< Hosea 10 >
1 Israeri akanga ari muzambiringa unotanda; akazviberekera zvibereko. Zvibereko zvake pazvakawanda, akavakawo aritari dzakawanda; nyika yake payakabudirira, akashongedzawo matombo ake anoera.
イスラエルは果をむすびて茂り榮る葡萄の樹その果の多くなるがままに祭壇をましその地の饒かなるがままに偶像を美しくせり
2 Mwoyo wavo unonyengera, uye zvino vanofanira kutakura mhosva yavo. Jehovha achaputsa aritari dzavo uye achaparadza matombo avo akaereswa.
かれらは二心をいだけり今かれら罪せらるべし神はその祭壇を打毀ちその偶像を折棄てたまはん
3 Ipapo vachati, “Hatina mambo nokuti hatina kukudza Jehovha. Asi kunyange taiva namambo, angadai akatiitireiko?”
かれら今いふべし我儕神を畏れざりしに因て我らに王なしこの王はわれらのために何をかなさんと
4 Vanovimbisa zvakawanda, vanoita mhiko dzenhema uye vanoita zvibvumirano; naizvozvo mhosva dzinoendeswa kudare dzinomera sebise rinouraya mumunda wakarimwa.
かれらは虚しき言をいだし偽の誓をなして約をたつ審判は畑の畝にもえいづる茵蔯のごとし
5 Vanhu vanogara muSamaria vanotyira chifananidzo chemhuru chaBheti Avheni. Vanhu vacho vachachichema, ndizvo zvichaitawo vaprista vanonamata chifananidzo chacho; ivavo vakafarira kukudzwa kwacho, nokuti vachachitorerwa chigoendeswa kuutapwa.
サマリヤの居民はベテアベンの犢の故によりて戰慄かんその民とこれを悦ぶ祭司等はその榮のうせたるが爲になげかん
6 Chichatakurwa chigoendeswa kuAsiria somutero kuna mambo mukuru. Efuremu achanyadziswa; Israeri achanyarawo nokuda kwezvifananidzo zvakavezwa.
犢はアッスリヤに携へられ禮物としてヤレブ王に献げらるべしエフライムは羞をかうむりイスラエルはおのが計議を恥ぢん
7 Samaria namambo wayo ichaeredzwa sechimuti pamusoro pemvura.
サマリヤはほろびその王は水のうへの木片のごとし
8 Nzvimbo dzakakwirira dzouipi dzichaparadzwa, ichi ndicho chivi chaIsraeri. Minzwa norukato zvichamera zvigofukidza aritari dzavo. Ipapo vachati kumakomo, “Tifukidzei!” nokuzvikomo, “Wirai pamusoro pedu!”
イスラエルの罪なるアベンの崇邱は荒はてて荊棘と蒺藜その壇のうへにはえ茂らんその時かれら山にむかひて我儕をおほへ陵にむかひて我儕のうへに倒れよといはん
9 “Kubva pamazuva eGibhea, wakatadza, iwe Israeri, uye ukarambirapo. Hondo haina kukunda vaiti vezvakaipa paGibhea here?
イスラエルよ汝はギベアの日より罪ををかせり彼等はそこに立り邪惡のひとびとを攻たりし戰爭はギベアにてかれらに及ばざりき
10 Nenguva yandinoda ndichavaranga; ndudzi dzichaungana kuti dzivarwise dzivaise muusungwa nokuda kwezvivi zvavo zviviri.
我思ふままに彼等をいましめん彼等その二の罪につながれん時もろもろの民あつまりて之をせめん
11 Efuremu itsiru rakapingudzwa rinofarira kupura; saka ndichaisa joko pamutsipa waro wakanaka. Ndichatinha Efuremu, Judha anofanira kurima, uye Jakobho anofanira kuputsa mavhinga acho.
エフライムは馴されたる牝牛のごとくにして穀をふむことを好むされどわれその美しき頸に物を負しむべし我エフライムに軛をかけんユダは耕しヤコブは土塊をくだかん
12 Zvidyarirei kururama, kohwai chibereko chorudo rusingaperi, mugorima gombo renyu; nokuti inguva yokutsvaka Jehovha, kusvikira auya kuzonayisa utsvene pamusoro penyu.
なんぢら義を生ずるために種をまき憐憫にしたがひてかりとり又新地をひらけ今はヱホバを求むべき時なり終にはヱホバきたりて義を雨のごとく汝等のうへに降せたまはん
13 Asi makarima uipi, mukacheka zvakaipa, makadya zvibereko zvounyengeri, nokuti makavimba nesimba renyu uye navarwi venyu vakawanda,
なんぢらは惡をたがへし不義を穫をさめ虚偽の果をくらへりこは汝おのれの途をたのみ己が勇士の數衆きをたのめるに縁る
14 kuomba kwehondo kuchamukira vanhu venyu, zvokuti masvingo enyu ose achaparadzwa, sokuparadzwa kwakaitwa Bheti Aribheri neSharimani pazuva rokurwa, vanamai pavakapanhirwa pasi pamwe chete navana vavo.
この故になんぢらの民のなかに擾亂おこりて汝らの城はことごとく打破られんシャルマンが戰門の日にベテアルベルを打破りしにことならず母その子とともに碎かれたり
15 Ndizvo zvichaitika kwauri, iwe Bheteri, nokuti uipi hwako hukuru. Kana zuva iroro roswedera, mambo weIsraeri achaparadzwa zvachose.
なんぢらの大なる惡のゆゑによりてべテル如此なんぢらに行へるなりイスラエルの王はあしたに滅びん