< Hosea 2 >
1 “Uti kuvanunʼuna vako, ‘Vanhu vangu,’ nokuhanzvadzi dzako ‘vadikanwa vangu.’”
Waambie ndugu zenu wanaume, 'Watu wangu!' na kwa dada zako, 'umeonyeshwa huruma.'”
2 “Tsiurai mai venyu, vatsiurei, nokuti havasi mukadzi wangu, uye handisi murume wavo. Ngavabvise kuonekwa kwoufeve pachiso chavo nokusatendeka pakati pamazamu avo.
Leteni mashtaka dhidi ya mama yenu, leteni mashtaka, kwa kuwa yeye si mke wangu, wala mimi si mumewe. Na auondoe uzinzi wake mbele yake, na matendo yake ya uzinzi kati ya matiti yake.
3 Kana zvikasadaro, ndichavabvisa nguo dzose vagosara vakashama sezvavakanga vakaita musi wavakaberekwa. Ndichavaita segwenga ndigovashandura vave nyika yakaoma uye ndichavauraya nenyota.
Ikiwa sio, nitamvua nguo na kumuonyesha uchi wake kama siku aliyozaliwa. Nami nitamfanya kama jangwa, kama nchi iliyoharibika, nami nitamfanya afe kutokana na kiu.
4 Handizoratidzi vana vavo rudo, nokuti vana voufeve.
Sitakuwa na rehema kwa watoto wake, kwa maana wao ni watoto wa ukahaba.
5 Mai vavo vakanga vasina kutendeka uye vakavaberekera mune zvinonyadzisa. Vakati, ‘Ndichateverazve vadiwa vangu, vanondipa zvokudya zvangu nemvura yangu, makushe angu nomucheka wangu, mafuta angu nezvokunwa zvangu.’
Maana mama yao amekuwa kahaba, na yeye aliye mimba amefanya mambo ya aibu. Alisema, “Nitawafuata wapenzi wangu, kwa maana wananipa mkate wangu na maji, sufu yangu na kitani, mafuta yangu na kinyweji.”
6 Naizvozvo ndichasosera nzira yavo namasanzu eminzwa; ndichavapfigira mukati morusvingo zvokuti havangawani nzira yavo.
Kwa hiyo nitajenga ua wa kuzuia njia yake kwa miiba. Nitajenga ukuta dhidi yake ili asiweze kupata njia. Yeye atawafuatilia wapenzi wake, lakini yeye hatawafikia.
7 Vachadzinganisa vadiwa vavo asi havangavabati; vachavatsvaka, asi havangavawani. Ipapo vachati, ‘Ndichadzokera kumurume wangu sapakutanga nokuti ipapo ndaiva nani kupfuura pari zvino.’
Yeye atawatafuta, lakini hatawapata. Kisha atasema, “Nitarejea kwa mume wangu wa kwanza, kwa maana ilikuwa ni bora kwangu zamani kuliko sasa.”
8 Havana kuzvibvuma kuti ndini ndaivapa zviyo, newaini itsva namafuta, ndini ndakavapa sirivha negoridhe rakawanda izvo zvavakashandira Bhaari nazvo.
Kwa maana hakujua kwamba mimi ndimi niliyempa nafaka, divai mpya na mafuta, na ambaye nilimwongezea fedha na dhahabu, ambazo walizitumia kwa Baali.
9 “Naizvozvo ndichavatorera zviyo zvangu kana zvaibva, newaini yangu itsva nenguva yayo. Ndichatora makushe angu nomucheka wangu zvaifanira kufukidza kushama kwavo.
Kwa hiyo nitachukua nafaka yake wakati wa mavuno, na divai yangu mpya katika msimu wake. Nitachukua sufu yangu na kitambaa kilichotumiwa kufunika uchi wake.
10 Saka zvino ndichabudisa pachena unzenza hwavo pamberi pavadiwa vavo; hapana achazovatora kubva mumaoko angu.
Ndipo nitamvua nguo machoni pa wapenzi wake, wala hakuna mtu atakayemwokoa mkononi mwangu.
11 Ndichagumisa kupembera kwavo kwose: mitambo yavo yose yegore negore, nguva dzoKugara kwoMwedzi, maSabata avo nemitambo yavo yose yakatarwa.
