< VaHebheru 8 >
1 Shoko guru pane izvozvi zvatiri kutaura ndiro iri rokuti: Tino muprista mukuru akadai, akagara kurudyi rwechigaro chaIshe kudenga,
Голова ж сказаного - Такого маємо Архиєрея, що сїв по правиції престола величчя на небесах,
2 uye anoshumira muimba tsvene, iyo tabhenakeri chaiyo yakamiswa naIshe, kwete nomunhu.
служителя святинї і скинї істинної, котру поставив Господь, а не чоловік.
3 Muprista mukuru, mumwe nomumwe, akagadzwa kuti ape zvipo nezvibayiro kuna Mwari, naizvozvo zvakanga zvakafanira kuti uyu ave nechokubayirawo.
Всякий бо архиєрей поставляєть ся, щоб приносити дари і жертви; тим треба й Сьому що мати, щоб принести.
4 Dai akanga ari panyika, angadai asina kuva muprista, nokuti vaprista vakanga varipo kare vaibayira zvipo sezvakarehwa nomurayiro.
Бо коли б Він був на землї, не був би священиком, (де) в священики, що приносять по закону дари,
5 Vaishumira panzvimbo tsvene inova mufananidzo nomumvuri wezviri kudenga. Nokuda kweizvi Mozisi akayambirwa paakanga ava kuvaka tabhenakeri: “Uve nechokwadi kuti waita zvose maererano nomufananidzo wawakaratidzwa mugomo.”
котрі служать образу і тїнї небесного, яко ж глаголано Мойсейові, як хотїв зробити скиню. "Гледи бо", рече, "зроби все по взору, показаному тобі на горі."
6 Asi ushumiri hwakapiwa Jesu hwakapfuura hwavo pakunaka sezvo ari murevereri wesungano inopfuura nokunaka pane sungano yakare, uye yakasimbiswa nezvipikirwa zviri nani.
Тепер же (Христос) лучче знарядив служеннє, на скілько Від посередник луччого завіту, котрий на луччих обітницях узаконив ся.
7 Nokuti dai pakanga pasina chakaipa nesungano yokutanga pangadai pasina kuwanikwa mukana weimwe sungano.
Бо коли б первий той був без пороку, не шукалось би місця другому.
8 Asi Mwari akaona kukanganisa kwavanhu ava akati: “Nguva inouya, ndizvo zvinotaura Ishe, yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri, uye neimba yaJudha,
Докоряючи бо їх глаголе: "Ось ідуть днї, глаголе Господь, і зроблю з домом Ізраїлевим і з домом Юдовим завіт новий,
9 Haichazovi sesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata noruoko kuti ndivabudise kubva muIjipiti, nokuti havana kuramba vakatendeka kusungano yangu, neniwo ndakavasiya, ndizvo zvinotaura Ishe.
не по завіту, що вробив я з отцями вашими, того дня, як узяв я їх за руку, щоб вивести їх із землі Єгипецької: бо вони не пробували в завітї моїм, і я занедбав їх, глаголе Господь.
10 Iyi ndiyo sungano yandichaita neimba yaIsraeri, mushure menguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Ishe. Ndichaisa mirayiro yangu mundangariro dzavo, uye ndichainyora pamwoyo yavo. Ndichava Mwari wavo, uye vachava vanhu vangu.
Тим се завіт, котрий: зроблю дому Ізраїлевому по тих днях, глаголе Господь: Давши закони мої в думку їх, і на серцях їх напишу їх, і буду їм Бог, а вони будуть мені народ.
11 Hakuna munhu achazodzidzisa muvakidzani wake, kana munhu kudzidzisa hama yake, achiti, ‘Ziva Ishe,’ nokuti vose vachandiziva, kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo.
І не вчити ме кожен ближнього свого, і кожен брата свого, говорячи: Познай Господа; бо всї знати муть мене від малого та й до великого між ними.
12 Nokuti ndichavaregerera zvakaipa zvavo uye handizorangaririzve zvivi zvavo.”
Тим що милостив буду на неправди їх, і гріхів їх і беззаконий їх не згадувати му більше."
13 Nokuti akati sungano iyi “itsva,” ipapo akashayisa basa yokutanga; zvino chinhu chisisina basa uye chava chekare chichaparara nokukurumidza.
А що глаголе: "новий", то обветшив первого; що ж обветшало і зстарілось, те близьке зотлїння.