< Hosea 4 >

1 Inzwai shoko raJehovha, imi vaIsraeri, nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa kwamuri imi vagere munyika: “Hapana akatendeka, hapana ane rudo, hapana anoziva Mwari munyika.
Hør Isralitter, Herrens ord, thi Herren går i rette med Landets Folk. Thi ej er der Troskab, ej Godhed, ej kender man Gud i Landet.
2 Mune kutuka chete, kunyengera nokuuraya, kuba noupombwe; vanoparadza zvose zvinovadzivisa, uye kudeuka kweropa kunotevera kudeuka kweropa.
Man sværger og lyver, myrder og stjæler, horer, gør Indbrud, og Blodskyld følger på Blodskyld.
3 Nokuda kwaizvozvi nyika inochema, navose vanogara mairi vanoperezeka. Mhuka dzesango neshiri dzedenga nehove dzegungwa zviri kufa.
Derfor sørger Landet, og alt, hvad der bor der, sygner, Markens Dyr og Himlens Fugle; selv Havets Fisk svinder bort.
4 “Asi ngapasava nomunhu anopa mhosva, ngapasava nomunhu anopomera mumwe nokuti vanhu venyu vakafanana neavo vanopomera muprista mhaka.
Dog skænde man ej, dog revse man ej, når mit Folk kun er som dets Præster.
5 Imi munogumburwa masikati nousiku, uye vaprofita vanogumburwawo pamwe chete nemi. Saka ndichaparadza mai venyu.
Du skal styrte ved Dag, og med dig Profeten ved Nat.
6 Vanhu vangu vanoparadzwa nokuda kwokushayiwa zivo. “Sezvo maramba zivo, ini ndinokurambaiwo savaprista vangu; nokuti makashayira hanya murayiro waMwari wenyu, ini ndichashayirawo hanya vana venyu.
Mit Folk skal gå til Grunde, fordi det er uden Kundskab. Da du har vraget Kundskab, vrager jeg dig som Præst; du glemte din Guds Åbenbaring, så glemmer og jeg dine Sønner.
7 Vaprista vakati vachiwanda, kunditadzira kwavo kukawandawo; vakatsinhanisa kukudzwa nechimwe chinhu chinonyadzisa.
Jo fler, des mere de synded, ombytted deres Ære med Skændsel;
8 Vanodya zvivi zvavanhu vangu uye vachifarira zvakaipa zvavo.
mit Folks Synd lever de af, dets Brøde hungrer de efter.
9 Uye zvichaitika kuti: Zvakaita vanhu, ndizvo zvichaitawo vaprista. Ndicharanga vose, nokuda kwenzira dzavo uye ndichavapa mubayiro wamabasa avo.
Men Præst skal det gå som Folk: jeg hjemsøger ham for hans Færd, hans Id gengælder jeg ham.
10 “Vachadya asi havangaguti; vachaita ufeve asi havangawandi, nokuti vakatiza Jehovha kuti vazvipire
De skal spise, men ikke mættes bole, men ej blive fler; thi de har sveget HERREN og holder fast ved Hor.
11 kuufeve, newaini yakare neitsva, zvinobvisa kunzwisisa
Vin og Most tager Forstanden.
12 kwavanhu vangu. Vanobvunza chifananidzo chedanda uye vanopindurwa netsvimbo yomuti. Mweya woufeve unovatungamirira mukurasika, havana kutendeka kuna Mwari wavo.
Mit Folk rådspørger sit Træ, og Svaret giver dets Stok; thi Horeånd ledte dem vild, de boler sig bort fra deres Gud.
13 Vanobayira pamusoro pamakomo uye vanopisira zvinonhuhwira pazvikomo, pasi pemiouki, mipopura nemiterebhini, pane mimvuri yakanaka. Naizvozvo vanasikana venyu vanotendeukira kuufeve navaroora venyu kuupombwe.
De ofrer på Bjergenes Tinder, på Højene brænder de Ofre under en Eg, en Poppel, en Terebinte, thi Skyggen er god. Så horer jo og eders Døtre, så boler jo og eders Kvinder;
14 “Handizorangi vanasikana venyu pavanotendeukira kuufeve, kana varoora venyu pavanoita upombwe, nokuti varume pachavo vanoenda kuzvifeve uye vanobayira pamwe chete nezvifeve zvepashongwe, vanhu vasinganzwisisi vachasvika pakuparadzwa.
jeg straffer ej Døtrenes Hor, ej Kvinderne for deres Bolen; thi selv går de bort med Horer ofrer sammen med Skøger; og det uvise Folk drages ned.
15 “Kunyange uchiita upombwe, iwe Israeri, usaita kuti Judha ave nemhosva. “Usaenda kuGirigari; usakwidza uchienda kuBheti Avheni. Uye usapika uchiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu!’
Men selv om du, Israel, horer, må Juda ej gøre sig skyldigt. Gå ikke over til Gilgal, drag ikke op til Bet-Aven, sværg ikke: "Så sandt HERREN lever!"
16 VaIsraeri vakasindimara, setsiru rakasindimara. Zvino Jehovha achavafudza sei samakwayana pamafuro?
Thi som en uvan Ko er Israel uvan, skal HERREN så lade dem græsse i Frihed som Lam?
17 Efuremu akabatana nezvifananidzo; musiyei ari oga!
Efraim er bundet til Afgudsbilleder; lad ham fare!
18 Kunyange zvokunwa zvavo pazvinenge zvapera, vanoramba vachiita ufeve hwavo; vatongi vavo vanoda kwazvo nzira dzinonyadzisa.
Deres Drikken er skejet ud. Hor har de bedrevet; højt har deres Skjolde elsket Skændsel.
19 Chamupupuri chichavatsvairira kure, uye zvibayiro zvavo zvichavaunzira kunyadziswa.
Et Vejr har omspændt dem med sine Vinger, og de skal blive til Skamme for deres Ofre.

< Hosea 4 >