< Isaya 1 >

1 Chiratidzo chaIsaya mwanakomana waAmozi, chaakaona pamusoro peJudha neJerusarema pamazuva aUzia naJotamu, naAhazi naHezekia, madzimambo eJudha.
Det Syn, Esajas, Amoz's Søn, skuede om Juda og Jerusalem, i de dage da Uzzija, Jotam, Akaz og Ezekias var Konger i Juda.
2 Inzwai imi matenga! Teerera iwe nyika! Nokuti Jehovha akataura achiti, “Ndakarera vana ndikavakudza, asi ivo vakandimukira.
Hør, I Himle, lyt, du Jord, thi HERREN taler: Børn har jeg opfødt og fostret, men de forbrød sig imod mig.
3 Nzombe inoziva vatenzi vayo, nembongoro inoziva chidyiro chomwene wayo, asi Israeri haizivi, vanhu vangu havanzwisisi.”
En Okse kender sin Ejer, et Æsel sin Herres Krybbe; men Israel kender intet, mit Folk kan intet fatte.
4 Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora! Vakasiya Jehovha; vakashora Mutsvene waIsraeri vakamufuratira.
Ve det syndefulde Folk, en brødetynget Slægt, Ugerningsmænds Æt, vanartede Børn! De svigtede HERREN, lod hånt om Israels Hellige, vendte ham Ryg.
5 Mucharambireiko muchingorohwa? Munorambireiko muchimukira Jehovha? Musoro wenyu wose wakuvadzwa, mwoyo wenyu wose warwadziwa.
Kan I tåle flere Hug, siden I stadig falder fra? Kun Sår er Hovedet, sygt hele Hjertet;
6 Kubvira pasi porutsoka rwako kusvikira panhongonya yomusoro wako hapana pakukutu, anongova maronda nokurwadziwa namavanga akazaruka, asina kusukwa kana kusungwa kana kuzorwa mafuta.
fra Fodsål til isse er intet helt kun Flænger, Strimer og friske Sår; de er ej trykket ud, ej heller forbundet og ikke lindret med Olie.
7 Nyika yenyu yaparadzwa, Maguta enyu apiswa nomoto; minda yenyu iri kutorwa navatorwa pamberi penyu chaipo, nyika yaparadzwa sapanoparadza vatorwa.
Eders Land er øde, eders Byer brændt, fremmede æder eders Jord for eders Øjne så øde som ved Sodomas Undergang.
8 Mwanasikana weZioni asiyiwa sedumba mumunda wemizambiringa, seimba mumunda wamanwiwa, seguta rakakombwa.
Zions Datter er levnet som en Hytte i en Vingård, et Vagtskur i en Græskarmark en omringet By.
9 Dai Jehovha Wamasimba Ose asina kutisiyira vakapunyuka, tingadai takafanana neSodhomu, tingadai takaita seGomora.
Havde ikke Hærskarers HERRE levnet os en Rest, da var vi som Sodoma, ligned Gomorra.
10 Inzwai shoko raJehovha, imi vabati veSodhomu; teererai kumurayiro waMwari wedu, imi vanhu veGomora!
Lån Øre til HERRENs Ord I Sodomadommere, lyt til vor Guds Åbenbaring, du Gomorrafolk!
11 “Zvibayiro zvenyu zvizhinji, zvinyiko kwandiri?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Zvibayiro zvinopiswa zvawandisa, zvamakondobwe namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa; Handifadzwi neropa renzombe, ramakwayana nerembudzi.
Hvad skal jeg med alle eders Slagtofre? siger HERREN; jeg er mæt af Væderbrændofre, af Fedekalves Fedt, har ej Lyst til Blod af Okser og Lam og Bukke.
12 Pamunouya kuzozviratidza pamberi pangu, ndianiko akambokukumbirai izvi kwamuri, naikoku kutsika-tsika pavazhe dzangu?
Når I kommer at stedes for mit Åsyn, hvo kræver da af jer, at min Forgård trampes ned?
13 Regai kuuya nezvipiriso zvisina maturo! Zvinonhuhwira zvenyu zvinondinyangadza. Nguva dzoKugara kwoMwedzi, maSabata nenguva dzekokorodzano, handigoni kufarira ungano dzenyu dzakaipa.
Bring ej flere tomme Afgrødeofre, vederstyggelig Offerrøg er de mig! Nymånefest, Sabbat og festligt Stævne jeg afskyr Uret og festlig Samling.
14 Mitambo yenyu yoKugara kwoMwedzi nemitambo yenyu yakatsaurwa inovengwa nomweya wangu. Zvava mutoro kwandiri; ndaneta nokuzvitakura.
