< VaHebheru 6 >
1 Naizvozvo ngatisiyei dzidziso dzokutanga pamusoro paKristu uye tipfuurire mberi mukukura, tisingaisizve nheyo dzokutendeuka kubva pamabasa anotungamirira kurufu, uye nokutenda muna Mwari,
Zato pustivši začetno besedo Kristusovo obrnimo se k popolnosti, da ne polagamo zopet podstave kesanja od mrtvih dél in vere v Boga,
2 dzidziso pamusoro pokubhabhatidzwa nedzokuisa maoko pamusoro, dzokumuka kubva kuvakafa, uye nedzokutongwa kusingaperi. (aiōnios )
Učnih krstov in pokladanj rók in vstajanja mrtvih in večne sodbe. (aiōnios )
3 Uye kana Mwari achitendera, ndizvo zvatichaita.
In to bodemo storili, ako le Bog privoli.
4 Nokuti hazvigoni kuti vaya vakambovhenekerwa, vaya vakamboravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene,
Kajti nemogoče je one, kateri so bili enkrat razsvetljeni in so okusili dar nebeški in deležni postali Duha svetega,
5 vakaravira kunaka kweshoko raMwari uye namasimba enyika inouya, (aiōn )
In okusili lepo besedo Božjo, in prihodnjega življenja moči, (aiōn )
6 kuti vatendeukezve mushure mokunge vatsauka, nokuti pakurasikirwa kwavo vanorovererazve Mwanakomana waMwari, vachimunyadzisa pachena.
In so odpadli, zopet ponoviti v kesanje, ker zase zopet križajo sina Božjega in zasramujejo.
7 Nyika inonwa mvura inonaya nguva nenguva pamusoro payo uye inobereka zvirimwa zvinobatsira avo vanoirima, ndiyo inoropafadzwa naMwari.
Kajti zemlja, katera je pila dež, ki često nanjo pada, in rodeva koristno zélišče njim, za katere se tudi obdeljuje, dobiva blagoslov od Boga.
8 Asi nyika inobereka minzwa norukato haibatsiri uye ine dambudziko rokuti ichatukwa. Pakupedzisira ichapiswa.
Ako pa rodeva trnje in osat, malopridna je in prokletju blizu, katere konec je sežganje.
9 Kunyange zvazvo tichitaura sezvizvi, hama dzinodikanwa, tinoziva kwazvo kuti kwamuri kuchabva zvinhu zviri nani, zvinhu zvinoshanda pamwe chete noruponeso.
Prepričani pa smo za vas, ljubljeni, boljšega in k zveličanju vodéčega, če tudi tako govorimo.
10 Mwari haazi asina kururama; haangakanganwi basa renyu norudo rwamakamuratidza pamaibatsira vanhu vake uye kuti muchiri kuramba muchivabatsira.
Kajti Bog ni krivičen, da bi pozabil dela vašega, in truda ljubezni, katero ste izkazali v imé njegovo, ker ste stregli svetim in še strežete.
11 Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ave nokushingaira kumwe cheteko kusvikira kumagumo, kuitira kuti muve nechokwadi chetariro yenyu.
Želimo pa, da naj vsak izmed vas kaže isto gorečnost v izpolnitev upanja noter do konca,
12 Hatidi kuti muve simbe, asi kuti muve vateveri vaavo vanodya nhaka yakavimbiswa kubudikidza nokutenda nokutsungirira.
Da ne postanete leni, nego posnemalci njih, ki z vero in stanovitnostjo zadobivajo obljube.
13 Mwari paakaita vimbiso yake kuna Abhurahama, sezvo kwakanga kusina mumwe mukuru kwaari wokuti angapika naye, akapika naiye amene,
Kajti ko je bil Bog Abrahamu obljubil, prisegel je, ker ni imel pri kom večjem priseči, pri sebi samem, govoreč:
14 achiti, “Zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichakupa zvizvarwa zvizhinji.”
"Resnično, blagosloveč te bodem blagoslovil in množeč te bodem množil."
15 Uye mushure mokumirira nomwoyo murefu, Abhurahama akagamuchira chipikirwa.
In tako je po stanovitnosti zadobil obljubo.
16 Vanhu vanopika nomukuru kwavari, uye mhiko ndiyo inosimbisa zvinenge zvataurwa, uye inopedza gakava rose.
Ljudje namreč prisezajo pri večjem, in vse oporeke konec jim je v potrjenje prisega;
17 Nokuti Mwari aida kuti aratidze pachena kusashanduka kwechido chake kuvadyi venhaka yakapikirwa, akakusimbisa nemhiko.
Zato je Bog, hoteč tolikanj bolj dedičem obljube pokazati neizpremenljivost sklepa svojega, posredoval s prisego,
18 Mwari akaita izvi kuitira kuti, nezvinhu zviviri zvisingashanduki, zvokuti Mwari haagoni kureva nhema, isu vakatiza tikandobatisisa tariro yatakapiwa, tichasimbiswa zvikuru.
Da bi po dveh nespremenljivih rečéh, v katerih ni mogoče, da bi bil Bog lagal, imeli krepko tolažilo kateri pribegamo poprijet se ponujanega tipanja,
19 Tine tariro iyi sechibatiso choMweya, chakasimba chisingazungunuswi. Inopinda mukati mechidzitiro chomutemberi,
Katero imamo kakor gotovo in trdno sidro duše, in katero prodira do znotraj pregrinjala,
20 makapinda Jesu akatitangira isu, akapinda akatimiririra. Akava muprista mukuru nokusingaperi worudzi rwaMerikizedheki. (aiōn )
Kamor je predhodnik za nas vstopil Jezus, postavši po redu Melhizedekovem višji duhovnik na vekomaj. (aiōn )