< Hosea 7 >

1 Pose pandinoda kuporesa Israeri, zvivi zvaEfuremu zvinoiswa pachena uye mhosva dzeSamaria dzinobudiswa pachena. Vanoita zvounyengeri, mbavha dzinopaza dzimba, uye makororo anotorera vanhu zvinhu munzira;
Wakati wowote ninapotaka kuponya Israeli, dhambi ya Efraimu inafunuliwa, pamoja na matendo maovu ya Samaria, kwa sababu wanafanya udanganyifu; mwizi huingia, na kundi la wanyang'anyi hushambulia mitaani.
2 asi havazivi kuti ndinorangarira zvakaipa zvose zvavanoita. Zvivi zvavo zvinovakomberedza; zvinoramba zviri pamberi pangu nguva dzose.
Hawatambui mioyoni mwao kwamba ninakumbuka matendo yao mabaya. Sasa matendo yao huwazunguka; yapo mbele ya uso wangu.
3 “Vanofadza mambo nezvakaipa zvavo, machinda nenhema dzavo.
Kwa sababu ya uovu wao wamemfanya mfalme awe na furaha, na maofisa wao kwa uongo wao.
4 Vose imhombwe, vanopisa sechoto, moto wacho usingadi mukanyi wechingwa kukuchidzira, kubva pakukanywa kwebundu rechingwa kusvikira chafuta.
Wote ni wazinzi, kama tanuru iliyochomwa na mwokaji, ambaye huacha kuuchochea moto tangu kukanda unga mpaka kuwa chachu.
5 Pazuva romutambo wamambo wedu machinda anorwara nokuda kwewaini, uye iye akabatana navaseki.
Siku ya mfalme wetu, viongozi walijifanya wagonjwa na ukali wa divai. Alinyoosha mkono wake kwa wale waliokuwa wakidhihaki.
6 Mwoyo yavo yakafanana nechoto; vanouya kwaari nounyengeri, ruchiva rwavo runonyeketa somoto usiku hwose; mangwanani ruchizopfuta serimi romoto.
kwa mioyo kama tanuri, wao hupanga mipango yao ya udanganyifu. Hasira zao hulala usiku wote; asubuhi huwaka juu kama moto.
7 Vose zvavo vanopisa sechoto; vanoparadza vatongi vavo. Madzimambo avo ose anowira pasi, uye hapana kana mumwe wavo anodana kwandiri.
Wote wamepata moto kama tanuru, na huwaangamiza wale wanaowatawala. Wafalme wao wote wameanguka; hakuna hata mmoja wao ananiita.
8 “Efuremu anovhengana namarudzi; Efuremu chingwa chitete chisina kushandurwa.
Efraimu anajichanganya mwenyewe kati ya watu. Efraimu ni mkate ambayo haujawahi kugeuzwa.
9 Vatorwa vakamusveta simba rake, asi iye haazvizivi. Bvudzi rake rava kuchena, asi iye haazvicherechedzi.
Wageni wamekula nguvu zake, lakini hajui. Nywele za mvi hunyunyiza juu yake, lakini hajui.
10 Kuzvikudza kwaIsraeri kunomupupurira zvakaipa, asi kunyange zvakadaro haadzoki kuna Jehovha Mwari wake kana kumutsvaka.
Kiburi cha Israeli kinawashuhudia; hata hivyo, hawajarudi kwa Bwana, Mungu wao, wala hawakumtafuta licha ya hayo yote.
11 “Efuremu akaita senjiva, inonyengereka zviri nyore uye isina njere, zvino anodana kuIjipiti, mushure anoenda kuAsiria.
Efraimu ni kama njiwa, baradhuli na asiye na busara, humwita kwenda Misri, kisha huruka kwenda Ashuru.
12 Pavachaenda, ndichakandira mumbure pamusoro pavo; ndichavakwevera pasi seshiri dzedenga. Pandichavanzwa vachibhururuka pamwe chete, ndichavabata.
Wakienda, nitasambaza wavu wangu juu yao, nami nitawaangusha kama ndege wa angani. Nitawaadhibu katika kusonga kwao pamoja.
13 Vane nhamo, nokuti vakarasika vachibva kwandiri! Ngavaparadzwe, nokuti vakandipandukira! Ndinoshuva kuvadzikinura, asi vanondirevera nhema.
Ole wao! Kwa maana wamepotea kutoka kwangu. Uharibifu unawajia! Wao wameasi dhidi yangu! Napenda kuwaokoa, lakini waliongea uongo dhidi yangu.
14 Havachemi kwandiri zvinobva pamwoyo yavo, asi vanoungudza vari panhoo dzavo. Vanounganira zviyo newaini itsva asi vanondifuratira.
Wala hawakunililia kwa moyo wao wote, lakini wanaomboleza kwenye vitanda vyao. Wanakusanyika kwa ajili ya nafaka na divai mpya, nao wananiasi mimi.
15 Ndakavadzidzisa ndikavasimbisa, asi vanorangana kundiitira zvakaipa.
Ingawa niliwafundisha na kuimarisha mikono yao, sasa wanapanga mabaya dhidi yangu.
16 Havadzokeri kuna iye Wokumusoro-soro; vakafanana nouta hunonyengera. Vatungamiri vavo vachaparadzwa nomunondo, nokuda kwamashoko avo ounhubu. Nokuda kwaizvozvi vachasekwa munyika yeIjipiti.
Wanarudi, lakini harudi kwangu, Niliye Juu. Wao ni kama upinde usiotumainika. Maofisa wao wataanguka kwa upanga kwa sababu ya udhalimu wa vinywa. Hii itakuwa ni aibu yao katika nchi ya Misri.

< Hosea 7 >