< VaHebheru 7 >

1 Merikizedheki uyu aiva mambo weSaremu, uye aiva muprista waMwari Wokumusoro-soro. Akasangana naAbhurahama pakudzoka kwake achibva kundokunda madzimambo, akamuropafadza,
Οὗτος γὰρ ὁ Μελχισέδεκ, βασιλεὺς Σαλήμ, ἱερεὺς τοῦ Θεοῦ τοῦ Ὑψίστου, ὁ συναντήσας Ἀβραὰμ ὑποστρέφοντι ἀπὸ τῆς κοπῆς τῶν βασιλέων καὶ εὐλογήσας αὐτόν,
2 uye Abhurahama akamupa chegumi chezvinhu zvose. Kutanga zita rake rinoreva kuti, “mambo wokururama”; uyezve, “mambo weSaremu” zvinoreva kuti, “mambo woRugare.”
ᾧ καὶ δεκάτην ἀπὸ πάντων ἐμέρισεν Ἀβραάμ, πρῶτον μὲν ἑρμηνευόμενος βασιλεὺς δικαιοσύνης, ἔπειτα δὲ καὶ βασιλεὺς Σαλήμ, ὅ ἐστιν βασιλεὺς εἰρήνης,
3 Asina baba kana mai, asina madzitateguru, asina mavambo amazuva kana magumo oupenyu, soMwanakomana waMwari anoramba ari muprista nokusingaperi.
ἀπάτωρ, ἀμήτωρ, ἀγενεαλόγητος, μήτε ἀρχὴν ἡμερῶν μήτε ζωῆς τέλος ἔχων, ἀφωμοιωμένος δὲ τῷ Υἱῷ τοῦ Θεοῦ, μένει ἱερεὺς εἰς τὸ διηνεκές.
4 Chingofungai kuti akanga ari mukuru sei. Kunyange natateguru Abhurahama akamupa chegumi chezvaakanga apamba!
Θεωρεῖτε δὲ πηλίκος οὗτος ᾧ δεκάτην Ἀβραὰμ ἔδωκεν ἐκ τῶν ἀκροθινίων ὁ πατριάρχης.
5 Zvino murayiro unoti avo vari zvizvarwa zvaRevhi vakava vaprista kuti vatore chegumi kuvanhu, idzo hama dzavo, kunyange zvazvo hama dzavo dziri zvizvarwa zvaAbhurahama.
καὶ οἱ μὲν ἐκ τῶν υἱῶν Λευεὶ τὴν ἱερατείαν λαμβάνοντες ἐντολὴν ἔχουσιν ἀποδεκατοῖν τὸν λαὸν κατὰ τὸν νόμον, τοῦτ’ ἔστιν τοὺς ἀδελφοὺς αὐτῶν, καίπερ ἐξεληλυθότας ἐκ τῆς ὀσφύος Ἀβραάμ·
6 Murume uyu, kunyange zvakadaro, akanga asina rudzi runobva pazvizvarwa zvaRevhi, asi akatora chegumi kubva kuna Abhurahama uye akaropafadza iye akanga ane zvipikirwa.
ὁ δὲ μὴ γενεαλογούμενος ἐξ αὐτῶν δεδεκάτωκεν Ἀβραάμ, καὶ τὸν ἔχοντα τὰς ἐπαγγελίας εὐλόγηκεν.
7 Uye hapana kukahadzika kuti muduku anoropafadzwa neakamupfuura paukuru.
χωρὶς δὲ πάσης ἀντιλογίας τὸ ἔλαττον ὑπὸ τοῦ κρείττονος εὐλογεῖται.
8 Panyaya iyi yokutanga, chegumi chinotorwa navanhu vanofa; asi pane imwe nyaya iyi chinotorwa naiye anonzi mupenyu.
καὶ ὧδε μὲν δεκάτας ἀποθνῄσκοντες ἄνθρωποι λαμβάνουσιν, ἐκεῖ δὲ μαρτυρούμενος ὅτι ζῇ.
