< Isaya 10 >

1 Vane nhamo vanodzika mitemo isina kururama, neavo vanopa mitemo inodzvinyirira,
禍哉,那些制定不義的法例,記錄不義的斷案,
2 kuti vadzivise varombo kodzero dzavo uye vadzivise kururamisirwa kwavakadzvinyirirwa vavanhu vangu, vachipamba chirikadzi uye vachibira nherera.
為屈枉小民的案件,剝削我窮民的權利,攘奪寡婦和劫掠孤兒的人!
3 Muchaita sei pazuva rokutongwa, njodzi painouya ichibva kure? Muchatizira kuna aniko kuti mubatsirwe? Upfumi hwenyu muchahusiyepiko?
當懲罰之日,風暴由遠而近的時候,你們將怎樣應付﹖你們將向誰求助﹖你們的財寶將棄於何地﹖
4 Hapana chichasara asi kungokotama pakati penhapwa, kana kuwira pakati pavakaurayiwa. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake ruchakangosimudzwa.
唯有屈伏在被俘者中,倒斃在被殺者下;然而他的震怒並未因此而熄滅,他的手仍然伸著。
5 “Une nhamo iwe Asiria, shamhu yokutsamwa kwangu, iye akabata tsvimbo yehasha dzangu mumaoko ake!
禍哉,亞述!我義怒的木棒,我震怒的棍杖!
6 Ndiri kumutuma kurudzi rusina Mwari, ndinomutuma kuvanhu vanonditsamwisa, kundokomba nokutora nokubvuta zvakapambwa, nokuvatsikirira pasi sedope riri mumigwagwa.
我派遣她是為攻擊一個邪惡的百姓,我委任他是為攻擊我所憤恨的民族,為擄掠劫奪,並為蹂躪他們,有如街上的糞土。
7 Asi izvi handizvo zvaanoda, izvi handizvo zvaanga achifunga; vavariro yake ndeyokuparadza, kupedza chose marudzi mazhinji.
但她並沒有這樣想,心裏也沒有這樣推測,只圖肆意破壞,剿滅不少的民族。
8 Anoti, ‘Ko, machinda angu haazi madzimambo ose here?
因為她說:「我的首領不都是君王嗎﹖
9 Karino harina kuita sezvakaita Karikemishi here? Ko, Hamati harina kufanana neAripadhi, uye Samaria harina kufanana neDhamasiko here?
加耳諾不是與與加革米士一樣嗎﹖哈瑪特不是與阿爾帕得一樣嗎﹖撒瑪黎雅不是與大馬士革一樣嗎﹖
10 Ruoko rwangu sezvarwakatora umambo hwezvifananidzo, umambo hune zvifananidzo zvakakunda zveJerusarema neSamaria,
我的手既然征服了這些偶像的王國--況且他們的偶像還多過耶路撒冷和撒瑪黎雅--
11 ko, handichaitiri Jerusarema nezvifananidzo zvaro sezvandakaitira Samaria nezvifananidzo zvayo here?’”
難道我不能對待耶路撒冷和她的神像,有如對待了撒瑪黎雅和她的偶像嗎﹖」
12 Kana Ishe achinge apedza basa rake rose pamusoro peGomo reZioni neJerusarema, achazoti, “Ndicharanga mambo weAsiria nokuda kwokuzvikudza kwomwoyo wake namanyawi emeso ake.
當吾主對熙雍山和耶路撒冷完成了他的一切工作時,必要懲罰亞述王心高氣傲的功績,和他目空一切的驕傲。
13 Nokuti iye anoti, “‘Nesimba ramaoko angu ndakaita izvi, uye nouchenjeri hwangu, nokuti ndinonzwisisa. Ndakabvisa miganhu yendudzi, ndikapamba pfuma yavo; semhare ndakakunda madzimambo avo.
因為他曾說過:「我完成了這一切,全憑我的手和我的智慧,因為我是聰明的;我撤除了各民族的界限,擄掠了他們的財寶,有如強者打倒了居於高位的人。
14 Sezvinoita munhu anosvasvavira mudendere, saizvozvo ruoko rwangu rwakananavira pfuma yamarudzi; savarume vanounganidza mazai akasiyiwa, saizvozvo ndakaunganidza nyika dzose; hakuna yakapfakanyisa bapiro, kana kushamisa muromo wayo kuti irire.’”
我的手奪取了列國的財富,有如取諸窩巢;我兼併了大地,有如拾取遺卵,沒有誰敢鼓翼和張口鼓噪。」
15 Ko, demo ringazvirumbidza kupfuura iye anoritemesa here? Kana jeko ringazvirumbidza pamusoro pounorishandisa here? Zvinozoita sokunge tsvimbo inosimudza uyo anoitakura, kana mudonzvo kusimudza uyo asati ari huni!
斧頭豈能對用斧頭砍伐的人自豪﹖鋸豈能向拉鋸的人自誇﹖難道棍杖能揮動那舉它的人﹖木棒能舉起那不是木頭的人﹖
16 Naizvozvo, Ishe Jehovha Wamasimba Ose, achatumira denda rinoonza pamusoro pavarwi vakafuta; pasi pokubwinya kwake moto uchatungidzwa kufanana nemirazvo inopfuta.