Eders Nymånefester og Højtider hader min, Sjæl de er mig en Byrde, jeg er træt af at bære.
15 Pamunotambanudza maoko enyu muchinyengetera, ini ndichakuvanzirai chiso changu; kunyange mukawanza munyengetero, handisi kuzokunzwai. Maoko enyu azere neropa;
Breder I Hænderne ud, skjuler jeg Øjnene for jer. Hvor meget I så end beder, jeg hører det ikke. Eders Hænder er fulde af Blod;
16 shambai muzvinatse. Bvisai mabasa enyu akaipa pamberi pangu! Regai kuita zvakaipa,
tvæt jer, rens jer, bort med de onde Gerninger fra mine Øjne! Hør op med det onde,
17 dzidzai kuita zvakarurama. Tsvakai kururamisira, kurudzirai vakamanikidzwa. Dzivirirai nherera, mukumbirire chirikadzi.
lær det gode, læg Vind på, hvad Ret er; hjælp fortrykte, skaf faderløse Ret, før Enkens Sag!
18 “Chiuyai zvino titaurirane,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kunyange zvivi zvenyu zviri zvitsvuku zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.
Kom, lad os gå i Rette med hinanden, siger HERREN. Er eders Synder som Skarlagen, de skal blive hvide som Sne; er de end røde som Purpur, de skal dog blive som Uld.
19 Kana muchida uye muchiteerera muchadya zvakanakisa zvenyika;
Lyder I villigt, skal I æde Landets Goder;
20 asi kana muchiramba uye muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo.” Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.
står I genstridigt imod, skal I ædes af Sværd. Thi HERRENs Mund har talt.
21 Tarirai guta rakatendeka rava chifeve sei! Iro rakanga rizere nokururamisira; kururama kwaigara mariri, asi zvino mogara mhondi!
At den skulde ende som Skøge, den trofaste By, Zion, så fuld af Ret, Retfærdigheds Hjem, men nu er der Mordere.
22 Sirivha yako yava nengura, waini yako yakavhenganiswa nemvura.
Dit Sølv er blevet til Slagger, din Vin er spædet med Vand.
23 Machinda ako vapanduki, ishamwari dzembavha; vose vanoda fufuro, uye vanomhanyira zvipo. Havana hanya nokudzivirira nherera; mhaka yechirikadzi haiuyiswi pamberi pavo.
Tøjlesløse er dine Førere, Venner med Tyve; Gaver elsker de alle, jager efter Stikpenge, skaffer ej faderløse Ret og tager sig ikke af Enkens Sag.
24 Naizvozvo Ishe, Jehovha Wamasimba Ose, Anesimba waIsraeri, anotaura achiti, “Haiwa, ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavadzivisi vangu, nokuzvitsivira vavengi vangu.
Derfor lyder det fra Herren, Hærskarers HERRE, Israels Vældige: "Min Gengælds Ve over Avindsmænd, min Hævn over Fjender!
25 Ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri; ndichapedza chose ngura yako ndigobvisa kusachena kwako kwose.
Jeg vender min Hånd imod dig, renser ud dine Slagger i Ovnen og udskiller alt dit Bly.
26 Ndichadzosera vatongi vako sapamazuva akare, namakurukota ako sapamazuva okutanga. Shure kwaizvozvo uchanzi Guta Rokururama, Guta Rakatendeka.”
Jeg giver dig Dommere som fordum, Rådsherrer som før; så kaldes du Retfærdigheds By, den trofaste Stad.
27 Zioni richadzikinurwa nokururamiswa, navanotendeuka varo, nokururama.
Zion genløses ved Ret, de omvendte der ved Retfærd.
28 Asi vapanduki navatadzi vachaparadzwa vose, uye vose vanosiya Jehovha vachaparara.
Men Overtrædere og Syndere knuses til Hobe; hvo HERREN svigter, forgår.
29 “Nokuti muchanyadziswa nokuda kwemiti yomuouki yamunoeresa, yamunofadzwa nayo; muchanyadziswa nokuda kwamapindu amakasarudza.
Thi Skam vil I få af de Ege, I elsker, Skuffelse af Lundene, I sætter så højt;
30 Muchafanana nomuouki wasvava mashizha, sebindu risina mvura.
thi I bliver som en Eg med visnende Løv, som en Lund, hvor der ikke er Vand.
31 Murume ane simba achava serwodzi nebasa rake sesasaradzi; zvose zvichatsva pamwe chete, pasina achadzima moto.”
Den stærke bliver til Blår, hans Værk til en Gnist; begge brænder med hinanden, og ingen slukker.

< Isaya 1 >