< VaHebheru 1 >
1 Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana,
God, who in ancient days spoke to our ancestors in the prophets, at many different times and by various methods,
2 asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika. (aiōn )
has at the end of these days spoken to us in a Son whom he appointed heir of all things; through whom also he made the universe. (aiōn )
3 Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge apedza kunatswa kwezvivi, akagara kurudyi rwamambo kudenga.
He being an emanation of God’s glory and stamp of his substance, and upholding the universe by the utterances of his power, after by himself making purification of our sins, has taken his seat on the right hand of the Majesty on High.
4 Saka akava mukuru kupfuura vatumwa sezvo zita raakapiwa nhaka yaro rakanyanya kunaka kupfuura ravo.
He is as much superior to the angels as the name that he has inherited surpasses theirs.
5 Nokuti ndoupi pakati pavatumwa, Mwari waakamboti kwaari: “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako?” kana kutizve, “Ndichava Baba vake, naiye achava Mwanakomana wangu?”
For to what angel did God ever say, Thou art my son; this day have I become thy Father? and again, I will be a father to him, and he shall be to me a son?
6 Uyezve, Mwari paanouyisa dangwe rake munyika, anoti: “Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate.”
And further, when he brought the firstborn into the habitable world, he said, Let all the angels of God worship him.
7 Achitaura pamusoro pavatumwa anoti, “Anoita vatumwa vake mhepo, varanda vake mirazvo yomoto.”
While of the angels he said, He makes his angels into winds, His ministering servants into flames of fire.
8 Asi pamusoro poMwanakomana anoti, “Chigaro chenyu choushe, imi Mwari, chichagara nokusingaperi-peri, uye kururama kuchava tsvimbo youshe hwenyu. (aiōn )
But to the Son he says. Thy throne, O God, is forever and ever, And the scepter of thy kingdom is the scepter of justice. (aiōn )
9 Makada kururama uye mukavenga kusarurama; naizvozvo Mwari, Mwari wenyu, akakuisai pamusoro peshamwari dzenyu nokukuzodzai namafuta okufara.”
Thou hast loved righteousness and hated lawlessness; Therefore did God, thy God, anoint thee with the oil of gladness beyond thy comrades.
10 Anotizve, “Pakutanga, imi Ishe, makateya nheyo dzenyika, uye matenga ndiwo basa ramaoko enyu.
And, Thou, O Lord, in the beginning didst lay the foundations of the earth, And the heavens are the work of thy hands.
11 Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo; zvichasakara zvose senguo.
They will perish, but thou remainest; They all will grow old like a garment,
12 Muchazvipeta sejasi; senguo zvichashandurwa. Asi imi munoramba makadaro, uye makore enyu haatozogumi.”
Like a mantle thou wilt fold them up, And like a garment they will be changed. But thou art the same, And thy years will never fail.
13 Ndoupi pakati pavatumwa akambonzi naMwari: “Gara kurudyi rwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako?”
To which of the angels has he ever said, Sit at my right hand, Till I make thy foes a footstool for thy feet?
14 Ko, vatumwa vose havasi mweya inoshumira yakatumwa kuzobatsira vaya vachadya nhaka yoruponeso here?
Are they not all ministering spirits, sent forth for service in behalf of those who are about to inherit salvation?