< Hosea 13 >
1 Efuremu akati ataura, vanhu vakadedera; iye akakudzwa muIsraeri. Asi akava nemhosva yokunamata Bhaari uye akafa.
Lapho uEfrayimi ekhuluma kwakulokuqhuqha, waziphakamisa koIsrayeli; kodwa waba lecala ngoBhali, wafa.
2 Zvino vanoramba vachingotadza; vanozviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvakaumbwa nenjere dzavo, zvose ari mabasa emhizha. Pamusoro pavanhu ava zvinonzi, “Vanobayira zvibayiro zvevanhu uye vanotsvoda zviumbwa zvemhuru.”
Khathesi-ke baqhubeka besona, bazenzela izithombe ezibunjwe ngokuncibilikisa zesiliva sabo, izithombe njengokuqedisisa kwabo, zonke zingumsebenzi wezingcitshi; abathi ngazo: Abantu abanikela imihlatshelo bazakwanga amathole.
3 Naizvozvo vachava semhute yamangwanani, sedova rinokurumidza kupera, sehundi inopeperetswa kubva paburiro, soutsi hunobuda napawindo.
Ngakho bazakuba njengeyezi lekuseni, lanjengamazolo ovivi ahambayo; njengomule ophetshulwa yisivunguzane ebaleni lokubhulela, njengentuthu ephuma etshiminini.
4 “Asi ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti. Haungazovi nomumwe Mwari kunze kwangu; kana mumwe Muponesi kunze kwangu.
Kube kanti mina ngiyiNkosi, uNkulunkulu wakho, kusukela elizweni leGibhithe; ngakho kawuyikwazi unkulunkulu ngaphandle kwami, ngoba kakho umsindisi ngaphandle kwami.
5 Ndakakuchengeta murenje, munyika inopisa kwazvo.
Mina ngakwazi enkangala, elizweni elomileyo kakhulu.
6 Pandakavapa zvokudya, vakaguta; vakati vaguta, vakazvikudza ipapo vakandikanganwa.
Njengokwedlelo labo, ngokunjalo basutha; basutha, lenhliziyo yabo yaphakama; ngenxa yalokho bangikhohlwa.
7 Saka ndichauya kwavari seshumba, ndichavagarira panzira sembada,
Ngakho ngizakuba kubo njengesilwane, njengengwe endleleni ngizabacathamela.
8 Sebere ratorerwa vana varo, ndichavarwisa ndigovabvarura. Seshumba ndichavaparadza; chikara chesango chichavabvambura.
Ngizabahlangabeza njengebhere elithathelwe imidlwane, ngidabule isisibekelo senhliziyo yabo, ngibadlele lapho njengesilwane; isilo seganga sizabadabudabula.
9 “Waparadzwa iwe Israeri, nokuti unondirwisa, uchirwisa mubatsiri wako.
Kukuchithile, Israyeli, kodwa kimi kulosizo lwakho.
10 Mambo wako aripiko, kuti zvimwe angakuponesa? Vatongi vako varipiko mumaguta ako ose, avo vawakati, ‘Ndipei mambo namachinda’?
Pho, ingaphi inkosi yakho, ukuthi ikusindise emizini yakho yonke? Labehluleli bakho owathi ngabo: Nginike inkosi leziphathamandla?
11 Saka mukutsamwa kwangu ndakakupa mambo, uye muhasha dzangu ndakamubvisa.
Ngakunika inkosi ekuthukutheleni kwami, ngayisusa ngolaka lwami.
12 Mhosva dzaEfuremu dzakaunganidzwa pamwe chete, zvivi zvake zvakachengetedzwa muzvinyorwa.
Ububi bukaEfrayimi bubotshiwe, isono sakhe sibekiwe.
13 Kurwadziwa sekwomukadzi anosununguka kunosvika kwaari, asi uyu mwana asina uchenjeri; kana nguva dzasvika, haauyi kumusuo wechizvaro.
Insizi zowesifazana ohelelwayo zizamfikela; uyindodana engahlakaniphanga, ngoba ingehlale isikhathi emlonyeni wesizalo sabantwana.
14 “Ndichavadzikinura kubva pasimba reguva; ndichavadzikinura kubva parufu. Dziripiko hosha dzako, nhai rufu? Kuripiko kuparadza kwako, nhai guva? “Handingazovi netsitsi, (Sheol )
Ngizabenzela inhlawulo yokuthula emandleni engcwaba, ngibahlenge ekufeni. Kufa, bangaphi omatshayabhuqe bezifo zakho? Ngcwaba, ingaphi incithakalo yakho? Uphenduko luzasitheliswa emehlweni ami. (Sheol )
15 kunyange akabudirira pakati pamadzikoma ake. Mhepo yokumabvazuva yaJehovha ichauya, ichivhuvhuta ichibva kurenje; chitubu chake chichapwa uye tsime rake richaoma. Dura rake richapambwa zvose zvinokosha zviri mariri.
Loba yena engaveza izithelo phakathi kwabafowabo, kuzafika umoya wempumalanga, umoya weNkosi, usenyuka enkangala, lomthombo wakhe uzakutsha, kome lesiphethu sakhe; wona uzaphanga okuligugu kwazo zonke izitsha eziloyisekayo.
16 Vanhu veSamaria vanofanira kutakura mhaka yavo, nokuti vakamukira Mwari wavo. Vachaparadzwa nomunondo; vacheche vavo vacharoverwa pasi. Vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.”
ISamariya izakuba lunxiwa, ngoba ihlamukele uNkulunkulu wayo; bazakuwa ngenkemba, labantwana babo bachotshozwe, labesifazana babo abakhulelweyo baqhaqhwe.