achaunganidza vakaparadzirwa vavanhu veJudha, kubva kumativi mana enyika.
他必向列國豎立大旗, 招回以色列被趕散的人, 又從地的四方聚集分散的猶大人。
13 Godo raEfuremu richapera uye vavengi vavaJudha vachagurwa; Efuremu haachazovi negodo naJudha, naJudha haangaitire Efuremu hasha.
以法蓮的嫉妒就必消散; 擾害猶大的必被剪除。 以法蓮必不嫉妒猶大, 猶大也不擾害以法蓮。
14 Asi vachawira pamusoro pamateru eFiristia kumavirazuva; pamwe chete vachapamba vanhu vokumabvazuva. Vachatora Edomu neMoabhu, uye vaAmoni vachava varanda vavo.
他們要向西飛, 撲在非利士人的肩頭上, 一同擄掠東方人, 伸手按住以東和摩押; 亞捫人也必順服他們。
15 Jehovha achaomesa chose chikamu chegungwa reIjipiti; nemhepo inopisa achatsvaira noruoko rwake pamusoro peRwizi rweYufuratesi. Acharukamura-kamura agoruita hova nomwe, kuitira kuti vanhu vagone kuyambuka vachienda mhiri vakapfeka shangu.
耶和華必使埃及海汊枯乾, 掄手用暴熱的風使大河分為七條, 令人過去不致濕腳。
16 Pachava nomugwagwa mukuru wavanhu vake vakasara, vakasiyiwa kubva kuAsiria, sezvazvakanga zviri kuvaIsraeri pavakabva kuIjipiti.
為主餘剩的百姓, 就是從亞述剩下回來的, 必有一條大道, 如當日以色列從埃及地上來一樣。

< Isaya 11 >