9 Mumwe angati Revhi, anotora chegumi, akapawo chegumi kubudikidza naAbhurahama,
καὶ ὡς ἔπος εἰπεῖν, δι’ Ἀβραὰμ καὶ Λευεὶς ὁ δεκάτας λαμβάνων δεδεκάτωται·
10 nokuti Merikizedheki paakasangana naAbhurahama, Revhi akanga achiri muchiuno chatateguru vake.
ἔτι γὰρ ἐν τῇ ὀσφύϊ τοῦ πατρὸς ἦν ὅτε συνήντησεν αὐτῷ Μελχισέδεκ.
11 Kana kukwaniswa kwaigona kuvapo nenzira youprista hwaRevhi (nokuti vanhu vakapiwa murayiro nokuda kwahwo), ko, mumwe muprista aifanira kuzomuka sei, iye ari worudzi rwaMerikizedheki, asiri worudzi rwaAroni?
Εἰ μὲν οὖν τελείωσις διὰ τῆς Λευειτικῆς ἱερωσύνης ἦν, ὁ λαὸς γὰρ ἐπ’ αὐτῆς νενομοθέτηται, τίς ἔτι χρεία κατὰ τὴν τάξιν Μελχισέδεκ ἕτερον ἀνίστασθαι ἱερέα καὶ οὐ κατὰ τὴν τάξιν Ἀαρὼν λέγεσθαι;
12 Nokuti kana uprista huchishandurwa, kunofanirawo kushandurwa murayiro.
μετατιθεμένης γὰρ τῆς ἱερωσύνης ἐξ ἀνάγκης καὶ νόμου μετάθεσις γίνεται.
13 Iye anorehwa zvinhu izvi pamusoro pake ndeworumwe rudzi, uye hakuna mumwe worudzi urwu akamboshumira paaritari.
ἐφ’ ὃν γὰρ λέγεται ταῦτα, φυλῆς ἑτέρας μετέσχηκεν, ἀφ’ ἧς οὐδεὶς προσέσχηκεν τῷ θυσιαστηρίῳ·
14 Nokuti zviri pachena kuti Ishe wedu akabva kurudzi rwaJudha uye pamusoro porudzi urwu Mozisi haana kumbotaura zvavaprista.
πρόδηλον γὰρ ὅτι ἐξ Ἰούδα ἀνατέταλκεν ὁ Κύριος ἡμῶν, εἰς ἣν φυλὴν περὶ ἱερέων οὐδὲν Μωϋσῆς ἐλάλησεν.
15 Uye zvatataura zvinotova pachena kunyanya kana mumwe muprista akaita saMerikizedheki achionekwa,
Καὶ περισσότερον ἔτι κατάδηλόν ἐστιν, εἰ κατὰ τὴν ὁμοιότητα Μελχισέδεκ ἀνίσταται ἱερεὺς ἕτερος,
16 uyo ava muprista kwete nokuda kwomurayiro wenhoroondo yamadzitateguru ake asi nokuda kwesimba roupenyu husingaparadziki.
ὃς οὐ κατὰ νόμον ἐντολῆς σαρκίνης γέγονεν ἀλλὰ κατὰ δύναμιν ζωῆς ἀκαταλύτου.
17 Nokuti zvakataurwa zvichinzi: “Iwe uri muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki.” (aiōn g165)
μαρτυρεῖται γὰρ ὅτι Σὺ ἱερεὺς εἰς τὸν αἰῶνα κατὰ τὴν τάξιν Μελχισέδεκ. (aiōn g165)
18 Murau wokutanga wakaiswa padivi nokuti wakanga une utera uye usina maturo
ἀθέτησις μὲν γὰρ γίνεται προαγούσης ἐντολῆς διὰ τὸ αὐτῆς ἀσθενὲς καὶ ἀνωφελές,
19 (nokuti murayiro hauna chinhu chawakaita kuti chive chakakwana), uye tariro iri nani inoziviswa, yatinoswededzwa nayo pedyo naMwari.
οὐδὲν γὰρ ἐτελείωσεν ὁ νόμος, ἐπεισαγωγὴ δὲ κρείττονος ἐλπίδος, δι’ ἧς ἐγγίζομεν τῷ Θεῷ.
