< Hosea 5 >
1 “Inzwai izvi, imi vaprista! Teererai, imi vaIsraeri! Teerera, iwe imba youmambo! Ndiwe uri kutongwa: Wakanga uri musungo paMizipa, mumbure wakatambanudzwa paTabhori.
“Hear this, priests! Pay attention, house of Israel! Listen, house of the king! For judgment is coming against you all. You have been a snare at Mizpah and a net spread over Tabor.
2 Vapanduki vari mushishi rokuuraya. Ndichavaranga vose.
The rebels stand deep in slaughter, but I will punish all of them.
3 Ndinoziva zvose zviri pamusoro paEfuremu; Israeri haina kuvanzika kwandiri. Efuremu, watendeukira zvino kuufeve; Israeri aora.
I know Ephraim, and Israel is not hidden from me. Ephraim, now you have become like a prostitute; Israel is defiled.
4 “Zviito zvavo hazvivatenderi kudzokera kuna Mwari wavo. Mweya woufeve uri mumwoyo yavo; havazivi Jehovha.
Their deeds will not allow them to turn to God, for the mind of adultery is in them, and they do not know Yahweh.
5 Kuzvikudza kwaIsraeri kunovapa mhosva; vaIsraeri, kunyange Efuremu, vanogumburwa muchivi chavo; Judha anogumburwawo pamwe chete navo.
The pride of Israel testifies against him; so Israel and Ephraim will stumble in their guilt; and Judah also will stumble with them.
6 Pavachaenda namakwai nemombe dzavo kundotsvaka Jehovha, havazomuwani; azvibvisa kwavari.
They will go with their flocks and herds to seek Yahweh, but they will not find him, for he has withdrawn himself from them.
7 Havana kutendeka kuna Jehovha; vanobereka vana voupombwe. Zvino mitambo yavo yoKugara kwoMwedzi ichavadya pamwe chete neminda yavo.
They were unfaithful to Yahweh, for they have borne illegitimate children. Now the new moon festivals will devour them with their fields.
8 “Ridzai hwamanda paGibhea, norunyanga paRama. Ridzai mhere yehondo paBheti Avheni; tungamira pamberi, iwe Bhenjamini.
Blow the horn in Gibeah, and the trumpet in Ramah. Sound a battle cry at Beth Aven: 'We will follow you, Benjamin!'
9 Efuremu achaparadzwa pazuva rokutongwa. Pakati pamarudzi aIsraeri ndinozivisa zvinhu zvechokwadi.
Ephraim will become a desolation on the day of punishment. Among the tribes of Israel I have declared what is certain to happen.
10 Vatungamiri vaJudha vakafanana neavo vanobvisa mabwe omuganhu. Ndichadurura hasha dzangu pavari samafashamu emvura.
The leaders of Judah are like those who move a boundary stone. I will pour my wrath on them like water.
11 Efuremu adzvinyirirwa atsikwa-tsikwa mukutongwa, nokuti akada kutevera zvifananidzo.
Ephraim is crushed; he is crushed in judgment, because he has willingly walked after idols.
12 Ndakafanana nechipfukuto kuna Efuremu, sokuora kuvanhu veJudha.
So I will be like a moth to Ephraim, and like rot to the house of Judah.
13 “Efuremu paakaona kurwara kwake, naJudha maronda ake, Efuremu ndipo paakatendeukira kuAsiria, akatuma nhume kuna mambo mukuru kundotsvaka rubatsiro. Asi haagoni kukurapa, haagoni kuporesa mavanga ako.
When Ephraim saw his sickness, and Judah saw his wound, then Ephraim went to Assyria, and Judah sent messengers to the great king. But he was not able to cure you people or heal your wound.
14 Nokuti ndichava seshumba kuna Efuremu, seshumba huru kuna Judha. Ndichavabvambura kuita zvidimbu zvidimbu ndigoenda; ndichaenda navo pagoshaya anovarwira.
So I will be like a lion to Ephraim, and like a young lion to the house of Judah. I, even I, will tear and go away; I will carry them off, and there will be no one to rescue them.
15 Mushure maizvozvo ndichadzokera kunzvimbo yangu, kusvikira vabvuma mhosva yavo. Uye vachatsvaka chiso changu; pakutambudzika kwavo vachanditsvaka nomwoyo wose.”
I will go and return to my place, until they acknowledge their guilt and seek my face, until they earnestly seek me in their distress.”