< Hosea 11 >

1 “Israeri paakanga achiri muduku, ndaimuda, uye ndakadana mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.
Jeg fik Israel kær i hans Ungdom, fra Ægypten kaldte jeg min Søn.
2 Asi pandakanyanya kuvadana, vakatonyanya kunditiza. Vakabayira kuna vanaBhaari uye vakapisira zvinonhuhwira kuzvifananidzo.
Jo mer jeg kaldte dem, des mere fjerned de sig fra mig; de ofrer til Ba'alerne, tænder for Billederne Offerild.
3 Ndini ndakadzidzisa Efuremu kufamba, ndichivasesedza namaoko avo; asi havana kuzvicherechedza kuti ndini ndakavarapa.
Jeg lærte dog Efraim at gaa og tog ham paa Armen; de vidste ej, det var mig, der lægte dem.
4 Ndakavatungamirira nerwodzi rwounyoro hwomunhu, nezvisungo zvorudo; ndakasimudza joko kubva pamutsipa wavo ndikakotama kuti ndivape zvokudya:
Jeg drog dem med Menneskesnore, med Kærligheds Reb; jeg var dem som den, der løfter et Aag over Kæben, jeg bøjed mig ned til ham og rakte ham Føde.
5 “Havangadzokerizve kuIjipiti uye vaAsiria havangavatongi here nokuti vakaramba kutendeuka?
Han skal til Ægypten igen, have Assur til Konge, thi omvende sig vil de ikke.
6 Minondo ichapenya mumaguta avo, ichaparadza mazariro pamasuo avo uye ichagumisa zvirongwa zvavo.
Sværdet skal rase i hans Byer, fortære hans Slaaer og hærge i hans Fæstninger.
7 Vanhu vangu vazvipira kutsauka vachibva kwandiri. Kunyange dai vakadana kuna Iye Wokumusoro-soro, haangatongovasimudziri kunyange nenzira ipi zvayo.
Mit Folk, det hælder til Frafald fra mig, og raaber man til det: »Op, op!« — staar ingen op.
8 “Ndinokuregedza seiko, Efuremu? Ndingakuendesa seiko, Israeri? Ndingakuitireiko saAdhima? Ndingakuenzanisa sei naZebhoimi? Mwoyo wangu washanduka mukati mangu; tsitsi dzangu dzose dzamutswa.
Hvor kan jeg ofre dig, Efraim, lade dig, Israel, fare, ofre dig ligesom Adma, gøre dig som Zebojim? Mit Hjerte vender sig i mig, al min Medynk er vakt.
9 Handingazadzisi kutsamwa kwangu kukuru kana kutendeuka kuti ndiparadze Efuremu. Nokuti ndiri Mwari, kwete munhu, Mutsvene pakati penyu. Handingauyi ndakatsamwa.
Jeg fuldbyrder ikke min Harmglød, gør ej Efraim til intet igen. Thi Gud er jeg, ikke et Menneske, hellig udi din Midte, med Vredesglød kommer jeg ikke.
10 Vachatevera Jehovha; achaomba seshumba. Paachaomba, vana vake vachauya vachidedera vachibva kumadokero.
HERREN skal de holde sig til, han brøler som Løven, ja brøler, og bævende kommer Sønner fra Havet,
11 Vachauya vachidedera seshiri vachibva kuIjipiti, senjiva vachibva kuAsiria. Ndichavagarisa mudzimba dzavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
bævende som Fugle fra Ægypten, som Duer fra Assurs Land; jeg fører dem hjem til deres Huse, lyder det fra HERREN.
12 Efuremu andikomberedza nenhema, imba yaIsraeri nounyengeri. Uye Judha akasindimara pamberi paMwari, kunyange pamberi paIye Mutsvene Akatendeka.
Efraim omgiver mig med Løgn, Israels Hus med svig, Juda kender ej Gud, med Skøger slaar han sig sammen.

< Hosea 11 >