20 Uye hazvina kuitwa pasina mhiko! Vamwe vakava vaprista pasina kana mhiko zvayo,
Καὶ καθ’ ὅσον οὐ χωρὶς ὁρκωμοσίας, —οἱ μὲν γὰρ χωρὶς ὁρκωμοσίας εἰσὶν ἱερεῖς γεγονότες,
21 asi iye akava muprista ane mhiko, Mwari paakati kwaari: “Ishe akapika uye haangashanduri murangariro wake: ‘Iwe uri muprista nokusingaperi.’” (aiōn g165)
ὁ δὲ μετὰ ὁρκωμοσίας διὰ τοῦ λέγοντος πρὸς αὐτόν Ὤμοσεν Κύριος, καὶ οὐ μεταμεληθήσεται Σὺ ἱερεὺς εἰς τὸν αἰῶνα· (aiōn g165)
22 Nokuda kwemhiko yake, Jesu akava rubatso rwesungano inopfuura nokunaka.
—κατὰ τοσοῦτο καὶ κρείττονος διαθήκης γέγονεν ἔγγυος Ἰησοῦς.
23 Zvino kwakava navazhinji vavaprista, nokuti rufu rwakavatadzisa kupfuurira mberi paushumiri;
Καὶ οἱ μὲν πλείονές εἰσιν γεγονότες ἱερεῖς διὰ τὸ θανάτῳ κωλύεσθαι παραμένειν·
24 asi Jesu, nokuti anogara nokusingaperi, ano uprista huchavapo nokusingaperi. (aiōn g165)
ὁ δὲ διὰ τὸ μένειν αὐτὸν εἰς τὸν αἰῶνα ἀπαράβατον ἔχει τὴν ἱερωσύνην· (aiōn g165)
25 Naizvozvo anogona kuponesa zvizere vaya vanouya kuna Mwari kubudikidza naye, nokuti anorarama nokusingaperi achivanyengeterera.
ὅθεν καὶ σῴζειν εἰς τὸ παντελὲς δύναται τοὺς προσερχομένους δι’ αὐτοῦ τῷ Θεῷ, πάντοτε ζῶν εἰς τὸ ἐντυγχάνειν ὑπὲρ αὐτῶν.
26 Muprista mukuru akadai anotipa zvatinoshayiwa, iye mutsvene, asina chaangapomerwa, asina kusvibiswa, akatsaurwa kubva kuvatadzi, akasimudzirwa pamusoro pamatenga.
Τοιοῦτος γὰρ ἡμῖν καὶ ἔπρεπεν ἀρχιερεύς, ὅσιος, ἄκακος, ἀμίαντος, κεχωρισμένος ἀπὸ τῶν ἁμαρτωλῶν, καὶ ὑψηλότερος τῶν οὐρανῶν γενόμενος·
27 Asingafanani navaya vaprista, haafaniri kubayira zvipiriso zuva rimwe nerimwe, kutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu. Akabayira zvivi zvavo kamwe chete zvikapera paakazvipa iye.
ὃς οὐκ ἔχει καθ’ ἡμέραν ἀνάγκην, ὥσπερ οἱ ἀρχιερεῖς, πρότερον ὑπὲρ τῶν ἰδίων ἁμαρτιῶν θυσίας ἀναφέρειν, ἔπειτα τῶν τοῦ λαοῦ· τοῦτο γὰρ ἐποίησεν ἐφάπαξ ἑαυτὸν ἀνενέγκας.
28 Nokuti murayiro unogadza vanhu vano utera savaprista vakuru; asi mhiko yakauya shure kwomurayiro, yakagadza Mwanakomana, uyo akakwaniswa nokusingaperi. (aiōn g165)
ὁ νόμος γὰρ ἀνθρώπους καθίστησιν ἀρχιερεῖς ἔχοντας ἀσθένειαν, ὁ λόγος δὲ τῆς ὁρκωμοσίας τῆς μετὰ τὸν νόμον Υἱόν εἰς τὸν αἰῶνα τετελειωμένον. (aiōn g165)

< VaHebheru 7 >