< VaHebheru 6 >
1 Naizvozvo ngatisiyei dzidziso dzokutanga pamusoro paKristu uye tipfuurire mberi mukukura, tisingaisizve nheyo dzokutendeuka kubva pamabasa anotungamirira kurufu, uye nokutenda muna Mwari,
Naizvozvo, tichisiya zvekutanga zvedzidziso yaKristu, ngatipfuurire mukupedzeredza, tisingaisizve nheyo yekutendeuka kubva pamabasa akafa, neyekutenda kuna Mwari,
2 dzidziso pamusoro pokubhabhatidzwa nedzokuisa maoko pamusoro, dzokumuka kubva kuvakafa, uye nedzokutongwa kusingaperi. (aiōnios )
yedzidziso yebhabhatidzo, neyekuisa maoko, neyekumuka kwevakafa, neyekutonga kwekusingaperi. (aiōnios )
3 Uye kana Mwari achitendera, ndizvo zvatichaita.
Uye izvi tichaita, kwega kana Mwari achitendera.
4 Nokuti hazvigoni kuti vaya vakambovhenekerwa, vaya vakamboravira chipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene,
Nokuti hazvigoneki kuti vakambovhenekerwa, vakaravira chipo chekudenga, ndokuva vagovani veMweya Mutsvene,
5 vakaravira kunaka kweshoko raMwari uye namasimba enyika inouya, (aiōn )
vakaravira shoko rakanaka raMwari, nemasimba enyika inouya, (aiōn )
6 kuti vatendeukezve mushure mokunge vatsauka, nokuti pakurasikirwa kwavo vanorovererazve Mwanakomana waMwari, vachimunyadzisa pachena.
ndokutsauka kutivavavandudzirezve mukutendeuka, zvavanozvirovererazve pamuchinjikwa Mwanakomana waMwari, vachimunyadzisa pachena.
7 Nyika inonwa mvura inonaya nguva nenguva pamusoro payo uye inobereka zvirimwa zvinobatsira avo vanoirima, ndiyo inoropafadzwa naMwari.
Nokuti nyika inonwa mvura inogarouya pamusoro payo, ndokubereka miriwo yakafanira avo vanoirimawo, inowana ropafadzo kubva kuna Mwari;
8 Asi nyika inobereka minzwa norukato haibatsiri uye ine dambudziko rokuti ichatukwa. Pakupedzisira ichapiswa.
asi iyo inobereka minzwa nerukato, inorambwa uye yava pedo nekutukwa; kuguma kwayo kuri mukupiswa.
9 Kunyange zvazvo tichitaura sezvizvi, hama dzinodikanwa, tinoziva kwazvo kuti kwamuri kuchabva zvinhu zviri nani, zvinhu zvinoshanda pamwe chete noruponeso.
Asi tine chokwadi pamusoro penyu chezvinhu zviri nani, vadiwa, uye zvinhu zvine ruponeso, kunyange tichitaura sezvizvi;
10 Mwari haazi asina kururama; haangakanganwi basa renyu norudo rwamakamuratidza pamaibatsira vanhu vake uye kuti muchiri kuramba muchivabatsira.
nokuti Mwari haasi asakarurama kuti akanganwe basa renyu nebasa rakarema rerudo rwamakaratidza kuzita rake, pamakashumira vatsvene uye muchiri kushumira.
11 Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ave nokushingaira kumwe cheteko kusvikira kumagumo, kuitira kuti muve nechokwadi chetariro yenyu.
Zvino tinoshuva kuti umwe neumwe wenyu aratidze kushingaira kwakadaro kuve kuvimbiswa kwakakwana kwetariro pakuguma.
12 Hatidi kuti muve simbe, asi kuti muve vateveri vaavo vanodya nhaka yakavimbiswa kubudikidza nokutenda nokutsungirira.
Kuti murege kuva simbe, asi vateveri veavo vanodya nhaka yezvivimbiso kubudikidza nerutendo nemoyo murefu.
13 Mwari paakaita vimbiso yake kuna Abhurahama, sezvo kwakanga kusina mumwe mukuru kwaari wokuti angapika naye, akapika naiye amene,
Nokuti Mwari paakavimbisa Abhurahama, nokuti wakange asina wakamudarika waangapika naye, wakapika naiye pachake,
14 achiti, “Zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichakupa zvizvarwa zvizhinji.”
achiti: Zvirokwazvo kuropafadza ndichakuropafadza, nekuwanza ndichakuwanza.
15 Uye mushure mokumirira nomwoyo murefu, Abhurahama akagamuchira chipikirwa.
Saizvozvowo, wakati atsungirira nemoyo murefu akawana chivimbiso.
16 Vanhu vanopika nomukuru kwavari, uye mhiko ndiyo inosimbisa zvinenge zvataurwa, uye inopedza gakava rose.
Nokuti vanhu zvirokwazvo vanopika nemukuru kwavari, nemhiko yekusimbisa kuguma kwegakava rese kwavari.
17 Nokuti Mwari aida kuti aratidze pachena kusashanduka kwechido chake kuvadyi venhaka yakapikirwa, akakusimbisa nemhiko.
Pakazoti Mwari achida zvikurusa kuratidza kuvadyi venhaka yechivimbiso kusashanduka kwezano rake, wakamiririra nemhiko,
18 Mwari akaita izvi kuitira kuti, nezvinhu zviviri zvisingashanduki, zvokuti Mwari haagoni kureva nhema, isu vakatiza tikandobatisisa tariro yatakapiwa, tichasimbiswa zvikuru.
kuti nezvinhu zviviri zvisingashanduki, pazviri pasingagoni kuti Mwari areve nhema, tive nekunyaradzwa kwakasimba, iyesu takatizira kunovanda kuti tibatirire kutariro yakaiswa pamberi pedu;
19 Tine tariro iyi sechibatiso choMweya, chakasimba chisingazungunuswi. Inopinda mukati mechidzitiro chomutemberi,
yatinayo sechitsigiso chemweya chakatsiga uye chakasimba, inopinda kune zviri mukati mevheiri;
20 makapinda Jesu akatitangira isu, akapinda akatimiririra. Akava muprista mukuru nokusingaperi worudzi rwaMerikizedheki. (aiōn )
apo nhungamiri payakatipindira, iye Jesu, wakaitwa mupristi mukuru nekusingaperi, kubva kurudzi rwaMerikizedheki. (aiōn )