< Hosea 3 >

1 Jehovha akati kwandiri, “Enda, unodazve mukadzi wako, kunyange achidiwa nomumwe uye ari chifeve. Umude sokuda kunoita Jehovha vaIsraeri, kunyange vachitendeukira kuna vamwe vamwari vachida makeke akaereswa ane marezini.”
ויאמר יהוה אלי עוד לך אהב אשה אהבת רע ומנאפת כאהבת יהוה את בני ישראל והם פנים אל אלהים אחרים ואהבי אשישי ענבים׃
2 Saka ndakamutenga namashekeri gumi namashanu esirivha neinenge homeri nereteki rebhari.
ואכרה לי בחמשה עשר כסף וחמר שערים ולתך שערים׃
3 Ipapo ndakati kwaari, “Unofanira kugara neni kwamazuva akawanda; haufaniri kuva chifeve kana kudanana nomumwe murume, uye ndichagara newe.”
ואמר אליה ימים רבים תשבי לי לא תזני ולא תהיי לאיש וגם אני אליך׃
4 Nokuti vaIsraeri vachagara mazuva mazhinji vasina mambo kana muchinda, vasina chibayiro, vasina shongwe, efodhi kana chifananidzo.
כי ימים רבים ישבו בני ישראל אין מלך ואין שר ואין זבח ואין מצבה ואין אפוד ותרפים׃
5 Mushure maizvozvo vaIsraeri vachadzoka vagotsvaka Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo. Vachauya vachidedera kuna Jehovha nokumaropafadzo ake mumazuva okupedzisira.
אחר ישבו בני ישראל ובקשו את יהוה אלהיהם ואת דויד מלכם ופחדו אל יהוה ואל טובו באחרית הימים׃

< Hosea 3 >