< Hosea 4 >
1 Inzwai shoko raJehovha, imi vaIsraeri, nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa kwamuri imi vagere munyika: “Hapana akatendeka, hapana ane rudo, hapana anoziva Mwari munyika.
Zwanini ilizwi likaThixo, lina bako-Israyeli ngoba kulecala uThixo alethesa lina elihlala elizweni: “Akulakwethembeka, akulathando, akukho ukumamukela uNkulunkulu elizweni.
2 Mune kutuka chete, kunyengera nokuuraya, kuba noupombwe; vanoparadza zvose zvinovadzivisa, uye kudeuka kweropa kunotevera kudeuka kweropa.
Kulokuthuka kuphela, lokuqamba amanga lokubulala, lokuntshontsha kanye lobufebe; benza ububi bonke, njalo ukuchithwa kwegazi kulandela ukuchithwa kwegazi.
3 Nokuda kwaizvozvi nyika inochema, navose vanogara mairi vanoperezeka. Mhuka dzesango neshiri dzedenga nehove dzegungwa zviri kufa.
Ilizwe liyalila ngenxa yalokhu, njalo bonke abahlala kulo bayacikizeka; izinyamazana zeganga lezinyoni zasemoyeni kanye lenhlanzi zasolwandle kuyafa.
4 “Asi ngapasava nomunhu anopa mhosva, ngapasava nomunhu anopomera mumwe nokuti vanhu venyu vakafanana neavo vanopomera muprista mhaka.
Kodwa akungabi lamuntu omangalayo, akungabi lomuntu owethesa omunye icala ngoba abantu bakho bafana lalabo abamangalela umphristi.
5 Imi munogumburwa masikati nousiku, uye vaprofita vanogumburwawo pamwe chete nemi. Saka ndichaparadza mai venyu.
Liyakhubeka emini lebusuku, labaphrofethi bakhubeka kanye lani. Ngakho unyoko ngizamchitha,
6 Vanhu vangu vanoparadzwa nokuda kwokushayiwa zivo. “Sezvo maramba zivo, ini ndinokurambaiwo savaprista vangu; nokuti makashayira hanya murayiro waMwari wenyu, ini ndichashayirawo hanya vana venyu.
abantu bami bachithwa yikungabi lolwazi. Njengoba likwalile ukwazi, lami ngiyalala njengabaphristi bami; ngoba kaliwunakanga umthetho kaNkulunkulu wenu, lami angiyikubanaka abantwana benu.
7 Vaprista vakati vachiwanda, kunditadzira kwavo kukawandawo; vakatsinhanisa kukudzwa nechimwe chinhu chinonyadzisa.
Ngokwanda kwabaphristi, kwanda kanjalo lokona kwabo kimi, benanisa uDumo lwabo ngento elihlazo.
8 Vanodya zvivi zvavanhu vangu uye vachifarira zvakaipa zvavo.
Badla izono zabantu bami bajabuliswe yikuxhwala kwabo.
9 Uye zvichaitika kuti: Zvakaita vanhu, ndizvo zvichaitawo vaprista. Ndicharanga vose, nokuda kwenzira dzavo uye ndichavapa mubayiro wamabasa avo.
Njalo kuzakuba kanje: Njengabantu, njengabaphristi. Bonke ngizabajezisela izindlela zabo, ngiphindisele kubo lezenzo zabo.
10 “Vachadya asi havangaguti; vachaita ufeve asi havangawandi, nokuti vakatiza Jehovha kuti vazvipire
Bazakudla kodwa bangasuthi; bazakwenza ubufebe kodwa bangandi, ngoba bamdelile uThixo ukuba bazinikele
11 kuufeve, newaini yakare neitsva, zvinobvisa kunzwisisa
ebufebeni, lewayini elidala kanye lelitsha elisusa ukuqedisisa kwabantu bami.
12 kwavanhu vangu. Vanobvunza chifananidzo chedanda uye vanopindurwa netsvimbo yomuti. Mweya woufeve unovatungamirira mukurasika, havana kutendeka kuna Mwari wavo.
Badinga izeluleko esithombeni sesigodo baphendulwe yiluthi lwesigodo. Umoya wobufebe uyabedukisa; kabathembekanga kuNkulunkulu wabo.
13 Vanobayira pamusoro pamakomo uye vanopisira zvinonhuhwira pazvikomo, pasi pemiouki, mipopura nemiterebhini, pane mimvuri yakanaka. Naizvozvo vanasikana venyu vanotendeukira kuufeve navaroora venyu kuupombwe.
Banikela imihlatshelo ezingqongweni zezintaba batshise iminikelo phezu kwamaqaqa, ngaphansi komʼokhi, lomphophila kanye lomtherebhinti, lapho okulomthunzi omnandi. Ngakho amadodakazi enu enza ubuwule, labomalukazana benu benze ubufebe.
14 “Handizorangi vanasikana venyu pavanotendeukira kuufeve, kana varoora venyu pavanoita upombwe, nokuti varume pachavo vanoenda kuzvifeve uye vanobayira pamwe chete nezvifeve zvepashongwe, vanhu vasinganzwisisi vachasvika pakuparadzwa.
Angiyikuwajezisa amadodakazi enu lapho esenza ubuwule loba omalukazana benu lapho besenza ubufebe, ngoba amadoda uqobo azwana lezifebe anikele imihlatshelo lezifebe ezisezindaweni zokukhonzela abantu abangelakuqedisisa bazabhubha.
15 “Kunyange uchiita upombwe, iwe Israeri, usaita kuti Judha ave nemhosva. “Usaenda kuGirigari; usakwidza uchienda kuBheti Avheni. Uye usapika uchiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu!’
Lanxa ufeba, we Israyeli, uJuda kangabi lecala. Lingayi eGiligali; lingayi eBhethi-Aveni. Njalo lingafungi lisithi, ‘Ngeqiniso njengoba uThixo ekhona!’
16 VaIsraeri vakasindimara, setsiru rakasindimara. Zvino Jehovha achavafudza sei samakwayana pamafuro?
Abako-Israyeli bayiziqholo, njengethokazi eliyisiqholo. Pho uThixo angabelusela njani emadlelweni njengezimvu na?
17 Efuremu akabatana nezvifananidzo; musiyei ari oga!
U-Efrayimi uhlangene lezithombe; myekeleni enjalo!
18 Kunyange zvokunwa zvavo pazvinenge zvapera, vanoramba vachiita ufeve hwavo; vatongi vavo vanoda kwazvo nzira dzinonyadzisa.
Lalapho okunathwayo kwabo sekuphelile, bayaqhubeka ngobufebe babo; ababusi babo bazithanda kakhulu izindlela ezilihlazo.
19 Chamupupuri chichavatsvairira kure, uye zvibayiro zvavo zvichavaunzira kunyadziswa.
Isavunguzane sizabakhukhula, lemihlatshelo yabo izabalethela ihlazo.”