Nitasitisha furaha yake yote- sikukuu zake, mwandamo wa mwezi, sabato zake na sikukuu zake zote zilizowekwa.
12 Ndichaparadza mizambiringa yavo nemiti yavo yemionde yakanga iri muripo waibva kuvadiwa vavo. Ndichazviita dondo, uye mhuka dzesango dzichazvidya.
Nitaharibu mizabibu yake na mtini wake, ambayo alisema, 'Hii ni mishahara ambayo wapenzi wangu walinipa.' Nitawafanya kuwa msitu, na wanyama wa shambani watakula.
13 Ndichavaranga nokuda kwamazuva avakapisira zvinonhuhwira kuna Bhaari; vakazvishonga nemhete nezvishongo, vakatevera vadiwa vavo, asi ini vakandikanganwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Nami nitamuadhibu kwa ajili ya Sikukuu ya Baali, alipowafukizia uvumba, akijipamba kwa pete zake na mavazi yake, naye akafuata wapenzi wake, akanisahau.” Hili ndilo tamko la Bwana.
14 “Naizvozvo zvino ndichazovakwezva; ndichavatungamirira kurenje ndigotaura zvinyoronyoro kwavari.
Kwa hiyo nitaenda kumshawishi. Nitamleta jangwani na kumwambia kwa huruma.
15 Ikoko ndichavadzosera minda yavo yemizambiringa uye ndichaita kuti mupata weAkori uve musuo wetariro. Ikoko vachaimba sapamazuva oumhandara hwavo, sapamazuva avakabuda kubva muIjipiti.
Nami nitamrudishia mizabibu yake, na bonde la Akori kama mlango wa tumaini. Yeye atanijibu huko kama alivyofanya katika siku za ujana wake, kama katika siku ambazo alitoka katika nchi ya Misri.
16 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “Uchanditi ‘murume wangu;’ hauchazonditi ‘tenzi wangu.’
“Itakuwa katika siku hiyo”-hili ndilo tamko la Bwana-”kwamba utaniita, 'Mume wangu,' na hutaniita tena mimi, 'Baal wangu.'
17 Ndichabvisa mazita avanaBhaari pamiromo yavo; havangazodani kumazita avozve.
Kwa maana nitaondoa majina ya Baali kinywani mwake; majina yao hayatakumbukwa tena.”
18 Pazuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzesango neshiri dzedenga uye nezvipuka zvinokambaira pasi. Uta nomunondo nehondo, ndichazvibvisa panyika kuti zvose zvivate pasi zvakachengetedzeka.
“Siku hiyo nitafanya agano pamoja na wanyama katika mashamba kwa ajili yao, na ndege wa angani, na vitu vya kutambaa chini. Nitaondoa upinde, upanga, na vita katika nchi, nami nitakufanya ulale kwa usalama.
19 Ndichatsidza kukuwana uve wangu nokusingaperi; ndichatsidza kukuwana mukururama uye nomukururamisira, murudo netsitsi.
Nitakuwa mume wako milele. Nitakuwa mume wako katika haki, hukumu, uaminifu wa agano, na huruma.
20 Ndichatsidza kukuwana mukutendeka, uye uchabvuma kuti ndini Jehovha.
Nitakuwa mume wako kwa uaminifu. Nawe utanijua mimi, Bwana.
21 “Pazuva iro ndichadavira,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichadavira kumatenga uye ivo vachadavira kunyika;
Na siku ile, nitajibu”-hili ndilo tamko la Bwana. “Nitazijibu mbingu, nao watajibu dunia.
22 nenyika ichadavira kuzviyo, waini itsva namafuta, uye izvo zvichadavira kuna Jezireeri.
Dunia itashughulikia nafaka, divai mpya na mafuta, na watajibu Yezreeli.
23 Ndichamusima panyika nokuda kwangu; ndicharatidza rudo kuno uyo wandakati ‘Haasiye wandinoda.’ Ndichati kuna avo vanonzi ‘Havasi vanhu vangu,’ ‘Muri vanhu vangu,’ uye ivo vachati, ‘Muri Mwari wangu.’”
Nitatampanda mwenyewe katika nchi kwa ajili yangu, na nitamhurumia Lo Ruhama. Nami nitamwambia Lo Ami, 'Wewe ni Ami Ata,' nao wataniambia, 'Wewe ni Mungu wangu.'”