< Hosea 8 >

1 “Isa hwamanda pamuromo wako! Gondo riri pamusoro pemba yaJehovha nokuti vanhu vakaputsa sungano yangu uye vakapandukira murayiro wangu.
“Wekeni tarumbeta midomoni mwenu! Tai yuko juu ya nyumba ya Bwana kwa sababu watu wamevunja Agano langu, wameasi dhidi ya sheria yangu.
2 VaIsraeri vanodana kwandiri vachiti, ‘Haiwa, Mwari wedu, tinokuzivai!’
Israeli ananililia, ‘Ee Mungu wetu, tunakukubali!’
3 Asi Israeri akaramba zvakanaka; muvengi achamutevera.
Lakini Israeli amekataa lile lililo jema, adui atamfuatia.
4 Vanogadza madzimambo vasina kutenderwa neni; vanosarudza machinda pasina mvumo yangu. Vanozvigadzirira zvifananidzo nesirivha negoridhe ravo kuti vagoparadzwa.
Wanaweka wafalme bila idhini yangu, wamechagua wakuu bila kibali changu. Kwa fedha zao na dhahabu wamejitengenezea sanamu kwa ajili ya maangamizi yao wenyewe.
5 Rasira kunze chifananidzo chako chemhuru, iwe Samaria! Kutsamwa kwangu kunopisa somoto pamusoro pavo. Vachasvika kupiko vasingagoni kuzvichenesa?
Ee Samaria, tupilieni mbali sanamu yenu ya ndama! Hasira yangu inawaka dhidi yao. Watakuwa najisi mpaka lini?
6 Izvi zvinobva kuIsraeri! Chimhuru ichi, chakagadzirwa nomupfuri, hachisi Mwari. Chichaputsika kuita zvimedu zvimedu, icho chimhuru cheSamaria.
Zimetoka katika Israeli! Ndama huyu: ametengenezwa na fundi, si Mungu. Atavunjwa vipande vipande, yule ndama wa Samaria.
7 “Vanodyara mhepo vachikohwa chamupupuri. Dzinde harina kubereka; haringabudisi upfu. Dai raizobereka zviyo, vatorwa vaizvimedza.
“Wanapanda upepo na kuvuna upepo wa kisulisuli. Bua halina suke, halitatoa unga. Kama lingetoa nafaka, wageni wangeila yote.
8 Israeri yamedzwa; zvino yava pakati pendudzi sechinhu chisina maturo.
Israeli amemezwa; sasa yupo miongoni mwa mataifa kama kitu kisicho na thamani.
9 Nokuti vakaenda kuAsiria sembizi inongombeya yoga. Efuremu akazvitengesa kuvadiwa.
Kwa kuwa wamepanda kwenda Ashuru kama punda-mwitu anayetangatanga peke yake. Efraimu amejiuza mwenyewe kwa wapenzi.
10 Kunyange zvavo vakazvitengesa pakati pendudzi, ndichavaunganidza zvino pamwe chete. Vachatanga kuperezeka pasi poudzvinyiriri hwamambo ane simba guru.
Ingawa wamejiuza wenyewe miongoni mwa mataifa, sasa nitawakusanya pamoja. Wataanza kudhoofika chini ya uonevu wa mfalme mwenye nguvu.
11 “Kunyange Efuremu akavaka aritari zhinji dzezvipiriso zvechivi, idzi dzava aritari dzokuitira zvivi.
“Ingawa Efraimu alijenga madhabahu nyingi kwa ajili ya sadaka za dhambi, hizi zimekuwa madhabahu za kufanyia dhambi.
12 Ndakavanyorera zvinhu zvakawanda zvomurayiro wangu, asi vakazvitora sezvinhu zvisinei navo.
Nimeandika kwa ajili yao mambo mengi kuhusu sheria yangu, lakini wameziangalia kama kitu cha kigeni.
13 Vanopa zvibayiro kwandiri uye vodya nyama yacho, asi Jehovha haafadzwi navo. Zvino acharangarira uipi hwavo uye acharanga zvivi zvavo: Vachadzokera kuIjipiti.
Wanatoa dhabihu nilizopewa mimi nao wanakula hiyo nyama, lakini Bwana hapendezwi nao. Sasa ataukumbuka uovu wao na kuadhibu dhambi zao: Watarudi Misri.
14 Israeri akakanganwa Musiki wake ndokuvaka mizinda; Judha akomberedza maguta mazhinji namasvingo. Asi ndichatumira moto pamaguta avo uchaparadza masvingo avo.”
Israeli amemsahau Muumba wake na kujenga majumba ya kifalme, Yuda amejengea miji mingi ngome. Lakini nitatuma moto kwenye miji yao utakaoteketeza ngome zao.”

< Hosea 8 >