< Hosea 13 >
1 Efuremu akati ataura, vanhu vakadedera; iye akakudzwa muIsraeri. Asi akava nemhosva yokunamata Bhaari uye akafa.
Naar Efraim talte, skjalv man, i Israel var han Fyrste, han forbrød sig med Ba'al og døde.
2 Zvino vanoramba vachingotadza; vanozviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvakaumbwa nenjere dzavo, zvose ari mabasa emhizha. Pamusoro pavanhu ava zvinonzi, “Vanobayira zvibayiro zvevanhu uye vanotsvoda zviumbwa zvemhuru.”
Nu bliver de ved at synde og laver sig støbte Guder, dannet som Billeder af Sølv, Arbejderes Værk til Hobe; de siger: »Til dem skal I ofre!« Mennesker kysser Kalve!
3 Naizvozvo vachava semhute yamangwanani, sedova rinokurumidza kupera, sehundi inopeperetswa kubva paburiro, soutsi hunobuda napawindo.
Derfor: som Morgentaage, som Duggen, der aarle svinder, som Avner, der blæses fra Lo, som Røg fra Røghul skal de blive.
4 “Asi ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti. Haungazovi nomumwe Mwari kunze kwangu; kana mumwe Muponesi kunze kwangu.
Og jeg er HERREN din Gud, fra du var i Ægyptens Land; du kender ej Gud uden mig, uden mig er der ingen Frelser;
5 Ndakakuchengeta murenje, munyika inopisa kwazvo.
jeg var din Vogter i Ørken, den svidende Tørkes Land.
6 Pandakavapa zvokudya, vakaguta; vakati vaguta, vakazvikudza ipapo vakandikanganwa.
Som de græssede, aad de sig mætte, ja mætte, men Hjertet blev stolt; derfor glemte de mig.
7 Saka ndichauya kwavari seshumba, ndichavagarira panzira sembada,
Saa blev jeg for dem som en Løve, en lurende Panter ved Vejen,
8 Sebere ratorerwa vana varo, ndichavarwisa ndigovabvarura. Seshumba ndichavaparadza; chikara chesango chichavabvambura.
jeg falder over dem som Bjørnen, hvis Unger man tog. Jeg sønderriver dem Brystet, Hunde skal æde deraf, Markens Dyr flaa dem sønder.
9 “Waparadzwa iwe Israeri, nokuti unondirwisa, uchirwisa mubatsiri wako.
Naar Ulykken kommer, Israel, hvor mon du da finder Hjælp?
10 Mambo wako aripiko, kuti zvimwe angakuponesa? Vatongi vako varipiko mumaguta ako ose, avo vawakati, ‘Ndipei mambo namachinda’?
Hvor er da din Konge til Frelse for dig i alle dine Byer, Herskerne, om hvem du siger: »Giv mig dog Konge og Fyrster!«
11 Saka mukutsamwa kwangu ndakakupa mambo, uye muhasha dzangu ndakamubvisa.
Jeg giver dig Konge i Vrede og fjerner ham atter i Harme.
12 Mhosva dzaEfuremu dzakaunganidzwa pamwe chete, zvivi zvake zvakachengetedzwa muzvinyorwa.
Tilbundet er Efraims Brøde, hans Synd gemt hen.
13 Kurwadziwa sekwomukadzi anosununguka kunosvika kwaari, asi uyu mwana asina uchenjeri; kana nguva dzasvika, haauyi kumusuo wechizvaro.
Hans Fødselsstunds Veer er der, men sært er Barnet, som ej kommer frem i Tide, saa Fødselen faar Ende.
14 “Ndichavadzikinura kubva pasimba reguva; ndichavadzikinura kubva parufu. Dziripiko hosha dzako, nhai rufu? Kuripiko kuparadza kwako, nhai guva? “Handingazovi netsitsi, (Sheol )
Dem skal jeg fri fra Dødsriget, løse fra Døden! Nej, Død, hvor er din Pest, Dødsrige, hvor er din Sot? Til Mildhed kender jeg ej, thi et sært Barn er han. (Sheol )
15 kunyange akabudirira pakati pamadzikoma ake. Mhepo yokumabvazuva yaJehovha ichauya, ichivhuvhuta ichibva kurenje; chitubu chake chichapwa uye tsime rake richaoma. Dura rake richapambwa zvose zvinokosha zviri mariri.
En Østenstorm, Herrens Aande, bruser frem fra Ørken, løfter sig, tørrer hans Væld, gør hans Kilde tør, den tager hans Skatkammer med alle dets Skatte.
16 Vanhu veSamaria vanofanira kutakura mhaka yavo, nokuti vakamukira Mwari wavo. Vachaparadzwa nomunondo; vacheche vavo vacharoverwa pasi. Vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.”
Samaria skal bøde, thi det stod sin Gud imod. For Sværd skal de falde, Børnene knuses, frugtsommelige Kvinders Liv rives op.