因此吾主,萬軍的天主,將瘦弱放在她的肥碩之中,在她的光輝之下燃起火燄,有如烈火焚燒。
17 Chiedza chaIsraeri chichava moto, noMutsvene wavo murazvo womoto; muzuva rimwe chete uchapfuta ugopedza minzwa yake norukato rwake.
以色列的光將變為火,他的聖者將變為烈燄,一日間即將她的荊棘蒺藜焚燬。
18 Kubwinya kwamasango ake neminda yake yakaorera kuchaparadzwa chose, kufanana nomurwere anoramba achipera.
她的叢林和她田園的華麗,必將由內到外毀滅,有如為蟲蝕盡一樣。
19 Uye miti yakasara yamasango ake ichava mishoma kwazvo, zvokuti mwana angagona kuinyora pasi.
她的叢林所剩餘的樹木不多,一個兒童就能計算。
20 Pazuva iro vakasara veIsraeri, vakapunyuka veimba yaJakobho, havachazovimbi naye iye akavarova, asi zvirokwazvo vachavimba naJehovha, Mutsvene waIsraeri.
到那一日,以色列的遺民和雅各伯家的逃亡者,不再依恃打擊他們的人,卻誠心依賴上主,以色列的聖者。
21 Vakasara vachadzokera, vakasara vaJakobho, vachadzokera kuna Mwari Ane Simba.
遺民必將歸回,雅各伯的遺民必將歸依強有力的天主!
22 Kunyange vanhu vako, iwe Israeri, vakaita sejecha regungwa, vachasara chete ndivo vachadzokera. Kuparadzwa kwakatotemwa, kuzere nokururama.
以色列啊! 你的百姓雖然多如海沙,其中唯有殘存者得以歸回:毀滅已經決定,但是充溢著公義,
23 Ishe, Jehovha Wamasimba Ose achapedzisa kuparadzwa kwakatemerwa nyika yose.
因為吾主,萬軍的上主必在大地上執行所決定的毀滅。
24 Naizvozvo zvanzi naIshe, Jehovha Wamasimba Ose: “Haiwa, vanhu vangu vanogara muZioni, musatya vaAsiria, vanokurovai nomudonzvo nokukusimudzirai tsvimbo, sezvakaitwa neIjipiti.
因此吾主,萬軍的上主這樣說:我的百姓,熙雍的居民!亞述雖然用木棒痛擊你,像埃及一樣,舉起棍杖敲打你,但你不必害怕,
25 Nokuti nenguva duku duku kutsamwa kwangu pamusoro penyu kuchapera, uye hasha dzangu dzichanangana nokuparadzwa kwavo.”
因為瞬息間我的怒氣即將終止,我的憤怒將轉為他們的毀滅。
26 Jehovha Wamasimba Ose achavarova netyava, samarovero aakaita vaMidhia padombo reOrebhi, uye achasimudza tsvimbo yake pamusoro pemvura zhinji, sezvaakaita muIjipiti.
萬軍的上主將揮動刑鞭鞭打他們,有如昔日在曷勒布磐石處打擊米德楊一樣;高舉向海上伸出的棍杖,有如在埃及一樣。
27 Pazuva iro mitoro yavo ichabviswa pamapfudzi enyu, nejoko ravo pamitsipa yenyu; joko richavhuniwa, nokuti manyanya kufuta.
到那日,她的重負將由你肩上卸下,她的重軛將由你頸上解除。
28 Vanopinda muAyati; vopfuura nomuMigironi; vochengeta nhumbi paMikimashi.
破壞者由黎孟而來,來到阿雅特,經過米革龍,將輜重貯在米革瑪斯;
29 Vanopfuura napamupata, vagoti, “Tichadzika matende paGebha usiku.” Rama rinobvunda; Gibhea raSauro rinotiza.
又穿過要隘,夜宿革巴。辣瑪驚慌了,撒烏耳的基貝亞逃走了。
30 Ridza mhere, iwe mukunda weGarimi! Teerera, iwe Raisha! Newe Anatoti unonzwisa urombo!
巴特加林!你們應大聲疾呼;拉依士!你們應該傾聽;阿納托特!你們應該回答。
31 Madhimena riri kutiza; vanhu veGebhimi vanovanda.
瑪德默納走散了,革平的居民逃避了。
32 Zuva ranhasi vachamira paNobhi; vachakunga chibhakera chavo pagomo remwanasikana weZioni, pachikomo cheJerusarema.
在諾布暫停一天,遂即揮手指向熙雍女兒山,耶路撒冷的山崗。
33 Tarirai, Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, achatema matavi nesimba guru. Miti mirefu refu ichawiswa, uye yakareba ichadzikiswa.
看啊!吾主,萬軍的上主將用斧鉞砍伐枝幹:高出的要削去,聳出的要砍低。
34 Achatema matenhere esango nedemo; Rebhanoni ichawa pamberi paIye Ane Simba.
他將用鐵斧砍伐叢林,黎巴嫩和她的壯麗必被伐倒。

< Isaya 10 >