< VaHebheru 5 >

1 Muprista mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa kubva pakati pavanhu uye anogadzwa kuti avamiririre pazvinhu zvaMwari, kuti ape zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi.
Kwani kila kuhani mkuu, aliyechaguliwa kutoka miongoni mwa watu, amechaguliwa kusimama badala yao katika vitu vinavyohusiana na Mungu, ili aweze kutoa kwa pamoja zawadi na dhabihu kwa ajili ya dhambi.
2 Anogona kunzwira tsitsi vaya vasingazivi uye navaya vari kutsauka, sezvo iye pachake ari pasi poutera.
Anaweza kujishughulisha kwa upole na wajinga na wabishi kwa kuwa yeye mwenyewe pia amezungukwa na udhaifu.
3 Ndokusaka achifanira kupa zvibayiro zvezvivi zvake, pamwe chete nezvezvivi zvavanhu.
Kwa sababu ya hili, ana wajibu wa kutoa sadaka kwa ajili ya dhambi zake kama afanyavyo kwa dhambi za watu.
4 Hapana munhu anozvipa kukudzwa uku; anofanira kudanwa naMwari, sezvakaitwa Aroni.
Na hakuna mtu achukuaye heshima hii kwa ajili yake mwenyewe, lakini badala yake, lazima aitwe na Mungu, kama alivyokuwa Haruni.
5 Saizvozvowo Kristu haana kuzvitorera iye kubwinya kwokuva muprista mukuru. Asi Mwari akati kwaari, “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako.”
Hata Kristo hakujipa heshimu mwenyewe kwa kujifanya mwenyewe kuwa kuhani mkuu. Badala yake, Mungu alisema kwake, “Wewe ni mwanangu, leo nimekuwa Baba yako.”
6 Uye akati, pane imwe nzvimbo, “Ndiwe muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerikizedheki.” (aiōn g165)
Ni kama asemavyo pia sehemu nyingine, “Wewe ni kuhani milele baada ya mfumo wa Melkizedeki.” (aiōn g165)
7 Pamazuva oupenyu hwaJesu panyika, akauya kuna iye akanga achigona kumurwira parufu neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, uye akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari.
Wakati wa kipindi chake katika mwili, aliomba na kuombea, alimwomba Mungu kwa machozi, kwa yeye awezaye kumwokoa kutoka kwenye kifo. Kwa sababu ya unyenyekevu wake kwa Mungu, alisikiwa.
8 Kunyange zvake akanga ari mwanakomana, akadzidza kuteerera kubva pakutambudzika kwake
Ijapokuwa alikua mwana, alijifunza kutii kwa mambo yaliyomtesa.
9 uye akati akwaniswa, akazova muvambi wokuponeswa kusingaperi kuna vose vanomuteerera (aiōnios g166)
Alikamilishwa na kwa njia hii alifanyika kwa kila mtu amwaminiye kuwa sababu ya wokovu wa milele, (aiōnios g166)
10 uye akanzi naMwari ave muprista mukuru worudzi rwaMerikizedheki.
kwa kutengwa na Mungu kama kuhani Mkuu baada ya zamu ya Melkizedeki.
11 Tine zvizhinji zvokutaura pamusoro peizvi, asi zvinorema kuzvitsanangura kwamuri nokuti munononoka kunzwisisa.
Tuna mengi ya kusema kuhusu Yesu, lakini ni vigumu kuwaelezea kwa kuwa ninyi ni wavivu wa kusikia.
12 Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi pari zvino munotoda mumwe munhu kuti akudzidzisei zvakare zvokwadi yezvokuvamba zveshoko raMwari. Muchiri kuda mukaka, kwete zvokudya zvikukutu.
Ijapokuwa kwa kipindi hiki mlipaswa kuwa walimu, bado kuna umuhimu wa mtu kuwafundisha mafundisho ya awali ya kanuni za neno la Mungu. Mnahitaji maziwa na si chakula kigumu.
13 Mumwe nomumwe anoraramiswa nomukaka, achiri mucheche, haasati anzwisisa dzidziso pamusoro pokururama.
Kwa kuwa yeyote anywaye maziwa tu hana uzoefu katika ujumbe wa haki, kwa kuwa bado ni mtoto.
14 Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, avo vakazvidzidzisa nokuramba vachizviita, kutsaura zvakanaka kubva kune zvakaipa.
Kwa upande mwingine, chakula kigumu ni cha watu wazima, wale ambao kwa sababu ya uzoefu wao katika kutofautisha haki na ubaya wamefundishwa kutambua jema na ovu.

< VaHebheru 5 >